"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

KEREKE  YAMWARI  YECHOKWADI

     Newungano dzezvitendero dzingangodarika zana dzakasiyana siyana nhasi dzose dzichizviti ndiro kereke yaMwari yechokwadi, asi dzose dzichipikisana pane zvinotendwa, kuti dzose dzinoumba kereke yaMwari yechokwadi here? Kwezvuru zvemakore mubvunzo uyu wanetsa wokuti nderipi kereke yaMwari? Tingaziva sei chokwadi?
     Kunzwisisa zvokwadi iyi inokosha ndiko kuwana rusununguko muna Jesu Kristu, asi kukoniwa kunzwisisa ndiko kurambira muhusungwa nohuranda kuna Satani. Zvinokosha kwazvo kuti mumwe nomuwe azvipe nguva yokudzidza pachake kuti anzwisise kuti ndiani uye kuti chii chinoumba sangano raMwari rechokwadi?


TINGANZWISISE SEI?

     Nzira imwechete yoga yokuti tinzwisise myaya iyi ndeyokuti tiwane ruzivo nehuchenjeri; asi kubva kupi? Tingavimba bedzi noruzivo nohuchenjeri hwatingawana panyika here? Kwete, nokuti tinogona kuzova vavengi vaMwari (ona Jakobo 4:4). Tingavimba zvino bedzi noruzivo uye nohuchenjeri kubva kune vamwe vanhu here? Kwete, nokuti kana tikavimba nemashoko evamwe vanhu – vangava Papa kana muprista, mufundisi kana mukuru, guru kana Shaman – tinozova vakatukwa (ona Jeremiah17:5). Zvino tingavimba bedzi nohuchenjeri hwedu here? Kwete, nokutihupenzi (ona 1 vaKorinte1:19-20, 3:19).
     Zvino ndekupiko kwatingawana ruzivo nohuchenjeri hwokuti tinzwisise kuti ndiani uye kuti chii chinoumba kereke yaMwari? Kunofanira kuva kubva kuna Mwari pachake, uye netsitsi anotivimbisa kutipa tose ruzivo nehuchenjeri hwatingada kuti tinzwisise zvokwadi yake (ona Jakobo 1:5; Johane 7:17, 14:26). Huchenjeri noruzivo rwunobva kuna Mwari, sezvarwunowanikwa mushoko rake rakafemerwa noMweya wake, munofanira kuva imo chete hwaro nematingavimba namo mukuedza kunzwisisa zvokwadi yenyaya iyi inokosha.
     “Dzokerai kumurairo nokuzvipupuriro, kana vasingataure sezvinoreva shoko iri, havangavi nechiedza mavari.” Isaya 8:20.

     “Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kupatsanura shoko shoko razvokwadi.” 2 vaTimotio 2:15.


KUTI KEREKE YAMWARI YECHOKWADI ISANGANO
RECHITENDERO HERE?

     Vazhinji vakadzidziswa kuti kereke yaMwari yechokwadi isangano rechitendero rakazvipira mukunamata Mwari. Panova nechidiso chikuru chokutsvaka sangano rechitendero rokubata naro; asi ripi racho? Kusarudza rimwe kubva pazana amasangano aya kana kudarika, rimwe nerimwe richitaura zvine udzamu kuti ndiro chairo uye roga kereke rechokwadi raMwari, chinogona kuva chinhu chakaoma zvikuru! Vamwewo vakapa pfungwa dzavowo vachiti hazvina mutsauko wazvinopa kuti wasarudza ripi nokuti masangano ose ezvitendero anotungamirira kudenga. Izvi zvinonzi zvinoitika nokuti vanhu vakatendiswa kuti vanofanira kuva nhengo kana kuti zvimwe kubatana nerimwe sangano kuti vagogona kunamata Mwari, kuti vaverengwe pamwechete nekereke yake yechokwadi, uye kuti vagozowana ruponeso. Asi izvi handizvo zvinodzidziswa nemagwaro pamusoro pekereke yechokwadi yaMwari!
     Jesu akataura pamusoro pake nekereke yaMwari yechokwadi achiti:
     “Ndini mufudzi akanaka, ndinoziva makwai angu, namakwai angu anondiziva ini….ndinorashira makwai angu upenyu hwangu…richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” Johane 10:14-16.

     Jesu akatsanangura kuti Mwari ane “boka rimwe” bedzi kana kereke imwe yechokwadi, kwete mazhinji! Zvokwadi iyi yorugwaro inopokana nepfungwa yokuti masangano ezvitendero ose anoumba kereke yaMwari pamwechete. Izwi rokuti “boka” rinodudzirwa zvimwechete nerokuti “danga” (ona Strong’s Concordance, #4167). Nokudaro ndiani kana chii chinoumba kereke iyi aMwari yechokwadi, “boka rake rimwe”, kana  “danga rimwe”? Sezvo masangano ose haangavi boka rimwe, kuti danga rimwe raMwari ringava rimwewo sangano rechitendero here?
     “Asi imi, makwai(danga)angu, makwai(danga)anofudzwa neni, muri vanhu, neni ndiri Mwari wenyu – ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Ezekieri 34:31.

     Kereke imwechete yechokwadi yaMwari, boka rake rimwe, danga rake rimwe nhasi harisi sangano rechitendero – hazvina basa kuti zita rayo ringava rapamusoro soro zvakadini, kana kuti vanozviti vanonamata zvakadini – nokuti kereke yaMwari imwechete yechokwadi inoumbwa navanhu. Tinofanira kuti tinzwisise zvokwadi iyi inokosha, yokuti kereke yaMwari inoumbwa navanhu uye kwete wungano yechitendero, kutira kuti tive vakasununguka munaJesu kuti tirege kuramba tiri muhuranda nehusungwa kuvanhu!


KEREKE YECHOKWADI YAMWARI VANHU!

     Ruzivo rwakanaka urwu rwokuti kereke yaMwari inoumbwa navanhu uye kwete rimwewo sangano rechitendero, ndirwo rwunokusunungura munaJesu, uye rwunokutungamirira kuti unzwisise zvakwana dzimwe nyaya dzine ukama nekereke yaMwari. Pane kuti, rutendo rwokuti kereke yaMwari yachokwadi isangano rechitendero, rwunokusiya uri muhuranda kuvanhu, uye nokusanzwisisa dzimwe nyaya dzine ukama nekereke yaMwari.
     Vamwe vanodaro varikunetseka kuona musiyano uripakati papfungwa mbiri idzi, nokudaro ngationgororei miono ine ukama nenyaya iyi inotevera, kuti zvigova pachena kuti sei imwe ichitungamirira kukusununguka munaKristu, imwe kuhuranda kuvanhu.
     Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari anovimbisa kupa zororo kuna vose vakaneta (Isaya 28:12, 30:15; Jeremiah 6:16). Nokunzwisisa kuti kereke yaMwari inoumbwa navanhu, nokudaro tinogona kuwana zororo redu bedzi mumwe nomuwe wedu kuburikidza nokuenda kunaJesu (ona Mapisarema 37:7; Mateo 11:28-30), uye kana tikasarudza kubva kwaari, saizvozvo tinobva tarasikirwa nezororo redu neruponeso. Pane kunzwisisa kunoti kereke yaMwari isangano rechitendero, nokudaro tinogona kuwana zororo redu bedzi nokuenda kusangano rechitendero uye kana tikasarudza kusiya sangano rechitendero, saizvozvo tinotenda kuti tinenge tarasikirwa nezororo redu uye tava vakarasika.

     Bhaibheri rinodzidzisa kuti kereke yaMwari muviriwaKristu(ona 1 vaKorinte 12:27; vaEfeso 1:23, 5:30). Nokudaro mukunzwisisa kuti kereke yaMwari yechokwadi inoumbwa navanhu, saizvozvo tinobva tava pamwechete nomuviri waKristu kuburikidza nokubatana naKristu pachake uye tobhapatidzwa (ona vaGaratia 3:27-29; Mateo 12:30; vaRoma 12:5; Marko 16:16). Uye kana tikasarudza kubva kunaKristu, saizvozvo hatichiri pamwechete nomuviri wake kana kuti kereke uye saizvozvo tinobva tava vakarasika. Pane kunzwisisa kunoti kereke yaMwari isangano rechitendero, naizvozvo tinogona kuva pamwe nomuviri waKristu kuburikidza nokupinda sangano nokubapatidzwa. Uye kana tikasarudza kubva kana zvimwe tadzingwa kubva kusangano rechitendero, saizvozvo tinogona kutenda kuti hatichiri pamwechete nomuviri waKristu uye tarasika.
     Bhaibheri rinodzidzisa zvakare kuti vanhu vaMwari vachawana kusafa kana kuti upenyu husingaperi (ona vaRoma 2:7). Nokunzwisisa kuti kereke yaMwari inoumbwa navanhu, saizvozvo tinogona kuwana upenyu husingaperi chete kuburikidza naJesu(ona 1 Timotio 1:16-17; 1 Johane 1:1-2; Johane 1:1-4, 14:6), uye nokuzviparadzanisa pachedu kubva kunaJesu, hatina mukana wokuwana upenyu husingaperi noruponeso. Kozotiwo kunzwisisa kwokuti kereke yaMwari isangano rechitendero, naizvozvo tinogona kuwana upenyu husingaperi kuburikidza nesangano, uye nokuzviparadzanisa pachedu kubva kusangano tinotenda kuti hatichina mukana wohupenyu husingaperi kana ruponeso.


NYAYA IYI INECHOKUITA NERUPONESO RWAKO!

     Miono iyi yose inosanganisira nyaya yoruponeso rwako! Bhaibheri zvirokwazvo rinodzidzisa kuti tinofanira kuponeswa (ona 1 Timotio 2:3-4). Nokunzwisisa kuti kereke yaMwari inoumbwa navanhu, naizvozvotinogona mumwe nomumwe wedu kuwana ruponeso kuburikidza nokuzvibatanidza pachedu kunaJesu Kristu (ona Johane 3:17; Isaya 45:22; Mabasa avaApostora 2:21, 4:10-12, 15:11, 16:30-31; vaRoma 5:9-10), uye mukuzviparadzanisa kubva kuna Kristu, tinobva taraswa. Pane kunzwisisa kuti kereke yaMwari isangano rechitendero, naizvozvo tinogona kuwana ruponeso rwedu nokuzvibatanidza nesangano, uye mukuzviparadzanisa kubva kusangano, tinotenda kuti taraswa.


RUSUNUNGUKO KANA HURANDA?

     Ndinonamatira kuti ukwanise kuona zviri pachena mutsauko mukuru uri pakati pepfungwa idzi mbiri uye nenzira yaino kutungamirira kutevera. Imwe inotungamirira kukusununguka kwakakwana uye nomufaro muna Kristu, imwe ichitungamirira kuhusungwa hwakakwana nehuranda kuvanhu! Imwe ichokwadi yeEvangeri yeBhaibheri inotsamira muna Jesu, imwe inhema inoyisa yeKatorike inotsamira munaSatani! Ndinovimba kuti uchakwanisa kuzvinzwisisa zvakakwana kuti kana ukatenda kuti kereke yaMwari yechokwadi isangano rechitendero, kuti unenge uri muhusungwa kuvanhu vanenge vachitungamirira sangano iroro. Uye, kunyanya,  kuti unenge wabirwa Kristu kubva kwauri saMuponesi wako nokuti sangano rinenge ratora nzvimbo yake – rinobva rava chinhu chaunoshumira nenzvimbo inobva ruponeso rwako!
     Muono uyu unosuwisa, wesangano richiitwa chinhu chokunamata panzvimbo yaKristu, ndizvo chaizvo izvo vanhu vechiJuda vakatungamirirwa machiri.
     VaJuda vakapa mhosva Stefano yokutaura “mashoko anomhura imba iyi tsvene” kana temberi yavo (ona Mabasa avaApostora 6:13). Uye mashoko aStefano aive api?
     “Soromoni akamuvakira (Mwari) imba. Asi Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa namaoko, sezvazvakarebwa nomuporifita, achiti: denga ndicho chigaro changu choushe, nenyika chitsiko chetsoka dzangu; muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi? Ko ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?” Mabasa avaApostora 7:47-50.

     Stefano akange ari kutaurira nhengo dzose dzesangano rechiJuda kuti munguva ino yesungano itsva, Mwari haachagari mune zvakavakwa, asi anodisa kugara mumoyo womumwe nomumwe wevanhu vake kuburikidza naJesu Kristu. Nemamwe mazwi, Stefano ainge arikuvataurira kuti mumwe nomumwe anoda kunamata Mwari anofanira kunamata mumweya nomuzvokwadi, kuti hakuna aifanira kunge ari wesangano rechitendero kana kushanyira temberi kuti animate Mwari. Tingati, mumwe munhu akabvunza Kristu mubvunzo iwoyu pamusoro pezvekuva wesangano, uye ndapota verenga zvakanaka mhinduro yake:
     “Mukadzi (weSamaria) akati kwaari: Ishe ndinoona kuti muri muporofita. Madzibaba edu ainamata pagomo iri (temberi yepagomo reGerizimu); imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa. Jesu akatikwaari: Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti (shoko re) ruponeso rwunobva (rakapiwa) kuvaJuda. Asi nguva inouya , nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi, vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaga vakadaro kuzovanamata. Mwari ndiMweya: vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.” Johane 4:19-24.

     Nokudaro kereke yaMwari yechokwadi haiumbwi nesangano rino kana iro, asi rinoumbwa nomunhu mumwe nomumwe anonamata Mwari mumweya nezvokwadi. Haufaniri kutsvaga sangano ripi zvaro kuti unamate Mwari, asi unogona kumunamata mudzimba dzenyu chaidzo – sezvakasarudzwa kuitwa navateveri vaKristu (ona vaRoma16:5; 1 vaKorinte16:19; vaKorose 4:15; Firemoni 2).


HATICHIRI PASI PETSIKA YESUNGANO YEKARE

     Chokwadi cheBhaibheri chinoti hatichiri pasi petsika yesungano yekare apo huvepo hwaMwari hwaigara mutemberi yakavakwa uko vanhu vaifanira kuenda kuti vanamate Mwari. Asi tiri pasi pemuitire wesungano itsva, umo huvepo hwaMwari hunofanira kugara mutemberi yemiviri yedu – mumoyo nomundangariro dzedu – maanoda kunyora mitemo yake!
     “Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba Israeri kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo, napamoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.” vaHeberu 8:10.

     “…Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakataura, achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.” 2 vaKorinte 6:16.

     Rumbidza Mwari nokunzwisisa uku kwechokwadi! Ikozvino mumnhumumwe nomumwe haachafaniri kuramba ari muhusungwa kuhuprista hwakatsauka kana kusangano rakaputsika, asi vanogona kuwana rusununguko munaJesu Kristu!
     Kana rimwe sangano rechitendero, kana wungano rokunamata rikataura kuti ndiro kereke yaMwari yechokwadi, uye saizvozvo kuti ruponeso rwako rwuri munjodzi kana ukasarudza kuparadzana kubva kwariri, ipapo unofanira kuziva kuti vakarasha Kristu kunze kwesangano ravo uye kuti vakatora nzvimbo yake pakati pevanhu vavo! Asi izvi ichokwadi sei?
     Bhaibheri rinodzidzisa kuti “muna” uye “kuburikidza” naJesu Kristu chete:
     – tinowana “chokwadi” (Johane 14:6);
     – tinobva tava nerupande musungano itsva (2 vaKorinte 3:13-18);
     – tinowana “rudzikinuro” (vaRoma 3:24; vaEfeso 1:7);
     – tino  “ruramiswa” (Mabasa avaApostora 13:39);
     – tinova vakarurama (Jeremiah 23:6; 2 vaKorinte 5:21);
     – tine “rugare” naMwari (vaRoma 5:1; vaFiripi 4:7; vaKorose 1:20);
     – tinowana “masvikire” kuna Baba (vaEfeso 2:18);
     – Mwari anotiratidza “hunyoro hwake” (vaEfeso 2:7);
     – tinowana “nyasha” (2 Timotio 2:1; vaEfeso 2:7);
     – tinogamuchira “Mweya mutsvene” (Tito 3:5-6);
     – tinova “vakachenjera” (1 vaKorinte 4:10);
     – tinova “vapenyu” uye “tinorarama” (vaRoma 6:11; vaFiripi 1:21; 1 Johane 4:9; Johane 4:6);
     – Mwari anoshanda matiri (vaHeberu 13:21);
     – tinoitwa “vatsvene” (1 vaKorinte1:2);
     – tinokwaniswa (vaKorose 1:28);
     – tingaita zvinhu zvose (vaFiripi 4:13);
     – tiri vakundi (1 vaKorinte 15:57);
     – tinokurira chivi (2 vaKorinte 2:14);
     – tinoramba takatendeka (vaEfeso 1:1);
     – tinogona “kuchengetedza” muhutsvene (Judas 1:1);
     – tinova mwana uye “mudyi wenhaka yaMwari” (vaGaratia 4:7);
     – tino “fara” uye “nokubwinya” muna Mwari (vaRoma 5:11, 15:17);
     – tinowana “zvikomborero zvapamweya” (vaEfeso1:3);
     – tinova “vafumi” (2 vaKorinte 8:9);
     – tinogara “munvzimbo dzokudenga” (vaEfeso 2:6);
     – tinopunyuka kubva “kukutsamwa kwaMwari” (vaRoma 5:9);
     – tinozomutswa kana tikange tafa Kristu asati adzoka (Johane11:25);
     – tinowana “ruponeso” rwedu uye “tichaponeswa” (2 Timotio 2:10; Johane10:9, 3:17);
     – tinowana “upenyu husingaperi” (2 Timotio 1:1; vaRoma 6:23; 1 Johane 5:11-12).

     Ndicho chikonzero TARIRO YEDU YOGA YAKAVAKWA CHETE MUNA UYE KUBURIKIDZA NASHE JESU KRISTU (1 vaTesaronika 1:3), nokuti chipi nechipi uye zvose zvakanaka matiri zvinouya bedzi kuburukidza naye (Firemoni 6)!


JESU KRISTU DOMBO REDU

     Zviripamusoro zvinoisa pachena zvisina mubvunzo uye zvakaperera kuti sei nheyo yekereke yaMwari yechokwadi ichigona kuvakwa chete pana Jesu Kristu – dombo rakasimba uye rinogara nokusingaperi (ona 1 vaKorinte 10:4, 3:11; Mapisarema 62:2, 18:2, 92:15; 2 Samueri 22:32)! Hakuna sangano rechitendero, wungano yechitendero, vatungamiriri vemasangano, huprista, murume kana boka ravarume, vangakupa chimwe chezvose zvataurwa pamusoro muzvokwadi. Munhu mumwechete oga  anogona zvirokwazvo kukupa zvose zvezvinhu izvi muzvokwadi ndiJesu chete, kwete Petro, kana Papa, kana Bhudha, kana Krishna, kana Mohammed, kana Maitreya, kana mumwewo zvake munhu – asi Jesu Kristu chete! Kuburikidza uye muna Kristu chete ndipo patingawana zvinhu zvose, patinowana vimbiso yoruponeso uye tigova vamwe vekereke rake rechokwadi. Asi kunze kwaKristu hatina, uye hatizi chinhu!
     Asi zvokwadi iyi ywBhaibheri yokuti ndiani uye chii chinoumba kereke yechokwadi yaMwari inotungamirira kuti tibvunze mibvunzo inotevera inokosha: “Tingaita sei kuti mumwe nomumwe wedu ave mumwe wekereke yechokwadi  panyika uye tingaita sei kuti tirambe tiri pamwe nayo? Uye kuti kuwadzana navamwe vatendi vechokwadi zvinokosha here?”

     Kiti muwane mhinduro dzeBhaibheri pamusoro pemibvunzo iyi inokosha, tapota shanyirai web site iripa: www.TrueChurchofGod.info.