"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

NDINGAITE  SEI  KUTI  NDIPONESWE?

     Vanhu vakawanda varikubvunza mubvunzo mumwechetewo sewakabvunzwa navazhinji pazuva rePentekosti. Mushure mekunge vabatikana ne shoko, vakadanidzira vachiti, varume,  hama, tichaiteiko?” Mabasa avaApostora 2:37-38.

     Pane vakawanda varikukundikana kunzwisisa zvinoreva kutendeuka. Vazhinji vanochema kuti vatadza uye vanotomboedza kushandura maitiro avo nechikonzero chokutya matambudziko anozovawira nemhaka yokuita kwavo kwakaipa. Asi uku handikutendeuka kwechokwadi sezvinoreva Bhaibheri. Vanochema pamusoro pedambudziko ringazovawira kwete pamusoro pechivi.
     Bhaibheri haridzidzisi kuti mutadzi anofanira kutendeuka asati anzwa kukoka kwaKristu kuti, “Uyai kwandiri imi mose makaneta, makaremerwa, ini, ndichakupai zororo” Mateo 11:28. Simba rinobva kuna Kristu ndiro rinotungamirira munhu kukutendeuka kwechokwadi. Petro wakajekesa nyayaiyi kuvaIsraeri paakati, “Mwari wakamusimudza iye noruoko rwake rworudyi, ave Mutungamiriri noMusununguri, kuti ape vaIsraeri kutendeuka nekanganwiro yezvivi” Mabasa avaApostora 5:31. Hatingatendeuki tisina mweya waKristu kuti umutse ndangariro dzedu kana kuregererwa pasina ropa raKristu.

     Kristu ndiye muvambi wezvose zvakanaka zvatinganzwa. Ndiye chete anogona kudzvara mumoyo yedu ruvengo rwechivi. Zvidiso zvese zvaunazvo zvechokwadi nekuchena kwehupenyu, kuzvinzwa kwose kwaungaite pamusoro pokusarurama kwako, mucherechedzo wokuti Mweya wake uri kufamba mumoyo mako.
     Kana moyo uchinge wazvipa kukusevenza kweMweya waMwari, ndangariro dzinomutswa, uye mutadzi anotanga kuona chimwe chinhu pamusoro pokudzama nekukosha kwehwaro hwehurumende yaMwari kudenga napasi – ndiwo mutemo wake mutsvene. “Chiedza chinovhenekera munhu mumwe nomumwe unouya munyika,” chinovhenekera dzimba dzakavanzika dzemoyo, uye zvakavigwa zvedima zvinoiswa pachena (wona Johane 1:9). Ndangariro nemoyo zvinobatikana. Mutadzi anotanga kunzwisisa kururama kwaMwari uye unotanga kutya kuzowanikwa, ari mutadzi, nokusachena, pamberi pounonzvera moyo. Unotangazve kuona rudo rwaMwari, kunaka kwohutsvene, nomufaro wokuchena; Unoshuva kucheneswa nokudzoreredzwa muhukama nedenga.
     Jesu wakati, “Neni kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri” Johane 12:32. Kristu anofanira kuratidzwa kwauri saMuponesi wakafira zvivi zvalo pamwechete nezvenyika; uye apo unotarira Gwaiana raMwari pamuchinjiko weKarivari, chakavanzika choruponeso chinotanga kuzaruka kundangariro yako uye kunaka kwaMwari kunokutungamirira kukutendeuka. Mukufira vatadzi, Kristu wakataridza rudo rwunoshamisauye apo unotarira rodo urwu, runonyorovesa moyo, rwunobata ndangariro uye zvinounza kubatikana kwomoyo.
     Unogona kudzivisa rudo urwu kusevenza mauri uye unogona kuramba kukweverwa kuna Kristu; asi kana ukasadzivisa, unokweverwa kuna Kristu chaiko. Uye apo unotarira Muponesi ari pamuchinjiko weKarivari, unogona kushamiswa uye wobvunza uchiti, “Sei munhu uyu ari kufa?” Mhinduro inoti; imhaka yechivi. Chivi ndicho chikonzero nei Kristu wakafa. Asi chii chinonzi chivi? Kudarika murairo (1 Johane 3:4). Murairo upi? Mitemo yaMwari inegumi.
     Apo tino tarisisa mitemo iyi inegumi, zvinova pachena kuti hakuna wakaichengeta zvakakwana uye nokudaro kuti vose vakatadza vanofanirwa norufu (vaRoma 3:23, 6:23). Asi tikaongorora upenyu hwaKristu hwakakwana, zvinoonekwa kuti Iye wakachengeta mitempo yaBaba vake yose uye haana kutadza, saka sei wakafa pamuchinjiko? Nokuti Baba vakatumira Jesu kuti aponese vatadzi kubva pamurango worufu.
     Mutadzi anotanga kuona rudo rwunotyisa urwo Mwari Baba vanarwo kwaari mukumutumira Mwanakomana Wake wakaberekwa ari mumwe oga kuti atore nzvimbo yomutadzi pamurango wechivi, uye kuti Jesu agomudazve zvakadaro zvokuti akazvipira kutambudzika pamuchinjiko. Zvinotanga zvekare kuvapachena kuti dai pasina akatyora mitemo yaMwari, Kristu angadai asina kufa.
     Mutadzi anotanga kunzwisisa zvekare kuti nemhaka yokuti akasarudza kutadza, Iye anemhosva yokuroverera Muponesi pamuchinjiko ndokumuuraya. Mukunzwisisa izvi moyo wake unobva waputsika, uye kuti kana pasina kuregererwa kwezvivi zvake unofanira kuraswa. Nokudaro, zano rose reruponeso – Kristu seMudzikinuri wedu, wakatora nzvimbo yedu, uye Muprista wedu Mukuru pamberi paMwari kuti zvivi zvedu zvidzimwe – rinotanga kuzaruka pamberi pameso ake. Anoona kuti Kristu ndiye tariro yake yoga yoruponeso, Mubatanidzi pakati paMwari navanhu, Iye oga anogona kumira pamukaha wakaitwa nechivi kuti amudzosezve muhukama nemukuwirirana naMwari nemutemo wake zvekare (1 Johane 1:9).

     Saka nokuda Mwari naKristu, mutadzi anoita sarudzo yokusatyora mitemo yaMwari zvakare. Asi izvi zvinoitika sei? unotanga kushamiswa. “Ndingasatadza zvekare sei?” Ko Kristu, zvaakararama panyika, wakakurira miyedzo pamatanho ose sei? Nokuda kwokutenda, Kristu waigamuchira simba nenyasha kubva kuna Baba vake kuti agone kurwisana nemiyedzo yose uye kuti arege kutadza. Kristu wakakurira kurwisa kwose kwaSatani nokuita kuti mitemo yaMwari inyorwe mumoyo wake uye nokuita kuda kwaMwari (Mapisarema 40:8, 119:11). Nokudaro, mutadzi umwe neumwe, nokurarama kutenda kumwechete sekwaKristu munaMwari, mutemo waMwari unonyorwa unonyorwa mumoyo make uye unopiwa nyasha nesimba kubva kuna Mwari kuburikidza naKristu kuti agone kukurira miyedzo yose nokukurira kurwisa kwose kwaSatan nokuti unotevera uye unoita kuda kwaMwari.
     Nokudaro, kuburikidza nokuda Mwari naJesu Kristu uyo waakatuma, mutadzi anobva azvipira kuchengeta mitemo yaMwari uye nokuita kuda kwake. Kururama kwaKristu kunobva kwava kwake kuburikidza nokutenda, Mwari anobva avaBaba vake uye iye mwanw Wake (2  vaKorinte 6:14-18). Saka zvinobva zvava pachena kuti mitemo yaMwari ndiyo inopangidza zvizere chimiro chaMwari uye kuti Kristu ndiye kubwinya nokururama kwomutemo uyu.
     Kana uchida chimwe chinhu icho nyika isingagoni kupa, cherechedza chidiso ichi senzwi raMwari mumoyo mako. Mukumbire kuti akupe kutendeuka kwechokwadi, kuti akuratidzeKristu norudo rwake rwakaperera uy nokuchena kwake kwakakwana. Muhupenyu hwaMuponesi, zvimiso zvomutemo waMwari – rudo rwepamusoro kuna Mwari uye rudo kuhama yako – zvakapangidzwa zvizere. Kuita kwake kwakanaka uye norudo rwake rusina chindini ndizvo zvaiva hwaro hwokuita kwake kwose. Kana tikatarira chete kuna Kristu uye nokutendera chiedza kubva kuna Muponesi kuwira pamusoro pedu, ndipo patinotanga kuona huipi hwemoyo yedu uye nokudisa kuti Kristu atichenese nokutizadza noMweya wake.
     Ungadaro wakambofunga kuti upenyu hwako hwakazara nokuita zvakanaka uye hunhu hwako hwakachena, uye ukafunga kuti haufaniri kuninipisa hana yako pamberi paMwari somutadzi zvake: asi kana chiedza chaKristu chavhenekera mukati memoyo wako, uchaona kuti chivi chakasvibisa kuita kwako kwese kwehupenyu. Ipapo uchaziva kuti kururama kwako inguwo dzakasviba (Isaya 64:6), uye kuti ropa raKristu roga rinokuchenesa pakusviba kwechivi, rinovandudza hana yako mukufanana naye.

     Chadzera chimwe chokubwinya kwaMwari, chadzera chimwe chokubwinya kwaKristu, chichipinda mumoyo, chinoita kuti kuipa kwose kunyanyise kuonekwa, uye chinobva chaisa pachena kuputsika nohutera hwechimiro chomunhu. Chinoburitsa pachena zvidiso zvedu zvakaipa, kusavimbika kwemoyo, kusachena kwemiromo yedu. Hakuna chivi chaitwa chinovanzwa, asi zvoichatipa mhosva mukati merutongo, kunze kwokunge tatendeuka uye kuti chafukidzwa neropa raKristu. Kuita kwose kwokusateerera mukutyora mitemo yaMwari hazvivanziki, asi zvichiswa pachena kumutadzi noMweya waMwari. Abatikana nazvo izvi zvose, mweya wake unochema, uye unozvidemba kana achitarira kuchena kwehunhu hwaKristu husina kana gwapa.
     Kana uchinge waona huipi hwako, usamirira kuti utange wazviita nani. Vazhinji vanotenda kuti havana kunaka zvokuti vangauya kuna Kristu, saka vanosarudza kuti vamire kusvikira vaita zviri nani. Asi haungatarisiri kuzviita nani nesimba rako (wona Jeremiah 13:23). Rubatsiro rwako rwoga rwuri muna Mwari. Usamirira kuti uwane zvinokusunda, kana mukana wakanaka, kana hana yakachena. Hapana chaunokwanisa kuita pachako. Unofanira kuuya kuna Kristu sezvauri.
     Asi usamirira kwenguva refu! Usazvinyengera nepfungwa yokuti Mwari, nekuda kwerudo rwake rwukuru, uye netsitsi dzake, uchaponesa kunyange nevanoramba nyasha dzake. Kuipa kukuru kwechivi kunogona bedzi kuverengwa pachiedza chepamuchinjiko. Kana vanhu vachiti, “Mwari haarasi mutadzi nemhaka yokunaka kwake”, ngavatarire pakarivari. Imhaka yokuti pakange pasina imwe nzira iyo vanhu vangaponeswa nayo zvazoita kuti Kristu azvipire kufa paKarivari. Psina chibayiro chinoshamisa ichi hazvaigoneka kuti rudzi rwavanhu rwupunyuke kubva pasimba rokusvibisa rechitema uye kuti vadzorerwe pahukama navatsvene vedenga: Hazvaibvira kuti vanhu vavewo nehupenyu hwapamweya. Nokudaro Kristu wakaisa pamusoro pake huipi hwavanhu ndokutambudzika panzvimbo yomutadzi. Rudo, kutambudzika nerufu rweMwanakomana waMwari zvinoparidza kukuipa kukuru kwechivi uye zvinopupura kuti hapana kupunyuka kubva pasimba racho, hapana tariro yohupenyu hurinani uye hwakakwirira asi bedzi kuburikidza nokuzvininipisa kwedu kuna Kristu.

     Adama naEva vakazvinyengera pakufunga kwavo vachiti mukuita chinhu chiduku chakadaro sokudya muchero wakarambidzwa hapana chinhu chikuru chinotyisa chaizoitika kwavari sezvakanga zvataurwa naMwariAsi chinhu chiduku icho kwaive kudarika mutemo waMwari mutsvene usingaparadzwe, uye zvakavaparadzanisa naMwari zvikazarura mukova werufu uye nhamo isingabviri panyika yedu. Denga rimene rakanzwa kuipa kwokupandukira Mwari. Karivari rinomira sechirangaridzo chechibayiro chinoshamisa chaidikanwa kuchenura kudarikirwa kwomurairo waMwari nemunhu. Tisatora chivi sechinhu chiduku. Chivi chaida mutengo unoshamisa wohupenyu hwoMwanakomana waMwari kuti rudzi rwavanhu rwudzikinurwe kubva kwachiri.
     Vazhinji vanongogamuchira chitendero chepfungwa bedzi, uri mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi moyo usina kuchenesa. Ngauve munamato wako kuti Mwari, “sikai mukati mangu moyo wakachena...uye vandudzai mukati mangu mweya wakarurama” Mapisarema 51:10. Iva nehanya kwazvo nehupenu hwakoIva wakatendeseka, uchishingairira, sezvaungaita nehupenyu hwako kana wasvika panjodzi – nokuti ndizvo zvauri! Iyi inyaya inofanira kugadziriswa pakati pako iwe naMwari. Kungove netarisiro, asi pasina chimwezve chokuita, zvichakuparadzisa.
     Dzidza shoko raMwari nomunyengetero. Shoko ireri rinoisa pamberi pako, mumutemo waMwari nehupenyu hwaKristu, zvimiso zvikuru zvohutsvene, “nokuti kunze kwahwo hakuna uchona Ishe.” vaHeberu 12:14. Rinozivisa pamusoro pechivi: rinonyatsozivisa nzira yoruponeso. Riteerere senzwi raMwari riri kutaura kwauri uye apo unoriteerera uchanatswa uye uchasunungurwa kubva kusimba rechitema kuburikidza nesimba nokushanda kwaMwari muhupenyu hwako. “Ko jaya ringanatsa seiko nzira yaro? kana richiichenjerera sezvinoraira shoko raMwari.” Mapisarema 119:9.

     “...shandirai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera: nokuti ndiye Mwari unoita mukati menyu kuda nokuita kuda kwake kwanaka.” vaFiripi 2:12-13.

     Apo unoona huipi hwechivi, apo unozviona zvauri, usazvidya moyo. Kristu wakauya kuponesa vatadzi. Hatigone kuzviyananisa naMwari, asi – Aha rudo runoshamisa! – Mwari ari kuyananisa nyika naye muna Kristu” 2 vaKorinte 5:19. Ari kukwevera moyo yavana vake vanotadza norudo runoshamisa. Hakuna mubereki panyika wamboita moyo murefu nekutadza uye nemhosho dzavana vake sezvinoita Mwari kunaavo vaanoda kuponesa. Hakuna unganyevera mutadzi zvakadzama. Hakuna miromo yavanhu yakamboyambira mutadzi zvakadzama, sezvaanoita Iye. Vimbiso dzake dzose, uye yambiro dzake, kufemera kwerudo rwake rwusingataurwi.
     Kana Satani akauya kukutaurira kuti uri mutadzi mukuru zvakadaro zvokuti hazvina maturo kushandira Mwari, tarira kuMudzikinuri wako uone chiedza chake ugotaura zvomutsa wake. Bvuma zvivi zvako, asi taurira muvengi kuti, “Kristu Jesu wakauya munyika kuponesa vatadzi” uye kuti unoponeswa nerudo rwake, rwusingaenzaniswi (ona 1 Timotio 1:15).
     Taimbove vatadzi vakuru, asi Kristu wakafa kuti tigoregererwa zvachose. Mutsa wechibayiro chake wakakwana kuti aise pamberi paBaba vake panzvimbo yedu. Kuna avo vaakaregerera zvikuru vachamudawo zvikuru, uye achamira pedo nechigaro chake choushe vachimurumbidza nokuda kwerudo rwake rwukuru nechibayiro chinoshamisa. Kana tichinge tanzwisisa zvakakwana rudo rwaMwari ndipo patichanyatsonzwisisa kuipa kwechivi. Kana tikaona kurea kwengetani yakaburutswa kubva kudenga nokuda kwedu, kana tikanzwisisa chimwe chinhu pamusoro pechibayiro chinoshamisa icho Kristu akaita nokuda kwedu, moyo unonyunguduka norudo uye nokubatikana.

     Kutendeuka kubva kuzvivi zvedu kwakakosha (ona Zvirevo 29:1; Ruka 13:2-5;  Zvakazarurwa 2:5), asi tikasatendeuka, hazvina zvazvinotibetsera. Tinofanira “kubereka...zvibereko zvakafanira kutendeuka” Ruka 3:8. Nemamwe manzwi tino fanira kurega zvakaipa uye nokurasha zvivi zvedu (ona Zvirevo 28:13; vaEfeso 4:17-32). Asi tisarega basa rokusiya zvakaipa zvedu uye nokutsvaga kuchena kwomoyo kuburikidza naJesu, nokuti chivi, hazvina basa kuti chaonekwa sechiduku, chinongoitwa kusvikira chaparadza mweya wako. Icho chatisingakundi chichatikunda uye choshandira kutiparadza. Kana tikasarudza kutadza, tiri varanda vechivi uye vasungwa kumuvambi wacho – ndiye Satani (ona Johane 8:34; vaRoma 6:16; 2 Petro 2:19; 1 Johane 3:8). Mubayiro uyo Satani unopa varanda vake hauna kukwana kuti vararame – “nokuti mubairo wezvivi rufu” (vaRoma 6:23). Asi tikasarudza kushandira Mwari, tinosunungurwa kubva kuchivi kuburikidza naKristu. Izvo Kristu unopa kuvateveri vake vakavimbika zvakakwana kuti vararame – nokuti “chipo chokungopiwa chaMwari ndiwo hupenyu husingaperi kuburikidza naJesu Kristu Ishe wedu” vaRoma 6:23.
     Asi kutadza kwako kwose, kushaya hanya kana kuramba kwose nyasha dzaKristu zviri kutokukanganisa; zviri kuomesa moyo wako, zviri kushayisa ndangariro yako simba, zvirikuremadza kunzwisisa kwako. uye hazvisikungokushayisa simba rokuzvipa, asi zviri kutokupedza simba rokuzvipa kunyevero dzakasimba dzoMweya Mutsvene waMwari.
     Kunyange kuita kumwechete kwakaipa, kana chidiso chimwechete chakaipa charamba chichidikanwa, zvinonyungudisa simba rose re Evangeri. Kuita kwese kwaipa kunosimbaradza mweya wako mukupandukira Mwari. Avo vanozvidza Mwari kana shoko rake rezvokwadi, vachakohwa gohwo rokudzvara kwavo.  Mukati meBhaibheri rose hamuna yambiro inotyisa inodzivisa kushamwaridzana nechivi seinoti mutadzi “uchabatwa namabote ezvivi zvake” Zvirevo 5:22.

     Kristu wakamirira kukusunungura kubva kuzvivi, haakumanikidzi kana usingadi; uye kana ukaramba uchitadza, pfungwa dzako dzinozvipa kukuita zvakaipa, ukashayiwa chido chokusunungurwa zvakadaro zvokuti hauxchagamuchiri nyasha dzake, chiizve chimwe chaangakuitire? Wazviparadza woga nokuramba rudo rwake. Asi aya haafaniri kuva magumo ako.
     “...Kristu Jesu wakauya munyika kuponesa vatadzi avo ini ndiri mutadzi mukuru.” “Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.” “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.” 1 Timotio 1:15; 2 vaKorinte 6:2; vaHeberu 3:7-8.