"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

MIRAWU  YEHUTANO  HWAKANAKA

     Dzidzo pamusoro pemirawu yehutano haina payakanyanya kudikanwa saiyezvino. Zvisinei nebudiriro inofadza mune zvinhu zvakawanda zvinounza kugara zvakanaka muupenyu, kunyange nomukurapwa kwezvirwere, kuderera kurikuita simba nokureba kwehupenyu hwavanhu kuri kutyisa. Zvinotsvaga kuti izvi zvitarisiswe zvikuru neavo vane hanya nehupenyu hwavo uyewo nehwehama dzavo.
     Zvirwere zvinomwe pane zvinegumi zvega zvega zvinobva pane mararamiro edu. Zvose zvatinoita, kana kusarudza kusaita, zvinogona kutiunzira utano kana chirwere. Uye zvinoita kuti zvinyanye kuipa, ndezvekuti kana tichinge tarwara, vazhinji havazvinetsi nokutsvagurudza chakonzera hurwere hwavo. Dambudziko ravo guru nderokuti vangabvisa sei marwadzo nokusagadzikana kwakanaka kwakonzerwa nourwere hwavo. Nokudaro vanoenda kuna chiremba kuti vapiwe mapiritsi okuti arwisane netuso rokusaita kwavo zvakanaka, vasina kuita shanduko yekararamiro kavo kasina utano. Kana kupora kukasakasika kuitika, mumwe mushonga unoedzwa uye mamwe matambudziko anorwiswa nerimwe piritsi.
     Ruzivo rwedu mune zvinogadzirwa rwurikukurudzira zvinhu zvakashata zvirikuparadza mirawu yakanaka. Vazhinji varikungokoshesa chimiro chokunze bedzi panzvimbo yokukoshesa utano hwomukati hwemiviri yavo. Kusazvidzore nokuparwa kwemhosva, zvirwere uye huipi zvazara kwese kwese. Vazhinji vanodarika mirayiro yezveutano nokusaziva, asi vazhinji vanofanira kuziva zviri nani – vanofanira kubatikana nokukosha kwokuwana ruzivo rwunounza uye rwunochengetedza utano hwakanaka.
     Nzira yakanaka inobatsira kugazdirisa dambudziko iri ndeye kudzidzisa vanhu pamusoro pemirawu chaiyo yeutano. Vanhu vanofanira kudzidziswa kuti samba rinodzoreredza utano uye rinorapa rinongowanaika bedzi mune zvakasikwa. Chirwere kuedza kwomuviri kuzvisunungura kubva kuzvimiro zvinounzwa kubva pakudarikwa kwemirayiro yeutano. Pahurwere, chakonzera chinofanira kutsvagisiswa. Zvimiro zvisingapi utano zvinofanira kushandurwa, kararamiro kakaipa kanofanira kugadziriswa. Pashure muviri unofanira kubatsirwa pakuedza kwawo kuburitsa tsvina uye nokuisazve chimiro chakafanira mumuviri.

     Mirawu inorapa yakareruka yemasikirwe edu inowanikwa mumhepo yakachena, chiedza chezuva, kuzvidzora kuzorora, kusimbisa muviri, kudya kwakakodzera uye kunovaka muviri, kushandiswa kwemvura, kuvimba musimba raMwari – iyi ndiyo mishonga yechokwadi. (Kuti uzive zvizhinji pamusoro pemurayiro umwe noumwe yeiyi mirayiro misere yeutano, tapota nyorera kukero yakapiwa kwokupedzisira kwechinyorwa chino). Munhu wese anofanira kuva noruzivo rwemishonga yemasikirwe edu uye kuti inoshandiswa sei. Zvinokosha kuti tinzwisise mirawu inosanganisirwa pakurapa varwere pamwe nokuwana dzidzo chaiyo inobatsira kuti munhu anyatsoshandisa ruzivo urwu.
     Asi kushandiswa kwemishonga yemasikirwe edu kunoda kushandira uye nokungwarira kusina vazhinji vanozvida. Kurapika kwemiviri yedu nokuvaka utano kunoitika zvishoma nezvishoma, zvakadaro zvokuti kune asina moyo murefu kunoita kunge kwanonoka. Kuregwa kwemaitire anokonzeresa urwere kunoda kuzvipira. Asi pakupedzisira zvinoonekwa kuti miviri pamwe nezvakasikwa kana zvisina kukanganiswa, zvinoita basa razvo zvakachenjera uye zvakanaka. Avo vanotsungirira mukuteerera mirayiro yemasikirwe edu vachakohwa mubayiro muhutano hwomuviri nehutano hwepfungwa.
     Pane kushaya hanya kukuru kunotaridzwa mukusachengetedza utano. Zvirinani kudzivirira hurwere pane kuziva kuti ungarapwa sei kana hwavapo. Ibasa remunhu mumwe nomumwe pachake, uyewo nokuda kwavamwe kutsvaga ruzivo pamusoro pemirayiro yeupenyu uye nokuiteerera nokuziva. Vose vanofanira kuva noruzivo pamusoro pechisikwa chinoshamisa zvikuru kupfuura zvimwe zvose, uri muviri womunhu. Vanofanira kunzwisisa mashandiro enhengo dzakasiyana siyana dzawo uye nokudyidzana kweimwe pamusoro peimwe kuti dzose dzive nohutano. Vanofanira kudzidza pamusoro pekushanda kwepfungwa pamusoro pemuviri, uye muviri pamusoro papfungwa uye nemirayiro yokushanda kwazvo.
     Hatifaniri kuyeuchidzwa kazhinji kuti utano haungoerekani hwauya. Utano ituso rokuteerera kumurayiro. Izvi zvinoonekwa muvatambi vekumhanya uye nemitambo yesimba. Vanhu ava vanoita gadziriro yavo yose. Vanozvipa kurovedza muvir zvakakwana pamwe nokuteerereswa kwemitemo yeutano. Kuita kumwe nekumwe kwapanyama kunonyatsocherechedzwa. Vanoziva kuti kushaya hanya, kuwandisa, kana kungozvobatawo, zvinoderedza simba kana kutadzisa imwe nhengo kana kushanda kwemuviri, zvinotungamirirra mukukundwa.
     Zvinokosha zvakadini kuti kungwarira kwakadai kuunze kubudirira muhondo yeupenyu. Hadzisi hondo diki idzo dzatiri kurwa madziri. Tiri kurwa hondo dzinechekuita nemugumo wedu. Tine vavengi vasingaonekwi vatakafanira kusangana navo. Mweya yakaipa irikurwira kutonga munhu mumwe nomuwe. Chimwe nechimwe chinokanganisa utano, hachingoshaisi simba rapanyama bedzi asi chinorerekera mukuderedza simba repfungwa nerepamweya. Kuzvipa mukaitire kasingapi utano kunoita kuti zvive zvakaoma zvikuru kupatsanura pakati pechanaka nechakaipa, uye saizvozvo zvive zvakaoma kukunda zvakaipa. Kunowedzera njodzi pakukundikana nokukundwa.

     Kazhinji munamato unokumbirwa pamusoro pevarikutambudzika nourwere, vakasuwa, nevari kushayiwa tariro;hongu izvi zvakanaka. Tinofanira kunyengeterera kuti Mwari agovhenekera chiedza mundangariro inedima nokunyaradza vane moyo yakasuwa. Asi Mwari anopindura munamato weavo vanozviisa mugwara rezvikomborero zvake. Apo tinonyengetera pamusoro pevakasuwa ava, tinofanira kuvakurudzira kuedza kubatira avo vanoda rubatsiro kuvapfuura. Dima richabviswa kubva mukati memoyo yavo pavanoedza kubatsira vamwe. Patinotsvaka kunyaradza vamwe nokunyaradza kwatakanyaradzwa nako, zvikomborero zvinodzoka kwatiri.
     Regai varwere, zvikuru vakavata kumba kana vari muzvipatara, panzvimbo yokutsvaka kunzwirwa tsitsi nguva dzose, vatsvage kunzwira tsisti ivo. Rega mutoro wokusasimba kwako nokusuwa uye nokurwadziwa ukandirwe pamusoro paMuponesi anetsitsi. Zarura moyo wako kurudo rwake, uye rega rwugoerera kune vamwe. Rangarira kuti vose vane matambudziko akaoma kutakura, miidzo yakaoma kukurira, uye unogona kuita chimwe chinhu kurerutsa mitoro iyi. Tenda Mwari pamusoro pezvikomborero zvaunazvo, yemura rudo nehanya zvaunoitirwa. Gara moyo wako wakazara nevimbiso dzinokosha dzaMwari kuti ugone kuburitsa kubva muchitubu ichi, mashoko anogona kunyaradza nokupa simba kuna vamwe. Izvi zvichakukomberedza nemweya unoda kubatsira pamwe nokusimudzira. Ngachive chinangwa chako kukomborera avo vakakukomberedza, uye uchawana nzira dzokuva munhu anobastira, nhengo dzemhuri yako nekune vamwe.
     Mabasa akanaka makomborero akapetwa kaviri, anobatsira muiti wawo neanogamuchira tsitsi dzacho. Kuziva kuti urikuita zvakanaka mumwe wemishonga yepamusoro soro kumiviri inorwara uye nepfungwa. Kana pfungwa yakasununguka uye ichifara kubva pakuziva basa raitwa zvakanaka uye nokugutsikana kwokupa mufaro kuna vamwe, chimiro chokufara nokusimudzira chinounza upenyu hutsva kumuviri wose.
     Kana ndangariro yako ingafukidzwa negore nokuda kwokurwadziwa, nokudaro usade kuedza kufunga. Iwe ziva kuti Jesu anokuda. Anonzwisisa kusasimba kwako. Unogona kuita kuda kwake bedzi nokungozorora mumaoko ake. Uye rangarira, rwiyo chombo chatinogona kugara tichishandisa kurwisana nemuedzo nokushaiwa tariro. Apo patinozarura moyo kuchiedza chezuva rehuvepo hwaMuponesi, tichava nehutano nechikomborero chake.
     “Wongai Jehovha, nokuti wakanaka;nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadzro, ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi.” Mapisarema 107:1-2.

     “Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza;Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. Zvirumbidzei muzita rake dzvene;moyo yavanotsvaka Kehovha ngaifare kwazvo.” Mapisarema 105:2-3.

     “Nokuti unogutisa mweya, une nyota, uye mweya, une nzara, unouzadza nezvakanaka. Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare…Ipapo vakachema kuna Jehovha munhamo yavo, akavaponesa pamadambuziko avo. Wakavabudisa parima nomumvuri worufu, akadamburanya zvisungo zvavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu.” Mapisarema 107:9-15.

     Ichokwadi kuti mifungo yedu uye nezvatinonzwa zvinoita kuti miviri yedu iburitse twumishonga twunoshandisa miviri yedu – kunyange pane zvakanaka kana  pane zvakaipa. Ichokwadi zvakare kuti mifungo yedu uye nezvatinonzwa zvinokurudzirwa nokusimbiswa patinozviburitsa pachena. Apo mashoko achiburitsa pachena mifungo, ichokwadi zvakare kuti mifungo inotevera mashoko. Kana tingataura zvakanyanya nezvokutenda, farisisa muzvikombo zvatinoziva kuti tinazvo, – tsitsi huru nerudo rwaMwari, – tinofanira kuva nokutenda kwakawanda nomufaro mukuru. Hakuna rurimi rwunogona kutaura, kana pfungwa yemunhu ingafunga, zvikomborero zvinouya kubva pakuyemura kunaka nerudo rwaMwari. Kunyange panyika tingagona kuva nomufaro sechitubu, chisingapwi, nokuti tinenge tiri kudirwa nenzizi kubva pachigaro chaMwari.
     Nokudaro ngatidzidzisei moyo yedu nemiromo kutaura zvokurumbidza Mwari pamusoro perudo rwake rwusingaenzaniswi. Ngatidzidzisei mweya yedu kuva netariro nokugara muchiedza chinovheneka kubva pamuchinjiko weKarivari. Hatifaniri kukanganwa kuti tiri vana vaMambo vokudenga, vanakomana navanasikana vaJehovha weHondo. Chikomborero chedu kuti tichengetedze rugare rwedu munaMwari.
     “Norugare rwaKristu ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu…ivai nokuvonga.” vaKorose 3:15. Tichikanganwa matambudziko edu nezvinonetsa, ngatirumbidze Mwari nomukana wokurarama kupa mbiri kuzita rake. Rega zvokomborero zvitsva zvezuva idzva rimwe nerimwe zvimutse rumbidzo mumoyo yedu pamusoro pezviratidzo zverudo rwaMwari kwatiri. Panozarurwa meso ako mangwanani, tenda Mwari kuti akuchengeta usiku hwose. Mutende norugare rwake rwuri mumoyo wako. Mangwanani, masikati, uye nousiku, rega kupakutenda sezvinonhuwira kukwire kudenga.

     Kana mumwe akakubvunza zvauri kunzwa, rega kuedza kufunga pamusoro pedambudziko rokutaura kuti uwane anokunzwira tsisti. Rega kutaura nezvokushaya kutenda kwako uye kusuwa kwako nematambudziko ako. Muyedzi anofara kunzwa mashoko akadaro. Apo unenge uchitaura nezvenyaya dzokuomerwa, urikutomurumbidza. Hatisi kufanira kugara tichitaura nezvesimba guru raSatani rokutikunda. Kazhinji tinozviisa mumaoko ake nokutaura zvesimba rake. Ngatitaure panzvimbo yazvo zvesimba guru raMwari rinobatanidza zvidiso zvedu tose nezvake. Taura nezvesimba raKristu risingaenzaniswi, uye taura nezvekubwinya kwake. Denga rose rine chinangwa muruponeso rwedu. Ngirozi dzaMwari, zvuru nezvuru, uye zvuru zvine gumi nezvuru zvine gumi dzinotumwa kuzoshumira pamusoro peavo vachazova vagari venhaka yoruponeso. Dzinotichengetedza kubva kune zvakipa, nokudzivisa masimba edema arikutsvaka kutiparadza. Handi zvikonzero zvokuti tive vanotenda nguva dzose, tive vanopa kutenda kunyange zvichiita sekuti takaomerwa munzira medu here?
     Ngazvive pachena kuti nzira yemitemo yaMwari inzira yeupenyu. Mwari akagadza mirayiro yemasikirwe edu, asi mirayiro yake hazvisi zvinhu zvakaoma. Shoko rimwe nerimwe rinoti “Usa”, kunyange panyama kana mirayiro yepamweya unoreva chipikirwa. Kana tikariteerera, zvikomborero zvinotevera. Mwari haatimanikidzi kuita zvakanaka asi anotsvaka kutiponesa kubva kune zvakaipa uye nokutitungamirira kune zvakanaka.
     Mwari akatizivisa mirayiro yake inechokuita nepanyama zvose nepachimiro chepamweya;uye kuburikidza nokuteerera anovimbisa kuti Iye “uchabvisa kwamuri hosha dzose.” Deuteronomio 7:15. “Teererai nemoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi.” “Nokuti ndihwo upenyu kune vanoawana, nohukukutu hwenyama yavo yose.” Deuteronomio 32:46; Zvirevo 4:22.

     Mwari anoda kuti tisvike pachiyero chokukwana chatakaitirwa nyore nechipo chaKristu. Anodana kwatiri kuti tiite sarudzo dzedu kurutivi chairwo, kuti tibatane nemasimba edenga, kuti tigamuchire mirawu inozodzoreredza mufananidzo waMwari matiri. Mushoko rake rakanyorwa nemubhuku guru rezvakasikwa akaisa pachena mirawu yohupenyu. Ibasa redu kuti tiwane ruzivo rwemirawu iyi, uye kubudikidza nokuteerera tishande pamwe naye mukudzoreredza utano kumuviri pamwechete nepamweya.
     Ruzivo rwokuti tinofanira kuva temberi yaMwari, nzvimbo yokugara kuti aratidze kubwinya kwake, rwunofanira kuva chinhu chapamusoro soro chinotikwezva pakuchengetedza nokusimudzira simba redu repanyama. Mwari wakaita zvinoshamisa uye zvinotyisa miviri yedu, uye anotitaurira kuti kuve kudzidza kwedu, tinzwisise zvaanoda, nokuita rupande rwedu mukuzvichengetedza kubva kune zvinosvibisa kana kukuvadza.
     Miviri yedu midziyo yakatengwa naKristu, uye hatina kusununguka kuita zvatinoda nayo. Vose vanonzwisisa mirayiro yezvoutano vanofanira kucherechedza basa ravo rokuteerera mirayiro iyi iyo yakadzikwa naMwari mumiviri yavo. Kuteerera kumirayiro yezveutano rinofanira kuva basa romunhu mumwe nomumwe. Isu timene tinofanira kutambudzika tuso remutemo wakadarikwa.

     Tinofanira kuzvidavirira mumwe nomumwe wedu kunaMwari pamusoro petsika dzedu nokuita kwedu. Nokudaro mubvunzo watinawo hausi, “Ko kuita kwenyika ndekupi?” asi, “Ndichaitei pachangu kuchengetedza nzvimbo yokugara iyi yandakapiwa naMwari?”
     Muviri ndiwo chete mudziyo kuburikidza nawo pfungwa uye mweya zvinosimudzirwa kuti hunhu huvakwe. Nokudaro ndiwo zvakare Muvengi wemweya waanotumira miedzo yake kuti ideredze simba uye nokuparadza masimba omuviri. Kubudirira kwake apa zvinoreva kupa muviri wose kune zvakaipa.
     Kurerekera kwechisikirwe chedu panyama, kana kukasava pasi pemasimba okumusoro, kuchashandira kuparadzwa nokufa kwedu zvirokwazvo. Muviri unofanira kuiswa pasi mukuteerera. Masimba epamusoro emuviri anofanira kutonga. Zvidiso zvenyama zvinofanira kutungamirirwa nesimba rokusarudza, iro pacharo rinofanira kuva pasi pekutungamirira kwaMwari. Simba rohumambo rokusarudza, rikaitwa dzvene nenyasha dzaMwari, rinofanira kutonga muhupenyu hwedu.
     Zvinodikanwa naMwari zvinofanira kuti zviunzwe mupfungwa. Varume navakadzi vanofanira kupeputswa kubasa rokuzvitarira, kubasa rokuchena, kusununguka kubva kune zvidiso zverurimi zvose zvakaipa uye netsika dzinosvibisa. Vanofanira kuti vafarire chokwadi chokuti masimba avo ose epfubgwa nemuviri zvipo zvaMwari, uye kuti anoda kuchengetedzwa muchimiro chepamusoro soro chokumushandira.
     Muchinamato chekare chokupirisa, icho chaive Evangeri mumufananidzo, hakuna chipiriso chaive nezvachaipomerwa chaiunzwa artari yaMwari. Chibayiro chaifanira kumirira Kristu chaifanira kunge chisina gwapa. Shoko raMwari rinonongedzera kwachiri somuenzaniso wezvinofanira kunge zviri vana vake – “chibayiro chipenyu”, chiri “chitsvene uye chisina chachinopomerwa,” uye saizvozvo “chinofadza Mwari” vaRoma 12:1; vaEfeso 5:27.

     Pasina simba raMwari, hakuna shanduko yechokwadi inogona kuitika. Zvipingaidzo zvavanhu pamusoro pezvinorerekera kukutadza zvechizvarirwe chedu uye nezvatinoita pachedu zvakangoita sejecha regungwa kudutu guru remvura. Kana chete tikagamuchira Kristu saMuponesi wedu, uye tikabvumira upenyu hwake kuva simba rinosimudzira muhupenyu hwedu ndiko kuti tidzivise miidzo inotitambudza kubva mukati nokubva kunze.
     Kristu akauya panyika ino akararama mutemo waMwari, kuti tive nesimba rakakwana pamusoro pezvakaipa zvechizvarirwe chedu zvinosvibisa mweya. SeMurapi wemweya nomuviri, anopa rukuriro pamusoro pekuchiva kunorwisana nesu. Akatipa zvose zvokushandisa, kuti tiwane utano hwakakwana uye nehunhu hwakanaka.

     Chitsauko chemakumi mashanu nemasere chaIsaya rugwaro rwachiremba pamusoro pematambudziko omuviri uyewo nemweya. Kana tichida utano nomufaro wechokwadi wehupenyu tinofanira kutevera rairiro yakapiwa mutsamba iyi. Pamusoro pekushumira kunogamuchirika kuna Mwari, nezvikomborero zvako, Jehovha anoti:
     “Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako nounenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako here? Kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here? Ipapo chiedza chako chichabuda semambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; uchadanidzira iwe, iye uchati: Ndiri pano. Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa; kana mweya wako ukava nehanya nevanenzara nokugutisa mweya wounotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati; Jehovha uchakufambisa nguva dzose, uchagutisa mweya wako panzvimbo dzakoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.” Isaya 58:7-11.