"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

CHOKWADI  PAMUSORO  PEHERO (GEHENNA)

     Pane mashoko akataurwa naPapa okuti dzidziso yehero inofanira kuparidzwa zvinesimba nesangano kuti ibatsire mukuderedza kusuduruka kubva kuna Mwari kwatekeshera pasi rose.
     Papa akatsanangura kuti kunyange tariro ichiparidzwa yokuenda kudenga parufu uye chiri chinhu chinonyanya kufarirwa pakunamata Mwari, hazvina hudzamu chaihwo hunotarisirwa, saka nokudaro chingangotsiva chete nyaya iyi kusimudzirwa kwokuparidzwa kwedzidziso yemoto wehero, kuti kuburikidza nokutya murango uyu unotyisa, vanhu vangachengeteka pakufambirana kwavo nesangano.
     Zvisinei netuso ringazovapo nokuda kwamashoko aya aPapa pamusoro pepfungwa dzeveruzhinji kana kunyanya pamusoro peMakatorike, zvinokosha kuti vanhu vose vanofunga vaedze kubuda nechokwadi, kana zvichigoneka, kuti chokwadi zvirokwazvo ndechipi pamusoro pehero. Kuti pfungwa yokutsva nokusingaperi kwavakaipa inonyatsodzidziswa neBhaibheri here? Kana zvisi izvo, pfungwa iyi yakabva kupi? Ngationgororei mibvunzo iyi zvishoma kuti tione zvatingabuda nazvo.
     Izwi rokuti Hero pacharo rinobva kumaAnglo-Saxon, uye, risati ravakushandiswa mumaBhaibheri echirungu, raireva chimiro chokufukidzwa kana chokuviga. Somuenzaniso, chiitiko chokufukidza matapiri muvhu kuitira kumachengetedza munguva yechando kwainzi “kuhera” matapiri. Nazvino vachiri kutevedza tsika iyi kuBritain yokuhera matapiri avo. Kuisa denga reuswa paimba kwainzi “kuhera” imba, asi zvakanga zvisingarevi kutungidza imba iyi nomoto.
     MuTestamende yekare munongova nezwi rimwechete rinodudzirwa Hero mumaBhaibheri edu echirungu. Izwi iri ndiSheori. Izwi iri rinowanikwa muTestamende yekare kanokwana  makumi matanhatu namashanu. Rkadudzirwa kuti Hero kanosvika makumi matatu nechimwe uye Gomba kanosvika katatu. Zviripachena kuti kusadudzira kwakatendeka uku kwakawedzera nyongano kana kuti kusaziva kwagara kuripo mumifungo yoruzhinji pamusoro pechimiro chevakafa.
     Ichokwadi, vadudziri vemaBhaibheri edu anhasi vakanga vasiri veKatorike, asi kuti vakararama panguva apo dzidziso yechiPapa yemoto weHero nokuparadzwa takange ichinyanya kugamuchirwa, kunyange nomusangano emaPurotesitenzi, uye saizvozvo izvi zvakavakanganisa zvakanyanya pabasa ravo  rokududzira. Sezvo dudziro yokutanga yevara rokuti Hero, kuri kufukidzwa, kana kuviga, kwakanga kusina kunyanya kusiyana nokuti guva, kana gomba, zvingangodaro kuti vadudziri vakambodzamisisa pfungwa pazviri asi ndokudzimana vazvinyaradza nokushandisa Hero kureva Sheori.
     Asi zvakavaomera kushandisa izwi rokuti Hero pose pose sedudziro yezwi rechiHeberu rokuti Sheori, nokuti mukuita uku zvaizoisa varanda vakatendeka vaMwari vanotaurwa muBhaibheri muchimiro chokutambudzwa mumoto weHero, nokudaro vaipota vachiti vakamboshandisa Hero vashandisa guva pavaiona zvichivaitira.
     Somuenzaniso, patinotanga kuona izwi rokuti sheori muTestsmende yekare rinoshandiswa pamutana akanaka Jakobo. Anonyeperwa kuti mwanakomana wake unodikanwa Josefa wainge aurawa nezvikara akasuwa zvikuru nokurasikirwa kwake. Achichema Josefa anoti,  “Ndichaburukira kusheori kumwanakomana wangu ndichichema”(Genesi 37:35). Mugwaro iri vadudziri vakatipa vara rokuti “guva”, nokuti zvingadai zvakaita sokuti Jakobo waitenda kuti Josefa aiva muHero uye kuti aitarisira kuenda ikoko pachake kana achinge afa. Nedudziro yechipapa yokutambudzika yakabatanidzwa kuvara rokuti Hero, izvi zvaigona kuomera vaverengi kuzvigamuchira.
     Muporofita Jobo akanyengetera kuti aende kusheori, asi mukududzira munamato uyu vadudziri vakatipa izwi rokuti “guva” (Jobo 14:13). Jobo wainge ari panguva yokuomerwa nokutambudzika kukuru. Zvainge zvasvika pakuti akanzwa kuti waisagona kuramba achitsunga, nokudaro akakumbira Mwari kuti amutendere kuenda kusheori kwaaiziva kuti waizenge ari pakuzorora (Jobo 3:17-19). Kana dai vadudziri vakatipa vara rokuti Hero panyaya iyi vaverengi veBhaibheri vangadai vakaziva nokukasika kuti Hero reBhaibheri haisi nzvimbo yokutambudzwa, asi chimiro chokusaziva sechokufa – vangadai vakaziva kuti Jobo akanga asiri kukumbira kuenda kunzvimbo yaainonyanya kutambudzika, uye kwaaizovapo nokusingaperi.
     Mumwe muporofita weTestamende yekare anotidudzira sheori mumazwi akakosha, achiti, “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri kusheori kwaunoenda” (Muparidzi 9:10). Kubudiswa kwechokwadi kunoshamisa kwakadii kwaizorehwa negwaro iri kana dai vadudziri vakatipa vara rokuti Hero kududzira sheori, panzvimbo yevara rokuti guva sezvavakaita!
     Nyaya iripo ndeyokuti sheori ndiro hero roga reTestamende yekare – hero roga iro vanhu vaMwari vakanguri vakaudzwa  nezvaro kwemakore anosvika zvuru zvina. Uye yaiva nzvimbo yakaita sei? Yaiva nzvimbo yorunyararo nokuzorora, chimiro chokusaziva zvirikuitika, icho, vanhu vainge vakadzidziswa navaporofita, uko vakanaka navakaipa vanoenda pamwechete kana vafa, kwanondomirira nguva, kuburikidza nesimba roMusiki, yavanozomutswa kuupenyu murumuko.
     Zvokwadi pamusoro pehero, zvainozaruka muTestamende itsva inowirirana zvakazara nezvakaziviswa mune yekare. Testamende itsva yakanyorwa muchiGiriki, uye kuno izwi rechiGiriki rinoti Hadesi rinoreva zvimwechetezvo nevara rechiHeberu rokuti sheori muTestamende yekare. Tinoziva izvi kubva pachokwadi chokuti mupostori Petro, mumharidzo yaakaparidzaPazuva rePentekosti, akashandisa vesi raakatora kubva muTestamende yekare iro rinowanika vara rokuti sheori, uye nokuita uku, akadudzira sheori nevara rechiGiriki rinoti Hadesi.
     Vesi rakashandiswa naPetro pachiitiko ichi raiva rokuna Mapisarema 16:10. Chaive chiporofita pamusoro pekufa nokumuka kwaJesu, rinotaura kuti mweya waJesu haungasiiwi musheori. Kutanga izvi zvinopa humbowo hwokuti Jesu akaenda kuhero rekutestamende yekare paakafa:uye zvinoisa pachena zvakare kuti hero reTestamende yekare ndiro rimechete nehero reTestamende itsva. Munzvimbo idzi dziri mbiri, vadudziri vakashandisa vara rokuti hero. Apa vakaonekwa vari padambudziko, nokuti kana dai vakashandisa vara rokuti guva vangadai vakaisa mweya Jesu muguva, zvaigona kunge chiri chokwadi, asi izvi zvaisazowirirana nedzimwe dzidziso dzechiPapa pamusoro pokusafa kwemweya.
     Tinofanira kufara kuti akaenda kuhero reBhaibheri paakafa, nokuti nokudaro akawanisa rudzikinuro kuneavo vari mariri. Muna Zvakazarurwa 1:18 Jesu pachake anotaura maererano nenyaya iyi, achiti, “Naiye mupenyu, ndakanga ndafa; tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi….ndine kiyi dzerufu neHadesi.” Kushandiswa kwaitwa vara rokuti kiyi naJesu ndiyo nzira yake yokutipa vimbiso yokuti achakiyinura Jeri guru rerufu wosunungura vasungwa varo.
     Izvi zvinowirirana nemashandisirwo maviri okupedzisira pamusoro pevara rokuti hero muBhaibheri – ndokuti, muna Zvakazarurwa 20:13-14. Apa Johane anotiudza kuti hero richaregedza vakafa varo; uye kuti mushure mezvo, rinozoparadzwa. Mufananidzo washandiswa kutsanangura kuparadzwa kwehero ndewe dziva remoto. Zvinofungidzirwa kazhinji kuti “dziva remoto” ndiro hero reBhaibheri, zvisizvo. Johane anotiudza kuti “dziva remoto”, rufu rwechipiri, uye kuti mariri, rufu nehero zvichaparadzwa. Moto ndicho chimwe chezvinhu zvinonyanya kuparadza zvinozivikanwa kuSainzi, uyeIshe anoushandisa mushoko rake kana achireva kuparadza.
     Pane rimwe izwi rechiGiriki muTestsmende itsva rinodudzirwa kuti Hero, izwi iri ndiGehenna. Iri raiva zita regomba takadzika raive kunze kweJerusarema raishandiswa senzvimbo yokurasira marara netsvina dzemuguta. Moto wairamba uchipfuta muGehenna kuitira kuparadza zvose zvaikandirwa mugomba iri.
     Nokuda kwezviitiko zvinobatana neGehenna, uye nokuda kwokuti Jesu waiziva kuti vanhu venguva yake vaigona kunzwisisa zvaaireva, akarishandisa somufananidzo wokuparadza. Hakuna munhu mumwechete akambotambudzwa muGehenna – raishandiswa chete senzvimbo yokuparadza. Chimwe chokwadi ndechokuti, vaJuda vairambidzwa kushandisa nzira yokuparadza ipi neipi zvayo, kunyange kumhuka chaiko.
     Kuti kushandiswa kwokuti Gehenna naJesu kwainge kune chinangwa chokufananidzira kuparadza, zviri pachena kubva pashoko rake rokuti, “Musatya vanouraya muviri, asi vasingagono kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehenna” (Mateo 10:28). Vadudziri vanoshandisa vara rokuti hero pano sedudziro yeGehenna, uye zvinenge zvinoshamisa kuti vaverengi vechokwadi veBhaibheri Havana kuona kuti inzvimbo yokuparadza, kwete yokutambudza.
     Pamwezve pane vara rokuti Gehenna, Jesu anosimbisisa muono wokuparadza pakureva kwake zvehonye isingafi ichadya zvitunha zvavanhu. Achitaura pamusoro pezvinokwezva zvenyika zvakanyanya muhupenyu hwemukristu kumubvisa kubva kunaShe uye achifananidza izvozvo nezvinhu zvinokosha semaoko nemaziso, akati zvingave nani kudimbura ruoko, uye kubvisa ziso, pakukandirwa muGehenna, mune honye isingafi uye moto usingadzimwi (Mateo 5:29, 30, 18:8, 9).
     Sezvataona, moto wairamba uchipfuta muGehena, kutira kuti zvose zvaikandirwa imomo zvigoparadzwa. Kuri kuti chitunha chakandirwa mugomba iri hachina kusvika pamoto asichowira mumativi, izvi zvaiparadzwa nehonye. Nokudaro nemienzaniso iyi yakasimba kudai, Jesu akatsigira dzidziso yeBhaibheri intendwa kwose kwose, yokuti mubairo wezvivi rufu, kwete kutambudzwa.
     Magwaro anodzidzisa kuti  “Mweya unotadza uchafa” (Ezekieri18:20), kwete kutambudzwa nokusingaperi. Nokudaro mukutitaurira kuti mubairo wezvivi rufu, mupostori Pauro anotaura zvakre kuti “chipo chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu” (vaRoma 6:23). Saizvozvo panosimbisiswa zvakare tariro yorumuko kubva kuvafi kuna vose vakadzikinurwa naKristu.


Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro perufu?

1.  Ko vanhu vakauya sei pano panyika? Mwari akaumba munhu neguruva revhu. Genesi 2:7.
2.  Ko Bhaibheri rinotsanangura vakafa nenzira ipi? Avo vakavata. 1 vaTesaronika 4:13.
3.  Uye vakafa vanovatepi? Muguruva rapasi. Danieri 12:2. Vose vanobva pavhu. Muparidzi 3:20.
4.  Chii chinoitika kumunhu pakufa? Guruva rino dzokera kuvhu…uye mweya unodzokera kunaMwari. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokera zve kuvhu. Muparidzi 12:7; 3:20.
5.  Mweya uyu unodzokera kuna Mwari chii? Muviri usina Mweya wakafa. Jakobo 2:26. Mweya waMwari uri mumhino dzangu. Jobo 27:3. Nokudaro mweya wohupenyu “nemweya”  (spirit) chinhu chimwechete.
6.  Saka chii chinonzi mweya (soul) zvino? Mwari akaumba munhu neguruva…akafemera mweya wohupenyu mumhino dzake munhu akava mweya (soul) mupenyu. Genesi 2:7. Nokudaro muviri (guruva) pamwe nemweya (spirit) = mweya (soul) mupenyu.
7. Ko mweya (soul) unofa here? Mweya unotadza, uchafa. Ezekieri 18:20. Vanhu vose vakatadza. vaRoma 3:23.
8. Pane here mumwechete asingafi? 1 Timotio 6:16 inotiudza kuti Mwari oga haafi.
9.  Ko, munhu wakafa ane zvaanoziva here? Vakafa havana chavanoziva. Muparidzi 9:5.
10. Ko vakafa vanorumbidza Mwari here? Vakafa havarumbidzi Jehovha. Mapisarema 115:17.
11.  Zvingani zvatingaziva pamusoro paMwari mushure mekufa? Nokuti murufu hakuna unokurangarirai. Mapisarema 6:5.
12. Tinoshanda kana kuverenga mushure mekufa here? Hakuna basa…kana zivo, kana uchenjeri, muguva. Muparidzi 9:10.
13. Asi vakarura havaendi kudenga panguva yokufa kwavo here? Davidi haana kukwira kudenga. Mabasa avaApostora 2:34.
14. Ko nderini Davidi paaiti uchaguta? Ndichaguta, nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu. Mapisarema 17:15. Uye vakafa vachamutswa nokusavora, uye tichashandurwa tose. 1 vaKorinte 15:52.
15.  Tichadzikinurwa nani kubva muguva? Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu…saizvozvo vose vachararamiswa munaKristu. 1 vaKorinte 15:20, 21.
16. Mapoka api maviri achamutswa? Pachave nokumuka kwavakafa, kwavakarurama navasakarurama. Mabasa avaApostora 24:15.
17. Ko kumuka kwavakarurama kuchavapo rini? Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga…. vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. 1 vaTesaronika 4:16.
18. Ko kumuka kwavasakarurama kuchavapo rini? Vakararama (vatsvene) vakabata ushe pamwechete naKristu makore anegumi ramazana. Vamwe vakafa Havana kurarama kusvikira makore anegumi ramazana apera. Zvakazarurwa 20:4, 5.
19. Asi vakarurama vachararama kusvikira rini? Havangafi zvakare:nokuti vachaenzana navatumwa; vava vanakomana vaMwari, zvavari vanakomana vokumuka. Ruka 20:36. Hakungazovi nerufuzve. Zvakazarurwa 21:4.
20.  Nheyo yaSatani yange iri nhema yokuti, “Haungafi zvirokwazvo” Ndiyo nhema yaakaudza Eva muEdeni, uye yaanga arikutaurira marudzi avanhu kubva kare. Uye Satani wakaita zvinoshamisa zvikuru mukati menguva dzakapfuura, kuburikidza navanhu vanozviti vanowana simba ravo kubva kuvakafa. Varoyi veIgipita (Eksodo 7:11); Muvuki weEndori (1 Samueri 28); N’anga (Danieri 2:2); nomusikana  (Mabasa avaApostora 16:16-18). Satani arikushanda zvinesimba chose nhasi kuburikidza navatungamiriri vemasangano kutsausa vasina kurinda pakutaura kuti vakafa havana kufa zvirokwazvo asi vapenyu, uye kuti vanogona kutaura kuvapenyu.
21.  Mwari akarayira kuti kudii pamusoro pevanodzidzisa kuti vakafa vapenyu? Murume kana mukadzi anosvikirwa, kana uri muvuki, kana muroyi, anofanira kuurawa. Revitiko 20:27.
22. Ko mweya yakaipa ingaita zviratidzo here? Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo. Zvakazarurwa 16:14.
23. Ko vanhu vaMwari vangazvidzivirira sei kuti varege kutsauswa? Vakagamuchira shoko nomoyo wose, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kuti vaone kanazviri izvo. Mabasa avaApostora 17:11. Dzokai kumurairo nokuzvipupuriro, kana vasingataure sezvinoreva shoko iri havana chiedza mavari. Isaya 8:20.