"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

TEMBERI  YAMWARI  INODA  KUCHENESWA!?

     Nzvimbo tsvene yoga yaMwari yakambovapo panyika, iyo inotaurwa nezvayo neBhaibheri, ndiyo yakarayirwa Mosesi naMwari kuvaka: “Ngavandiitire nzvimbo tsvene; kuti ndigare pakati pavo” (Eksodo 25:8). Iyi ndiyo yakataurwa naPauro ichinzi inzvimbo tsvene yesungano yokutanga (ona vaHeberu 9:1). Asi ko sungano itsva haina nzvimbo tsvene here?
     “Zvino, shoko guru pana izvozvi zvatataura, ndiro kuti tino Mupritsa mukuru wakadai  wakagara kurudyi rwechigaro choushe chuhumambo kudenga; iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabernakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.” vaHeberu 8:1-2.

     Pano parikuiswa nzvimbo tsvene yesungano itsva – tabernakeri yokudenga. Nzvimbo tsvene yesungano yokutanga yakamiswa nomunhu ikavakwa naMosesi. Asi nzvimbo tsvene iyi yokudenga yakamiswa naShe uye kwete nomunhu. Munzvimbo tsvene yesungano yokutanga vaprista vepasi vaiita hushumiri. Munzvimbo tsvene yesungano itsva, Kristu muprista wedu mukuru, unoshumira ari kurudyi rwaMwari. Nokudaro, imwe nzvimbo tsvene yaive pasi, imwe iri kudenga.
     Nzvimbo tsvene yakavakwa naMosesi yakagadzirwa nomufananidzo wetemberi iri kudenga. Jehovha akaraira Mosesi akati:
     “Sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabernakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita sazvozvo….Uchenjere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo.” Eksodo 25:9, 40 (ona zvakare vaHeberu 9:23, 8:5).

     Izvi zvakaitwa kuitira kuti kutenda kwedu kugobatirira pachokwadi chokuti kudenga kune nzvimbo tsvene iyo hushumiri hwayo hunoitwa kuitira kudzikinura vanhu. Nzvimbo tsvene iyi iri kudenga, umo Jesu ari kushumira panzvimbo yedu, ndiyo huru uye yokutanga, iyo pane yakavakwa naMosesi yaive mufananidzo.
     Kushumira kwose munzvimbo tsvene yepasi kwaida kudzidzisa chokwadi pamusoro penzvimbo tsvene yokudenga. Apo tabernakeri yepasi yainge ichiripo, nzira yokupinda nayo mutabernakeri yokudenga yainge isati yaoneswa(ona vaHeberu 9:8). Asi Kristu zvaakaroverwa pamuchinjikwa, chidzitiro chenzvimbo tsvene yepasi chakabvaruka napakati zvichireva kuti nzira itsva irinani yainge iri kugadzwa (ona Mateo 27:51; Ruka 23:45).
     Yokutanga yainge iri kubviswa kuti yepiri, yakaumbwa nezvipikirwa zvinopfuurisa nokunaka, igogadzwa (ona vaHeberu 8:6). Apo Kristu ainge ari panyika, haaigona kuva muprista (ona vaHeberu 8:4), uye nokudaro haaigona kupirisa ropa rake rainge radeuka kuti ayananisire zvivi zvedu. Asi Kristu akamuka kubva kuvakafa akakwira kudenga, akazova muprista wedu mukuru kuti akwanise kuisa pamberi paMwari ropa rake rakadeuka panzvimbo yedu, kuti nokudaro agoyananisa zvivi. Nokudaro kuyananisira zvivi hakwaikwanisika kana kupedziswa pamuchinjiko, asi kuti kwaitotangisa chete mushure mokunge Kristu akwira kudenga uye atangisa basa rake rohushumiri munzvimbo tsvene yokudenga semuprista wedu mukuru.
     Shanduko huru kubva munzvimbo tsvene yepasi kuenda kunvzimbo tsvene yokudenga yaisagona kusiiwa isina kucherechedzwa. Mwari akazivisa shanduko iyi huru kuburikidza navaporofita vake – zvikuru kuburikidza nomudzidzi unodikanwa Johane (ona Zvakazarurwa 4:1-5, 8:3-4, 9:13, 11:19, 14:17-18, 15:5-8).
     Asi kwete kuti Kristu arikukumbirira ropa rake rinokosha pamberi paBaba panzvimbo yako iwe mutadzi neni munzvimbo tsvene iyi yokudenga bedzi (ona vaHeberu 9:11-14, 24-28), asi panoonekwawo chigaro choushe chikuru chaMwari, chakakomberedzwa nengirozi zhinji zhinji, dzose dzkamirira kuita zvadzinorayirwa naMwari (ona Mapisarema 103:19-20). Kubva panzvimbo iyi yohugaro hwaMwari ngirozi idzi dzinotumwa kupindura minyengetero yavana vaMwari pano panyika (ona Danieri 9:21-23; vaHeberu 1:7, 14).
     Nokudaro nzvimbo tsvene yokudenga unoonekwa uri muzinda mukuru wezviitiko umo munobva simba rose raMwari rinokosha kuti tikurire miidzo yose yaSatani rinotumirwa kune mumwe nomumwe akabatana nayo nokutenda. Kristu, muprista wedu mukuru uyo arikushumira panzvimbo yedu anoda kutambanudzira ruoko rwake rwunesimba kubva munzvimbo iyi tsvene yokudenga kuti agobata norudo ruoko rwomumwe nomumwe unosvikira ikoko nokutenda uye wotora rubetsero rwavangapiwa. Kutenda kwouyo unobatirira parubetsero urwo rwunesimba, anokwanisa kupfuura zvakanaka makomo marefu ematambudziko, mweya wake wakazara nechiedza apo achivhenekera chiedza nemakomborero kune vamwe. Kana akaramba akabatirira nesimba panaMwari kuburikidza nokutenda, anowana chiedza nesimba kubva munzvimbo tsvene yokumusoro; asi akatendera mifungo miviri nokusatenda kuti kuputse kubata uku kunokosha, anogara mudima, kwete kuti anotadza kuenda mberi iye pachake bedzi, asi anodzivirira nzira dzavamwewo.
     Nguva ichasvika yokuti basa rohushumiri hwaKristu richaguma uye taasingazopirisi ropa rake kuti ayananisire zvivi zvedu (ona Danieri 12:1; Zvakazarurwa 22:11-12). Izvi zvichaunza nguva yenjodzi ichaedza mweya yevanhu, uye kana tikasarudza kuita chivi tapfuura nguva iyi, hapana imwe nzira yachingaregererwa nayo nokudaro tinoraswa! Sezvo iyi iri nyaya yeruponeso – nyaya yeupenyu nerufu, pane imwe nzira here yatingaziva nayo kuti basa iri raKristu richaguma rini kuti tigone kuzvigadzirira panguva iyi? Hongu! basa rokureverera raKristu risati rapera, nzvimbo tsvene yokudenga inofanira kunatswa.
     Kunatswa kwenzvimbo tsvene, muhushumiri hwose hwapasi nokudenga, kunofanira kuitwa neropa: panyika, neropa remhuka; asi kudenga, neropa rinokosha raKristu. Izvi zvakafanira nokuti pasina kudeuka kweropa, hapangavi nokuregererwa kwaezvivi (ona vaHeberu 9:22). Kuregererwa, kana kubviswa kwezvivi, ndiro basa guru ririkufanira kuitwa. Asi chivi chingagobatana sei nenzvimbo tsvene, yokudenga kana kunyange yapanyika? Izvi zvinogona kuzivikanwa nokuongorora hushumiri hwaimiri hwomumvuri hwenzvimbo tsvene yapanyika; nokuti vaprista vaibata basa panyika, vaishumira “mufananidzo nomumvuri wezvokudenga” (vaHeberu 8:5).
     Basa repanzvimbo tsvene yapanyika rainge rakakamurwa muzvipoka zviviri; vaprista vaishumira zuva roga roga munzvimbo inonzi Patsvene, asi muprista mukuru waishumira zuva rimwe roga pagore basa rinokosha rokuyananisira munzvimbo inonzi Patsvene tsvene kunatsa (kuchenesa) nzvimbo tsvene (ona Revitiko 16). Zuva rimwe nerimwe mutadzi aitendeuka aiunza chipiriso chake kutabernakeri, uye achiisa maoko ake pamusoro pagwaiana, waireurura zvivi zvake, nokuita uku zvichimiririra kubviswa zvivi zvichibva kwaari zvichienda kuchibayiro chisina mhaka. Mhuka iyi yaizourawa, ropa rayo raideurwa uye nokuita uku, zvichimiririra, kuunza ruregerero rwezvivi. Mutemo waMwari wakadarikwa hwaida upenyu hwomudariki. Ropa, richimiririra upenyu hwakapambadzwa hwomutadzi, mhosva yake yaiiswa pamusoro pechipiriso, raitakurwa nomupritsa kupinda naro munzvimbo tsvene uye ndokurisasa pamberi pechidzitiro chePatsvene tsvene paiwanikwa Areka yaichengeta murairo waMwari uyo wainge wadarikwa nomutadzi. Nokuita uku chivi, chaibva chaendiswa mumufananidzo munzvimbo tsvene, kuburikidza neropa.
     Iri ndiro basa raienderera mberi, zuva nezuva, mukati megore rose. Zvivi zvavanhu vaMwari zvaiendeswa nomutowo uyu munzvimbo tsvene, uye pane basa rakatsanangurika raifanira kuitwa rokubviswa kwazvo. Mwari ainge akaraira kuti kuyananisa kuitwe pamusoro pemakamuri maviri. “Unofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo unofanira kuitirawo tente rokusongana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo.” Kuyananisa kwaifanira zvakare kuitirwa artari, kuti “ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana vaIsraeri.” Revitiko 16:16, 18-19.
     Kamwechete pagore, nezuva guru rokuyananisira muprista mukuru waipinda munzvimbo tsne tsvene kuti anatse nzvimbo tsvene. Basa raiitwa imomo raipedzisa hwushumiri hwegore rose. Pazuva rokuyananisa mbudzi mbiri dzaiunzwa kumukova wetabernakeri – imwe yaJehovha, uyewo imwe yaAzazeri (ona Revitiko 16:8). Mbudzi yaisarudzirwa Jehovha yaiurawa sechipiriso chezvivi pamusoro pavanhu. Muprista aiunza ropa rayo mukati mechidzitiro munzvimbo tsvene tsvene wobva arisasa pamberi napamusoro pechigaro chetsitsi. Ropa raisaswa zvakare pamusoro peartari yezvinonhuwira mukamuri yokutanga.
     Pamusoro wembudzi yaAzazeri muprista mukuru waireurura zvivi zvose zvaregererwa zvavanhu vaMwari zvainge zvaungana kusvika panguva iyo, nokuita uku, zvaiiswa kana kuti kuendiswa pamusoro pembudzi yaAzazeri. Mbudzi iyi zvino yaitungamirirwa kunze nomunhu akasimba kuenda kurenje uye kwayaisafanira kudzoka zvakare (ona Revitiko 16:21-22). Nzvimbo tsvene yainge zvino yacheneswa zvakaperera kubva kuzvivi. Painge pasina nguva yakatarwa yokuita nayo basa iri rokuyananisa kusvika pakuripedza pazuva iri. asi kureba kwenguva kwaibva pakuti muprista mukuru waitora nguva yakareba sei kupedzisa basa rake (ona Revitiko 16:17). Rigona kungopera chero nguva zvayo mukati mezuva iri.
     Chiitiko ichi chose chakanga kudzamisa ndangariro dzavanhu vaMwari nohutsvene hwaMwari nokuvenga kwake zvivi; uye, zvakare, kuvaratidza kuti havaigona kusvika pakubatana nechivi vakasagona kusvibiswa. Munhu mumwe nomumwe waifanira kuchema pamweya wake panguva apo basa rokuyananisira zvivi raienderera mberi. Wungano yose yaifanira kupedza zuva rose iri pakuzvininipisa kukuru pamberi paMwari, neminyengetero, kuzvinyma zvokudya, nokunzvera moyo zvakadzama.
     Zvokwadi huru inokosha pamusoro pokuyananiswa kwezvivi inodzidziswa nohushumiri uhwu hwemifananidzo. Anotsiva asina mhosva waigamuchirwa panzvimbo yomutadzi; asi chivi chainge  chisingadzimwi neropa rechipfuwo. Nzira yaibva yagadzirwa iyo chivi chaiendiswa munzvimbo tsvene. Nokupirisa ropa mutadzi aibvuma hukuru hwomurairo, woreurura mhosva yake mukuudarika, uye waitaridza chidiso chake chokuregererwa kuburikidza nokutenda muMudzikinuri waizouya; asi wainge asati asunungurwa zvakakwana kubva pakupiwa mhosva nomurairo. Pazuva rokuyananisa Muprista mukuru, mushure mokunge agamuchira chipo kubva kuwungano, waienda munzvimbo tsvene tsvene neropa rechipiriso ichi, worisasa pamusoro pechigaro chenyasha, pamusoro pomurairo, kuzadzisa zvidiso zvawo. Pashure, muchimiro chake somurevereri, waitora zvivi pamusoro pake achizvibvisa kubva munzvimbo tsvene. Achiisa maoko ake pamusoro pembudzi yaAzazeri, waibva areurura pamusoro payo zvivi izvi zvose, nokuita uku zvichimirira kubviswa kwazvo kubva kwaari kuenda kumbudzi. Mbudzi zvino ndiyo yaizvitakura kuenda kurenje saizvozvo zvainzi zvaparadzana nokusingaperi kubva kuvanhu.
     Uhwu ndihwo hushumiri hwaiitwa uri “mufananidzo nomumvuri wezvokudenga.” Uye izvo zvaiitwa mumufananidzo muhushumiri hwenzvimbo tsvene yapanyika zviri kuitwa zviri izvo chaizvo  muhushumiri hwenzvimbo tsvene yokudenga nhasi. Mushure mokukwira kwake Muponesi wedu akatangisa basa rake seMuprista wedu mukuru. Pauro anoti:
     “Nokuti Kristu haana kupinda munzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.”  vaHeberu 9:24.

     Hushumiri hwomuprista gore rose mukamuri yokutanga yenzvimbo tsvene, kana “iri mukati mechidzitiro” chaishanda semukova pakati penzvimbo tsvene nechivanze, hwaimirira basa iro Kristu wakapinda pariri mushure mokurovererwa kwake nokukwira kwake kudenga. Raive basa romuprista pahushumiri hwezuva rimwe nerimwe kuunza pamberi paMwari ropa rechipiriso chezvivi, uyezve nezvinonhuwira zvaikwira pamwechete neminyengetero yaIsraeri. Nokudarowo Kristu waikumbirira ropa rake pamberi paBaba panzvimbo yavatadzi, uye achiunza pamberi pavo zvakare minyengetero yavakatendeuka zvirokwazvo, yakavhengana nezvinhuwira zvinokosha zvekururama kwake. Iri ndiro basa rehushumiri raiitwa mukamuri yokutanga munzvimbo tsvene yokudenga.
     Ikoko, kutenda kwavadzidzi vaKristu kwakamutevera paakakwira kubva pameso avo (ona Mabasa avaApostora 1:9-11). Ikoko tariro dzavo dzakanangiswa, “tariro yatinayo, sechibatiso chomweya, tariro isingazununguswi, yakasimba, inopinda kune zvirimukati mechidzitiro chetemberi; pakapinda mutungamiriri nokuda kwedu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusingaperi…haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera, panzvimbo tsvene, akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.” Pauro anodaro.(vaHeberu 6:19-20, 9:12).
     Makore anosvika gumi namasere amazana mushure mokukwira kwaKristu kudenga basa iri rohushumiri rakaenderera mberi mukamuri yokutanga yenzvimbo tsvene yokudenga. Ropa raKristu, raikumbirirwa panzvimbo yavatendi vakaputsika pamoyo, raivawanira ruregerero nokugamuchirika kunaBaba, asi zvivi zvavo zvakarambira mumabhuku ekudenga. Sezvakanga zviri muhushumiri hwemifananidzo paive nebasa rokuyananisira zvivi pakupera kwegore, saizvozvo basa raKristu rokudzikinura rudzi rwavanhu risati rapera pane basa rokuyananisira,  rokubviswa kwezvivi kubva munzvimbo tsvene yokudenga.
     Sezvaitika kare, zvivi zvavanhu zvaiiswa kuburikidza nokutenda pamusoro pechipiriso chezvivi uye kuburikidza neropa racho zvoendeswa, mumufananidzo, kunzvimnbo tsvene yapanyika, saizvozvo musungano itsva zvivi zvavatendeuka zvinoiswa pamusoro paKristu kuburikidza nokutenda, uye zvoendiswa, chaizvo izvo, kunzvimbo tsvene yokudenga. Uye sezvo kucheneswa kwemumvuri hwezvepanyika kwaiitwa nokubviswa, kwezvivi zvainge zvakamusvibisa, saizvozvo kucheneswa (kunatswa) chaiko kwezvekudenga kunoitwa kuburikidza nokubviswa, kana kudzimwa, kwezvivi izvo zvakanyorwa mumabhuku ari kudenga (ona Mapisarema 69:28; Maraki 3:16; Danieri12:1; vaFiripi 4:3; Zvakazarurwa 3:5, 13:8, 17:8, 22:19). Asi izvi zvisati zvaitwa, panofanira kuva nokuongororwa kwemabhuku aya kuti paonekwe kuti ndiani, kuburikidza nokutendeuka pachivi nokutenda munaKristu, anokodzera kuwana zvikomborero zvokuyananisira kwake. Kunatswa kwenzvimbo tsvene saizvozvo kunosanganisira basa rokutsvagurudza – basa rerutongo (ona Danieri 7:10; Zvakazarurwa 20:4, 11-15; Muparidzi 12:13-14). Basa iri rinofanira kutanga kuitwa kuuya kwaKristu kuzodzikinura vanhu vake kusati kwaitika; nokuti kana achiuya, mubairo wavo unenge wazivikanwa kare uye uina Kristu kuti ape mumwe nomumwe sezvaakabata (ona Mateo 16:27; Zvakazarurwa 22:12).
     Asi hushumiri uhwu hwokupedzisira mukamuri yechipiri kuchaitika rini kuti nzvimbo tsvene itange kucheneswa, mushure mezvo kuti basa rehushumiri hwaKristu rigume?
     “Kusvikira madekwana namangwanani ane zvuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.” Danieri 8:14.

     Muchiporofita cheBhaibheri, zuva rimwe rechiporofita rinoita gore rimwe chairo iro (ona Numeri 14:34; Ezekieri 4:6). Saizvozvo mazuva echiporofita anosvika makumi maviri namatatu amazana anoita makore makumi maviri namatatu amazana enguva chaiyo. Asi chiporofita ichi chinotanga rini kuti tikwanise kuziva panoperera mazuva acho uye kuti tikwanise kuziva nguva ichatanga kucheneswa nzvimbo tsvene nayo? Tinoudzwa mune chimwe chiporofita chinonongedzera kuna Kristu saMessiah, uye saizvozvo ari Muprista wedu mukuru:
     “Viki dzina makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene…nokuzodza Mutsvene tsvene; Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusarema, kusvikira kunoWakazodzwa, Iye muchinda, zvichaita viki nomwe; uye viki dzina makumi matanhatu nembiri…zvino kana viki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, Wakazodzwa uchabviswa, asi kwete nokuda kwake…zvino iye uhaita sungano yakasimba navazhinji viki imwe; pakati peviki uchagumisa chibayiro nechipo…” Danieri 9:24-27.

     Nhoroondo inobudisa pachena kuti murayiro wokuvaka nokuvandudza Jerusarema wakapiwa mugore ra 457BC, uye nokudaro gore iri ndipo pokutangira panguva mbiri dzinoti viki dzinamakumi manomwe (kana kuti mazuva echiporofita anosvika mazana mana namakumi mapfumbamwe kana makore chaiwo) uyewozve chiporofita chemazuva/makore anosvika makumi maviri namatatu amazana. Saizvozvo tikawedzera maviki 7 (mazuva/makore anosvika 49) ku 457BC inosvika munhoroondo pane imwe nguva apo temberi yeJerusarema payakavakwa mugore ra 408 BC. Mamwe maviki 62 akawedzerwa (mazuva/makore 434) anotisvitsa pane imwe nguva munhoroondo Kristu paakazodzwa saMessiah mugore ra 27AD (ona Mateo 3:13-17; Ruka 4:17-21). Viki rimwechete rokupedzisira ndiro rasara, uye pakati napakati penguva iyi yokupedzisira yemakore7, kana 3 1/2 amakore mushure mekunge Messiah azodzwa, Kristu akarovererwa pamuchinjiko nokuda kwezvivi zvedu mugore ra 31AD. Makore 3 1/2 akanga sara achingopera wokutanga kufira chikristu akavapo anova Stefano akatakwa namabwe uye Evangeri youshe ikapiwa kuvahedeni mugore ra 34AD (ona Mabasa avaApostora 7, 8:1-8, 18:6). Apa saizvozvo ndipo pakaperera chiporofita chemaviki 70/makore 490 chakazivisa pakutanga Kristu ari Messiah uye saizvozvo ari Muprista  mukuru wechokwadi wevanhu vaMwari, asi chiporofita chemazuva/makore 2300 chainge chisati chapera. Tikabvisa makore 490 kubva mu 2300 tinosara nemakore 1810. Naizvozvo kuti tione kuti chiporofita chemazuva/makore 2300 chinoperera papi uye kuti hushumiri hwaKristu hunotanga rini kuchenesa nzvimbo tsvene yokudenga kubva kuzvivi, tinofanira kuwedzera makore 1810 pamusoro pa 34AD zvinozotisvitsa mugore ra 1844.
     Pakupera kwechiporofita chemazuva/makore 2300 mugore ra 1844, Kristu akapedza basa rohushumiri hwake mukamuri yokutanga yenzvimbo tsvene yekudenga ndokupinda munzvimbo tsvene tsvene kuti aite basa rokupedzisira rokuyananisira zvivi iro rakanakira kuchenesa nzvimbo tsvene kubva kuzvivi uye kuti zvigotungamirira kuuya kwake rwechipiri. Muna 1844 Kristu akapfiga mukova (kana chidzitiro chokupinda nacho) mukamuri yokutanga akazarura mukova (kana chidzitiro chokupinda nacho) mukati mekamuri yechipiri yenzvimbo tsvene yokudenga kuti atangise basa rokuyananisira zvivi (ona Zvakazarurwa 3:7, 11:19). Kwemakore mazhinji ikozvino, Kristu ange ari kushumira yechipiri achiyananisira zvivi zvakareururwa zvikaraswa zvevanhu vake – kutanga navakafa (ona Zvakazarurwa 11:18), pashure navapenyu (ona Ezekieri 9:1-6; Zvakazarurwa 22:11). Uye kana basa rake rohuprista mukuru richinge rapera, rinogona kungopera chero nguva zvayo sezvo pakange pasina nguva yainge yakatarwa, nokudaro achaguma kuyananisira zvivi nokusingaperi, achaisa zvivi zvose pamusoro pembudzi yaAzazeri, uye ani nani anosarudza kutadza tadarika nguva iyi anofanira kuzvimiririra pamurango wakazara wechivi chake – rwuri rufu rwusingaperi! (Ona vaRoma 6:23.)
     Apo chipiriso chezvivi chainongedzera kuna Kristu sechibayiro chedu chikuru, uye muprista mukuru aimirira Kristu seMurevereri wedu, mbudzi yaAzazeri inomirira Satani, muvambi wezvivi zvose, uyo pamusoro pake zvivi zvavakatendeuka zvirokwazvo zvichaiswa – nokuita uku zvichibviswa kubva panzvimbo tsvene. Apo Kristu, nesimba reropa rake rimene rinokosha, achabvisa zvivi zvavanhu vake kubva munzvimbo tsvene yokudenga zvichiuya kwaari pakupera kwehushumiri hwake, achzoisa pamusoro paSatani zvivi izvi, anofanira kutakura murango wokupedzisira wezvivi. Uye sezvo mbudzi yaAzazeri yaitumirwa kure kunzvimbo isina kumbogarwa, isingazodzoki zvakare pawungano yaIsraeri, saizvozvoSatani, pamwechete navose vanomutevera muchitema, vachabviswa nokusingaperi kubva pamberi paMwari navanhu vake, kuti vagodzimwa pakurarama mukuparadzwa kwokupedzisira kunopfuta semoto pamusoro pezvivi navatadzi mudziva romoto (ona Maraki 4:1-3; Zvakazarurwa 20:9-10, 13-15).

     Wagadzirira here kuti zita rako nehunhu hwako zvipfuure pamberi paMwari munguva iyi yokutongwa? Wagadzirira here kuti Kristu apedzise basa rokuyananisira zvivi pamusoro pako chero nguva zvayo? Wagadzirira here nezvivi zvako zvose zvareururwa, zvaregererwa, uye zvafukidzwa neropa raJesu Kristu kuitira kuti uve wagadzirira pakuuya kwake kuzopa mubayiro kuna avo vose wehupenyu husingaperi ivo vakazvitaridza kutsungirira usvikira pakuguma (ona Mateo 10:22)?
     “Asi ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani ungamira kana achionekwa?”  “Vanhu vakaipa vanotsindikirwa, havachipo; asi imba yavakarurama icharamba imire.”  “Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu; Watakawana naye mapindire munyasha idzi, dzatinomira madziri…” “Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. Naizvozvo mirai makasunga zviuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitirochechipfuva chokururama, makasunga patsoka dzenyu kugadzirirwa kweEvangeri yerugare; pamusoro paizvozvi makatora nhowo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro shoko raMwari; munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose…” “Nhasi kana muchinzwa izwi rake, musaomesa moyo yenyu.” Maraki 3:2; Zvirevo 12:7; vaRoma 5:1-2; vaEfeso 6:13-18; vaHeberu 4:7.