"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

RUTONGO  RWOKUPEDZISIRA

     Magumo eIvangeri kuuya kwechipiri kwaJesu Kristu. Pamusoro pechiitiko ichi vanyori veTestamente Itsva vakataura kanodarika mazana matatu! Zvakabatana nechiitiko ichi pane kudzikinurwa nokuratidzwa kwavanhu vaMwari. Kuchiitiko ichi Abrahama navamwe vatana vakatarira kwachiri (ona vaHeberu 11:10, 13-16).
     Pakuona chiitiko ichi, Johane akaona mwenga waKristu akapfeka nguwo chena.
     “Wakapiwa simba kuti apfeke mucheka wakanaka, unopenya, usinetsvina; nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene.” Zvakazarurwa 19:8.

     Tinoziva kuti Mwenga uyu isangano kana vatsvene vaMwari (ona 2 vaVakorinte 11:2;  vaEfeso 5:23-24). Dzakagara dziri nhema dzaSatani kuti ruponeso rwunowanikwa chete nokungogamuchira kwedu zvoruponeso rwatakaitirwa naJesu kuburikidza nehupenyu hwake pamwe nechipiriso chake pasina zvimwe zvatingaita isu pachedu; kuti zvinokosha chete kuti isu tiite, kugamuchira basa raakatiitira paKarivari. Asi tinoverenga kuti nguwo chena inopfekwa navatsvene inguwo yokururama kwavo.
     “...Musatsauswa nomunhu:uyo unoita zvakarurama, wakarurama, saIye wakarurama.” 1 Johane 3:7.

     Ichokwadi kuti kururama kwavo kunowanikwa kuburikidza naJesu, asi vatsvene havangopi kushumira kwomuromo chete kuti murairo waMwari mutsvene uye wakarurama, wakanaka (ona vaRoma 7:12), asi vanorarama murairo uyu muhupenyu hwavo (ona Zvakazarurwa 14:12). Kuburikidza nokutenda kunorarama uye kunoshanda vanowana chimiro chohuMwari kuti vagotiza kuwora kuri munyika kuburikidza nokuchiva (ona 2 Petro 1:4).  Nokutenda muna Jesu achishanda mukati uye kuburikidza navo vakasukwa kubva pazvivi zvose, uye kubva pazvimiro zvose zvakaipa.
     “Ndakarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naKristu: handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nakwo munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, wakandida, akazvipa nokuda kwangu.” vaGaratia 2:20.

     Kuna vazhinji, kupfuura kwenguva pasina kuzadzikiswa kwechipikirwa chokuuya kwaJesu rwechipiri chinhu chinovatambudza. Asi Bhaibheri rinotiudza chikonzero chokunenge kunonoka.
     “Ngatifarei, tifarisise, timukudze, nokuti mutambo wokuwana weGwaiana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.” Zvakazarurwa 19:7.

     Kunonoka kuri pakuti mukadzi, kana sangano raKristu, harina kugadzirira, kana kuzvigadzira, kusangana naye. Uye nzira iyo sangano raKristu ringazvigadzirira nayo, kubvisa mavara  ose nemakwapa echitema kubva pazvimiro zvavo (ona vaEfeso 5:23-27).
     Chimiro chedu chinoonekwa nezvinhu zvatinoita, kwete nemabasa akanaka atinomboita kana akaipa atinomboita, asi netsika dzatinenge taumba. Zviitiko zvidiki zvamazuva ose, kazhinji zvinoitika tisingazvicherechedze ndizvo zvinoumba chimiro chedu. Chiitiko chimwe nechimwe chehupenyu chine tuso guru – yezvakanaka kana yezvakaipa. Nguva huru inotorwa mukuita kamwe kararamiro, mukana wokuramba tichitevedzera maitiro iwayo muhupenyu hwese hwakakura.
     Hunhu hwatinoumba, zviito zvatinoita nhasi zviri kuumba magumo edu nokusingaperi.  Sarudzo dzatinoita nezviito zvinozotevera zviri kunyorwa nokutendeseka mumabhuku edenga (ona Zvakazarurwa 20:11-15). Imomo ndimo munoratidza kana hunhu hwedu huri hwokuteerera, kana hwokudarika murairo hwakatanga sekupanduka munaRusifa. Tiri kusarudza nhasi, nezviito uye nezvimiro zvedu, kana tichizowanika tichipfeka nguwo chena yokururama kana tichizoraswa pachadzoka Jesu zvakare.
     Kunonoka kusarudza gare gare kuzova kusarudza mugwara risiri iro. Vazhinji vachakundikana kupinda mudenga nehupenyu husingaperi nokuti vakakundikana kushanda nesimba, kuburikidza naJesu, kukunda zvipomerwa pazvimiro zvavo pano panyika. Vazhinji, apo vachitarisira kuzokurira matambudziko muhupenyu hwavo munguva iri pamberi, vari kusarudza nhasi kurasikirwa nokusingaperi.
     Jesu wakauya pakutanga soMuponesi wavanhu. Wakaunza kunyika mashoko ehupenyu (ona Johane 6:63). Kuti nokumagamuchira vose vanoda vawane ruponeso. Jesu wakayambira, kunyange zvakadaro, kuti avo vanoramba kugamuchira mashoko aya vachatongwa nawo.
     “Unondiramba , asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.” Johane 12:48.

     Kana Jesu wouya rwechipiri richange risiri soMuponesi asi seMutongi.
     “Tarirai, ndinokurumidza kuuya; mubayiro wangu ndinawo, kuti ndipe mumwe nomumwe sezvaakabata.” Zvakazarurwa 22:12.

     Apo Jesu achadzoka, vose vakafa vakarurama vachamutswa, uye pamwe navapenyu vakarurama vachatorwa kundochingamidza Jesu mudenga (ona 1 vaTesaronika 4:16-17). Chakavanzika chokuti uve norupande parumuko urwu rwokutanga, kukurira zvivi zvose; nokuti avo voga vachakunda nesimba iro Jesu akawanisa vose vachawanikwa vakanyorwa mubhuku rohupenyu reGwaiana, uye avo voga vane mazita  anowanikwa akanyorwa mubhuku iri ndivo vane rupande murumuko urwu.
     “Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguwo chena; handingatodzimi zita rake pabhuku yohupenyu, ndichapupurira zita rake pamberi paBaba vangu napamberi pavatumwa vake.” Zvakazarurwa 3:5.

     Pakuuya kwaJesu, vakarurama vachafara vachimuona (ona Isaya 25:9). Vakaipa vachavhunduka uye vachatsvaka kutiza kubva pamberi pake (ona Zvakazarurwa 6:16), uye vachaurawa nokubwinya kwokuonekwa kwake (ona Zvakazarurwa 19:21; 2 vaTesaronika 2:18). Panguva iyi Satani anobva asungwa kwechuru chamakore, mushure mezvo achazombosunungurwazve kwechinguvana (ona Zvakazarurwa 20:1-3).

Hapana Mukana Uri Mberi Wokushanduka

     Vazhinji vakanyengerwa mukutarisira mukana uri mberi wokuita sarudzo yokuponeswa panguva ichange yakasungwa Satani; asi tingaona zviri pachena kuti Satani anotozosungwa chete panguva yokudzoka kwaJesu, panguva iyo vakarurama vachatorwa kuenda kudenga, uye vakaipa vachiparadzwa. (Kuti munzwe zvakawanda pamusoro penyaya iyi, nyorerai chimwe chinyorwa chedu pamusoro poKubvutwa Kwakavanzika.)
     Kusungwa kwaSatani kushaiswa simba kana mukana wokuita zvimwe zvinhu. Takambonzwa tose kutaura kunoti: “Maoko angu akasungwa.” Tinonzwisisa izvi zvichireva kuti munhu uyu, nokuda kwezvakamumanikidza zvaasingagoni kugadzirisa pachake, ari kutadziswa kuita izvo zvaaigona kusarudza kuita. Muchimiro ichi, Satani anosiiwa panyika ino. Vakaipa vafa, vakarurama vabviswa, uye mushure mezvuru zvitanhatu zvamakore zvokushanda zvinesimba, ngirozi iyi yakaputsika inomanikidzwa kufungisisa nezvokutongwa kwayo. Isaya anotaura nezvenguva iyi:
     “Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba. Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti: Ko uyu ndiye munhu waidederesa nyika, waizunungusa ushe…Asi iwe waraswa kure nebwiro bwako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka. Haungavigwi pamwechete navo, nokuti wakaparadza nyika yako, ukauraya vanhu vako;vana vavakaipa havangaregwi nokusingaperi.” Isaya 14:15-16, 19-20.

     Apo rutongo rwakatanga nokuparidzwa kweEvangeri (ona Zvakazarurwa 14:6-7), harusati rwapera, nokuti tinoverenga kuti rutongo ruchapiwa kuvatsvene (ona Zvakazarurwa 20:4). Pauro anotiudza kuti vatsvene vachatonga, kwete nyika yoga, asi vatumwawo(ona 1 vaVakorinte 6:2-3).
     Pamatare ose pane matanho matatu erutongo – kutsvakurudza, kupa mutongo, nokupa murango womutongo. Danho rokutanga rutongo rwokutsvakurudza. Panguva iyi, humbowo hunongoororwa huchiyerwa uye sarudzo inoitwa kana mhosva iripo kana kwete. Kana zvikaonekwa kuti ari kupomerwa haana mhosva, rutongo rwake rwunogumira ipapo nokusunungurwa. Pauro anotaura nezvenyaya iyi kunaTimotio:
     “Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvinotungamirira kukutongwa kwavo, vamwezve vanotevererwa nazvo. Saizvozvowo mabasa akanaka anoonekwa pachena, naasina kudaro haangavanzwi.” 1 Timotio 5:24-25.

     Vamwe vanhu, kuburikidza nokuzvireurura uye kurasa zvivi, vakatumira zvivi zvavo kare kurutongo uye vakatoregererwa nokufukidzwa neropa raJesu. Asi vamwe vakaramba kuita kudaro uye chivi chimwe nechimwe chisina kureururwa kana kuraswa, chisina kutungamira kurutongo chicharamba chisina kuregererwa kuzovapa mhosva nezuva rokupedzisira. Vachayerwa muchiyero vakawanikwa vakareruka. Rutongo urwu rwokutsvakurudza rwunofanira kupedziswa Jesu asati auya, nokuti kana ouya sarudzo dzose dzinenge dzaitwa dzokuti ndiani achaponeswa uye ndiani acharaswa. Panenge pasisina nguva yokugadzirira! Tinofanira kugadzirira ikozvino, zvivi zvedu zvareururwa, zvaraswa, uye zvaregererwa, Kristu asati auya! Mushure mekunge Kristu auya sarudzo dzose dzinenge dzaitwa, uye danho rechipiri rerutongo rinobva raitika – kupa mutongo.
     Padare rimwe nerimwe, kana mhosva yomupomerwi yawanikwa, pane zuva rinotemwa rokuzopa mutongo. Panguva iyi yose, humbowo hunenge hwaburitswa mudare hunoyerwa uye mutongo wowanika. Ndimo mudanho iri rechipiri umo vakarurama vachava norupande.
     Sekuvapo kwerumuko kuupenyu kwavakarurama pakuuya kwechipiri kwaJesu, pachine rumwezve rumuko runofanira kuitika – rumuko rwokutongwa (ona Johane5:29). Vakaraswa, avo vasina kutorwa kudenga pakumuka kwokutanga, vanobuda kubva mumabwiro avo pakupera kwechuru chamakore (ona Zvakazarurwa 20:5). Panguva iyi, Satani anosunungurwa kwechinguvana uye nokukasika anotangisa zvakare basa rake rokunyengera (ona Zvakazarurwa 20:5, 7-9).
     Vachisarudza kuenderera mberi kusvika kumagumo muruvengo rwavo rwezvekururama, vakaipa, pasi pehutungamiri hwaSatani vanoedza kukomba vatsvene kuti vatore guta dzvene. Ndiyo nguva apo danho rerutongo rechitatu, riri rokupedzisira rinoitika.
     Vachitadziswa kuita zvinangwa zvavo, vakaipa vanopiwa murango werutongo wakapiwa kwavari padanho rokupa mutongo. Moto unoburuka uchibva kudenga uyo unopisa chose vatadzi vose – kusanganisira naSatani kana Rusifa pachake – uye vose vanobva vaita dota (ona Ezekieri 28:18; Maraki 4:30). Mudziva iri romoto chitema chose navatadzi vanobviswa nokusingaperi kubva mupasi, uye minongedzo yose yokupanduka inobviswa nokusingaperi.
     Nemuono uyu mukuru werutongo pamberi pako, mubvunzo mukuru unofanira kukunetsa ndewokuti: Ndingazviponesa sei kubva kumugumo unotyisa uye unopfuta kudai? Mwari, nokuda kwetsitsi anokuudza kuti zvingaitika sei:
     “Nokuti Mwari wakada nyika, nokudaro kuti wakapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti ani nani anotenda kwaari arege kufa asi ave nohupenyu husingaperi….asi kuti nyika iponeswe naye….asi asingateereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.” Johane 3:16-17, 36.

     “Naizvozvo muzviise pasi paMwari. Dzivisai Diaborosi agokutizai. Swederai kunaMwari, Iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai moyo yenyu, imi mune moyo miviri….Muzvininipise pamberi paShe, agokukudzai.” Jakobo 4:7-8, 10.

     “Simeoni Petro muranda nomuapostora waJesu Kristu, kuna vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu…Akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa huMwari, matiza kuwora kuri panyika nokuchiva. Zvino nemhaka iyi muchishingairira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, nakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napa kutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zviwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.” 2 Petro 1:1, 4-8.

     “Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tino Murevereri kunaBaba, Iye Jesu Kristu wakarurama; Ndiye Mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirayiro yake. Uyo, unoti ndinomuziva, asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, zvokwadi haisi maari; asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotivisa kuti tiri maari; uyo unoti, ndinogara maari, unofanira kufambawo sezvaakafamba Iye.” 1 Johane 2:1-6.

     “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.” Muparidzi 12:13-14.