"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

KUTI  TINGATYA  RUFU  HERE?

     Pane zvinotendwa zvizhinji zvinopikisana pamusoro perufu uye kuti seri kweguva kwakamira sei, zvokuti zvinobva zvava zvinonetsa kuziva kuti idzidziso ipi yechokwadi. Asi Mwari haana kurega vanhu vake kushaiwa kuziva pamusoro penyaya iyi inokosha asina kuvapa dudziro mukati mechokwadi chayo.
     “Rugwaro rwose rwakafurudzirwa naMwari, rwunobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” 2 Timotio 3:16-17.

     Sezvo rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, nokudaro mapepa aya anokosha ndimo matingawana nheyo dzechokwadi dzedzidziso pasina chatingatyira, uye nnokurayira nokururamisa panhema dzedu dzose kuti tigowana ruzivo rwakachena rwokururama. Saka Mwari anotaura kuti kudii kuburikidza neshoko rake pamusoro perufu?
     Chokutanga, chii chinonzi rufu? Bhaibheri rinotaura kakawanda kuti rufu rwunofananidzwa nokuvata. Munguva yesungano yekare, kana munhu akafa zvaitaurwa kunzi,  “wavata pamwechete namadzibaba ake” (ona 1 Madzimambo 2:10, 11:43, 14:20, 31, 15:8, 24). Munguva dzesungano itsva rufu zvakare rwaifananidzwa nokuvata (ona 1 vaKorinte 11:30, 15:20; 1 vaTesaronika 4:14).
     Jesu anotaurawo pachena pfungwa imwecheteyo panguva yaaitaura zvorufu rweshamwari yake Razaro.
     “Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda kuti ndimumutse pahope. Zvino vadzidzi vakati kwaari: Ishe, kana achivata, uchanaya. Jesu wakanga areva kufa kwake, asi ivo vakanga vachiti, unoreva kuvata hope. Ipapo Jesu akavaudza pachena; Razaro wafa.” Johane 11:11-14.

     Nokudaro kunzi wafa zvakangofanana nokunzi wavata (ona zvakare Mateo 27:52; 1 vaKorinte 15:51; Danieri 12:2). Asi patinofa kana kuvata chii chinoitika?
     “Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake, nezuva iro mano ake anopera.” Mapisarema 146:4.

     Mwari akataura kuti kana tikafa, hatirambi tiine mufungo kana kushanda kwendangariro. Nokudaro hapana kuziva muguva. Saka kuti Mwari angatiratidza zvishamiso zvake, zvakare zvazvino, kana zvichauya muguva here? Kwete.
     “Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka here?...Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here? Nokururama kwenyu munyika yokukanganwa here?” Mapisarema 88:10-12.

     TingarumbidzaJehovha muguva here? Kwete.
     “Vakafa havarumbidzi, kunyange aninani unoburukira kwakanyarara.” Mapisarema 115:17.

     Tingarangarira Jehovha muguva here? Kwete.
     “Nokuti parufu hapana uchakurangarirai; ndiani uchakuwongai pasheori?” Mapisarema 6:5.

     Tine munhu watingakwanisa kuona apo takafa here? Kwete.
     “Ndakati, ndichapinda pamasuwo esheori achiri masikati pamazuva angu; handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.” Isaya 38:10-11.

     Asi hationi vadikanwa vedu vachiuya kumakuva edu kuzotikudza nokutirangarira here? Kwete.
     “Asi munhu unofa, akaparara hake: zvirokwazvo munhu unorega kufema…vana vake vanokudzwa iye asingazvizivi...” Jobo 14:10, 21.

     Nokudaro avo vakafa havana chavanoziva zvachose!
     “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina nokuti havacharangarirwi.” Muparidzi 9:5.

     Zvirokwazvo kufa kwakangofanana nokuvata – sezvakataurwa naJesu. Asi vazhinji vakadzidziswa kuti parufu vamwe vanoenda ipapo ipapo kudenga. As kuti Mwari anodzidzisa kuti tinoenda kudenga kundoona Ishe kana tafa here?
     “…Ndichapinda napamasuwo esheori…Handichazooni Jehovha, Iye Jehovha, panyika yavapenyu…” Isaya 38:10-11.

     Vamwe vakadzidziswa kuti hama dzavo dzakafa dziri kudenga dzirikutaririra pamusoro pavo uye dzirikuvashandira kuvaitira zvinhu zvakanaka nenzira dzakawanda. Asi izvindizvo zvinodzidziswa neBhaibheri here? Kwete.
     “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti rwuzviite, uzviite nesimba rako rose, nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri pasheori kwaunoenda.” Muparidzi 9:10.

     Ko avo vanotenda kuti zvirokwazvo vakamboona kana kutaura chaiko nehama dzavo dzakafa dzichiita sokuti dzakamutswa kuvakafa?
     “Saizvozvo munhu unovata pasi, akasamukazve; havamukizve kusvikira denga rapera, havangamutswi pahope dzavo.” Jobo 14:12.

     Ko avo vanotenda kana kuti vakamboona zvipoko kana mweya yavakafa ichifamba famba nedzimba kana kumakuva kana zvimwe ichibatsira vanhu?
     “…vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo zvose zvanguva zvapera hazvo, havachinomugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.” Muparidzi 9:5-6.

     Saizvozvo vakafa havarangariri zvachose zvenguva yavaimbova vapenyu. Nokudaro havarangariri mumwe munhu kana chimwe chinhu chavaimbofarira kana kuvenga, chavaida kana kusada panguva yohupenyu hwavo. Asi kana dai vaigona kudzoka sezvipoko kana mweya, havaighona kurangarira kuti ndeupi wokutambudza kana kubatsira!

     Asi vanhu vazhinji zvirokwazvo vakaona zvipoko kana mweya uye nezvinoonekwa zvakawanda wanda. Vamwe vakanzwa ruzha rusingagoni kutsanangurika uye vakaona zvimwe zvisinganzwisisiki. Asi sezvo Bhaibheri rezvokwadi richidzidzisa kuti zvipoko haisi mweya yavanhu vakafa chaiyo yakamutswa kuupenyu, zvino zvipoko izvi zvii chaizvo?
     “Zvino kurwa kwakavapo kudenga, Mikaeri navatumwa vake vakarwa neShato, Shato ikarwa inavatumwa vayo, vakasakunda nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. ZvinoShato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi Diaboro naSatani, Munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo…Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose…” Zvakazarurwa 12:7-9, 16:14.

     Nokudaro zvirokwazvo zvipoko kana mweya iriko nhasi, asi hukuna chimwechete chazvo iri vakafa vakamutswa kubva mumakuva. Izvi vatumwa (ngirozi) vakaipa kana mweya yakaipa yakakandirwa pasi kubva kudenga. Mweya iyi yakaipa inonyepera kuita sevakafa vadzoswa kuupenyu. Uye hazvina basa kuti vatevedzera ani – kunyange mupostori Pauro akafa kana vamwewo vateveri vaKristu. Kana kuti, mukurumbira womunhu akafa, unovanyore kuti ufananidzirwe.
     Asi sei ngirozi dzakaipa idzi dzichifananidzira vakafa uye dzimwe nguva dzichitaura mashoko kune vadzinenge dzakwanisa? Chinangwa chadzo chikuru mukuita izvi kuitira kutsausa vanhu uye nokuedza kuti vatende kuti mashoko azdinenge dzataura ndeechokwadi. Asi Diaborosi pamwechete navatumwa vake vanotaura chokwadi here?
     “Haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamune zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.” Johane 8:44.

     Saka hatifaniri kutenda mashoko anotaurwa nezvinoonekwa izvi kana inonzi mweya yavakafa nokuti inhema dzoga! Manyepo makuru akaedza kutaurwa sechokwadi naDiaborosi pamwe neMweya yake yakaipa kutenda kuti kana tikafa mweya yedu inoramba ichirarama. Nhema idzi dzinozivikanwa zvakre kunzi kusafa kwemweya uye ruzhinji rwkanyengerwa mukutenda kuti ichokwadi zvirokwazvo. Asi vanhu havafi here?
     Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vose “vanofa”, kwete kusafa (ona Jobo 4:17; vaRoma 6:12). Chokwadi chiripo ndechekuti, Mwari oga “chete ndiye asingafi” 1 Timotio 6:16.
     Nokudaro magwaro matsvene an otaura kuti parufu, hatiendi mberi tichirarama nokusingaperi. Hatiendi kudenga kana kugehena kana kuhero pakufa, asi tinozorora muguva kana kuti hatikwanisi kutora chimwe chimiro chezvimwe zvisikwa sezvinotendwa muchinamato chezvifananidzo cheupenyu hunoramba huchienderera husingagumi – wokuramba tichiberekwazve patsva kuti tizofa zvakare. Nokuti Mwari netsitsi anotaura kuti vanhu vanofa kamwechete – kwete kazhinji.
     “…vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwechete, kutongeswa kugotevera…” vaHeberu 9:27.

     Asimubvunzo unofanira kubvunzwa ndewokuti: Chii chinokonzera kuti vanhu vafe kana zvakadaro?
     “Jehovha Mwari akaraira munhu achiti: Ungadya hako miti yose yomunda, asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunodya, uchafa zvirokwazvo….zvino mukadzi wakati achiona kuti muti kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora michero yawo, akadya, akapawo murume wake akadya naiyewo.…Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari…uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” Genesi 2:16-17, 3:6, 9, 19.

     Saka rufu rwakatanga apo mutemo waMwari kana murairo zvawakanga wadarikwa kana kusateererwa. Asi chii chaizvo chinoitika kana tikasateerera kana kudarika murairo waMwari?
     “Mumwe nomumwe unoita zvivi unodarika nomurairowo; zvivi ndiko kudarika murairo.” 1 Johane 3:4.

     Nokudaro mukudarika murairo waMwari; tinoita chivi, uye chii chinoitika nemhaka yokusarudza kwedu kuita chivi?
     “Nokuti mubairo wezvivi rufu…” vaRoma 6:23.

     Ndiani muvambi nomuridzi wevhivi chose nerufu?
     “Wakanga wakakwana kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.” “Iye  (Diaborosi) waive muurayi kubva pakutanga…” Ezekieri 28:15; Johane 8:44.

     Saizvozvo Mwari haangapiwi mhosva pamusoro pezvivi kana rufu nokuti Diaborosi kana Satani kana Rusifa ndiye muridzi nomusiki wezvivi zvose nerufu nokudaro iye oga ndiye anemhosva pamusoro pematambudziko ose, kugomera, nokutambudzika kunounzwa nokuda kwacho. Uye sezvo chivi chakapinda munyika nomurango wacho werufu, vanhu vakabvira kuedza kutsvaka nzira yokunzvenga rufu uye kuti vagoramba vachirarama, uye Diaborosi wakagara achibudirira mukutibatsira kutenda izvi nenhema dzake.
     Vazhinji vanotenda pfungwa yokuti chivi chinongokonzera murango werufu kumiviri yedu chete, asi mweya yedu inoramba ichirarama nokusingaperi. Asi Bhaibheri rinodzidzisa izvi here? Kwete.
     “Mweya inotadza unofa.” Ezekieri 18:20.

     Mweya unotadza haurambi uchirarama nokusingaperi, asi unofa! Uye sezvo “vanhu vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari” (vaRoma 3:23), nokudaro hakuna mweya womunhu akafa wakaramba uchirarama mushure merufu! Kutenda uku, kwokuti tinoumbwa nomuviri asi mweya uri pawo woga, imwe nhema inobva kuna Diaborosi navatumwa vake vakaipa. Mwari anotiudza zvokwadi yokuti takasikwa sei.
     “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya wohupenyu mumhino dzake, munhu akava mweya mupenyu.” Genesi 2:7.

     Mwari anonyatsoisa pachena kuti muviri, pamwechete nemweya woupenyu zvinotipa mweya mupenyu (ona zvakare Jobo 33:4; Ezekieri 37:6). Nokudaro muviri, usina mweya hazviti mweya mupenyu – asi wakafa! Saka hapana zvokwadi mudzidziso yokuti mweya yedu inoramba ichienderera mberi nokurarama mushure mekunge tafa. Kunyange vanhu Havana mweya unoramba uchirarama mushure mekufa.
     Mweya wedu wehupenyu inobva kunaMwari uye unotitendera kuti tive nohupenyu, unogona kududziorwa zvakare mumagwaro kureva  “mweya” (spirit) (ona zvakare Jobo 27:3). Nokudaro, muviri, pamwechete nomweya wohupenyu kana mweya (spirit), zvinotipa mweya mupenyu. Asi muviri,  usina mweya, hautipi mweya mupenyu. Saka hapane zvokwadi murutendo rwokuti parufu, mweya yedu inoenderera mberi ichirarama. Kana tikafa, mweya yedu yohupenyukana mweya (spirit) inodzokera kuna Mwari wakaipa kwatiri akuzvarwa (ona Muparidzi 12:7; Mapisarema 31:5), asi mumweya uyu hamuna kaupenyu kaunawo mauri kana kakuziva mauri – sezvinongoitika kana tifemera kunze mweya uyu.
     Kuti saka mugumo wavanhu kusangana nerufu pasina kana tariro yokupunyuka kubva kusimba raro ringaperi? Kuti pane mumwe akatidzikinurawo kubva pamugumo uyu usina tariro here?
     “Asi tinomuona, Iye Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa akashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuda kwokutambudzika kworufu; kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose…naizvozvo, vana zvavakagoverwa nyama neropa, naiyewo wakagovana navo pana izvozvi, kuti nokufa kwake iye aparadze uyo anesimba rerufu, iye Diaborosi; agosunungura avo vaiva varanda pahupenyu hwavo hwose nokuda kwokutya rufu.” vaHeberu 2:9, 14-15.

     Jesu netsitsi, akatiwanira nzira iyo yatingasunungurwa nayo kubva kumugumo uyu usina tariro wekufa nokusingaperi kuti tive nehupenyu zvakare!
     “Mwari wakada nyika, nokudaro kuti wakapa Mwanakomana wake akberekwa ari mumwe oga, kuti anini anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu usingaperi.” Johane 3:16.

     “Nokuti vose sezvavanofa munaAdama, saizvozvo vose vachararamiswa munaKristu.” “Kupupura ndiko, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhwu hwuri muMwanakomana wake. Uno Mwanakomana, unoupenyu; usino Mwanakomana haanoupenyu.” 1 vaKorinte 15:22; 1 Johane 5:11-12.

     Vanhu vose zvino vanogona kuva netariro yokuti zvirokwazvo pane upenyu mushure merufu – asi munaJesu Kristu oga. Hakunazve mumwe munhu: angava mutungamiriri wesangano kana papa, muvhangeri kana guru, shaman kana muprista angapa mumwe munhu upenyu husingaperi muzvokwadi. Upenyu mushure merufu unongowanikwa munaJesu Kristu nokuti ndiJesu chete akapiwa “simba pamusoro penyama yose, kuti ape upenyu husingaperi kuna vazhinji” vari vake (ona Johane 17:2). Uye Jesu Kristu anogona kuwanikwa navanhu vose – kunyange avo vanganzi ndeve pasi pasi kana vakanyura mudziva rechitema.
     “Nokuti hatino muprista mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pawutera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asine zvivi. Naizvozvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.” vaHeberu 4:15-16.

     “Ishoko razvokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu wakauya panyika kuzoponesa vatadzi; avo, ini ndiri mukuru wavo.” 1 Timotio 1:15.

     Naizvozvo vanhu vose zvino vangazorora mutariro yokuti pane zvikwazvo upenyu mushure merufu – asi munaJesu Kristu chete. Hapachina munhu anofanira kutya rufu – kunze kwaokunge kana sina kugamuchira Jesu saMuponesi wake uye kuti haana kubatana naye.

     Ndapota usatendera imwe nguva kupfuura usina kupfugama, ugozvidya moyo pamusoro pezvivi, uye nokukumbira Jesu Kristu kukuregerera uye ugokumbira kwaari kuti atungamirire upenyu hwako.  “Zvino ndiro zuva reruponeso” (2 vaKorinte 6:2) – kwete mangwana, nokuti mangwana anogona kuva kure.
     Chokwadi ichi chokuti pane mukana woupenyu mushure merufu kuburikidza naKristu kunyaradzwa kukuru nechikomborero kuneavo vachiri vapenyu, asi ko vakafa kare vachaita sei?
     Kuti avo vakafa kare kana vakavata vachamutswazve  kuupenyu here – kusanganisira avo vakaramba Kristu? Ndapota nyorera chinyorwa chedu chinotevera chinotaura pamusoro penyaya inokosha yerumuko.