"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

HUTSVENE  HWESVONDO

     Zuva rokutanga revhiki, kubva kare, rakanga riri zuva iro vanhu vainamata zvifananidzo, varoyi, mashameni, navamwe vezvokusvikirwa navavuki, vainamata naro zuva, kudzimana richizonzi – Svondo. Rakange risiri zuva rokunamata naro Mwari wokudenga, asi rokunamata naro mwari wenyika ino – Rusifa kana Satani kana Diaborosi. Kunamata nezuva resvondo tinogona kukuronda kubva kuBabironi rekare naNimrodi.
     Sezvo zuva rokutanga revhiki richitaridza kucherechedzwa pasi rose namakristu mazhinji nhasi panzvimbo yezuva reSabata rechinomwe kubva pakusika iro Mwari waida kuti tirirangarire tirichengete rive dzvene (ona Genesi 2:2-3; Eksodo 20:8-11), mubvunzo unofanira kubvunzwa ndewokuti, “Sei pakave neshanduko uye nesimba ripi uye raani kuti Sabata romutemo wechina rishandurwe kubva paMugovera kuenda paSvondo?”
     Sangano reRoma Katorike rinotaura kuti ndiro rine simba iri! Vanoti: “Zvirokwazvo Sangano reKatorike rinobvuma kuti kushandurwa (kubva paMugovera kuenda paSvondo) kwakaitwa naro. Zvingadai zvisina kudaro, sezvo pasina mumwe mumazuva iwayo ungadai akafunga kuita chimwe chinhu pane zvomweya kana zvokunamata pasina iro, uye kuita uku chiratidzo chesimba nehukuru hwaro mune zvokunamata.” Tsamba kubva kuna H.F. Thomas, Chancellor of Cardinal Gibbons.

     Nhengo dzesangano reKatorike dzinocherechedza hukuru hwaPapa uye nehwesangano ravo sehunokunda hukuru hwaMwari, zvakadaro zvokuti vanonzwa vachigutsikana mukucherechedza chirevo cheRoma muchengeta musi wokutanga wevhiki uri mutsvene.
     Asi nhengo dzemasangano eChipurotesitenzi kazhinji dzinoramba hukuru hwesangano reRoma, asi zvakadaro vanoramba vachinamata neSvondo – zuva iro sangano reKatorike roga rinobvuma kuva nesimba rokuriita dzvene. Nokudaro Mapurotesitenzi anochengeta Svondo varikupa ruremekedzo kuna Papa weKatorike vasingazivi – kwete kuna Mwari wokudenga, uye Roma inonyatsozvinzwisisa izvi!
     “Mapurotesitenzi…vanogamuchira Svondo panzvimbo yoMugovera sezuva rokunamata paruzhinji mushure mokunge sangano reKatorike rarishandura…Mukucherechedza Svondo, vari kugamuchira hukuru hwomutariri wesangano, Papa.” Our Sunday Visitor, February 5, 1950.

     “Zvakanaka kuti tirangaridze vePresbyterian, veBaptist, veMethodist, nevamwe vaKristu vose, kuti Bhaibheri harivatsigiri kana pamwe zvapo mukuchengeta Svondo. Svondo rakadzikwa nesangano reRoma Katorike, uye avo vanorichengeta, vanochengeta murairo wesangano reKatorike.” Priest Brady, mumharidzo yakaziviswa muElizabeth, N.J. “News” of March 18, 1903.

     “Rakanga riri sangano reKatorike iro…rakabvisa zororo iri (Mugovera seSabata) kuriisa paSvondo…Nokudaro kuchengetwa kweSvondo neMapurotesitenzi ruremekedzo rwavanopa, kwete kwavari, kuhukuru hwesangano.” Monsignor Louis Segur, “Plain Talk about the Protestantism of Today,” p 213.

     Mapurotesitenzi mazhinji varikuedza kushumira nokunamata Mwari nepavanokwanisira napo noruzivo rwavo rwose vakatendeka. Asi kana vakasangana nechokwadi pamusoro pokunamata neSvondo semutemo woga weRoma, uye kwete waMwari, vazhinji vanoedza kutsigira shanduko kubva paMugovera kuenda paSvondo nezvikonzero zvemuBhaibheri. Asi hapana shoko rimwe rinonyatsotaura kuti Mwari wakashandura Sabata rake kuriisa pamusi wokutanga wevhiki! Sei zvino, vachiedza kusimudzira zuva rokutanga revhiki pamusoro peSabata raJehovha, asi vachiti varikushumira nokunamata Mwari?
     Pane zvikonzero zvakawanda zvinopiwa pakuchengetwa kwemusi wokutanga wevhiki, panzvimbo yeSabata reBhaibheri, zvatichaongorora pano.


CHIKONZERO CHOKUTANGA:

     “Rudzikinuro rwukuru pane kusikwa; nokudaro, tinofanira kuchengeta zuva rokumuka kwaKristu pane Sabata rekare raJehovha.”

     Ndapapi pakataurwa izvi naMwari? Hapana pazvinowanikwa mushoko raMwari. Ikodzero ipi zvino, ingava nomunhu mukutaura shoko iri asi wotsigira shanduko yeSabata achishandisa iro shoko raMwari? Mwari haana kuda kuti vanhu vachengete rimwe zuva sechirangaridzo chokudzikinurwa. Asi wakatirayira kuchengeta zuva reSabata rechinomwe sechirangaridzo chokusika kuitira kucherekedza Mwari soMusiki wedu.
     Kunyange zvakadaro, kana dai zvainge zvakafanira kuchengeta rimwe zuva pavhiki nokuda kwechikonzero ichi, zvikuru sei zuva rokurovererwa rakafanira chose. Hazvina kunzi tine rudzikinuro kuburikidza nokumuka kwaKristu, asi zvinonzi tine rudzikinuro kuburikidza nokudeuka kweropa rake (ona Zvakazarurwa 5:9; vaEfeso 1:7; vaKorose 1:14; vaHeberu 9:12, 15). Kushamisa kwechiitiko chaJehovha mukupa Mwanakomana wake unodikanwa uye mumwe oga kuti afire rudzi rwavapanduki chaive chishamiso chorudo rwokudzikinura icho zvisikwa zvose zvichatarira nokushamiswa kusvikira panguva dzose dzisingaperi. Ndiani asingashamiswe kuti zuva rakaputirwa mudima guru uye zvisikwa zvose zvakadedera pachiitiko ichi! Chishanu, zuva rokurovererwa, nokudaro, rinotonyanya kukosha kupfuura zuva rokumuka; asi Mwari haana kuraira kuchengetwa kwerimwe rawo.
     Kana dai tingada kurangarira rudzikinuro, hazvina kufanira kuti tibire Mwari hutsvene hwezuva rake rokuzorora kuti tiite izvi. Nokuti Mwari wakatipa zvirangaridzo zvechiitiko ichi (ona 1 vaKorinte 11:23-26).


CHIKONZERO CHECHIPIRI:

“Vadzidzi vakasangana pazuva rokumuka raShe wedu kuti varangarire chiitiko ichi, uye Muponesi akatsigira musangano uyu nokubatana navo (ona Johane 20:19).”

     Kana dai izvi zvaiva chokwadi, hazvina kupa humbowo hwokuti Sabata raShe rakashandurwa. Kwemazuva mazhinji vadzidzi havana kutenda kuti Ishe wavo ainge amutswa kubva kuvakafa, asi vainge vakaungana nechinangwa chokudya zvokudya zvamazuva ose nokuzvivanza kubva kuvaJuda (ona Marko 16:12-14; Johane 20:19). Saka vadzidzi vainge vasiri kurangarira kumuka kwaMuponesi, uye uhwu humbowo hwakazarazve kuti vainge vasina pfungwa ipi zvayo yokushandurwa kweSabata. Vakachengeta Sabata, sezvinoreva murairo, vakasimudzira mabasa avo pamusi wokutanga wevhiki (ona Ruka 23:55-56, 24:1).


CHIKONZERO CHECHITATU:

“Mazuva masere akati apfuura, Jesu akasangana navadzidzi vake zvakare (ona Johane 20:26). Iri rinofanira kunge raive zuva rokutanga revhiki, zvinoisa pachena kuti ndiro sabata rechikristu.”

     Ndiani angava nechokwadi chokuti “mukupera kwamazuva masere” zvinoreva vhiki bedzi? Mashoko aya anogona kududzirwa kureva kuti wainge uri musi wechipfumbamwe “mushure memazuva masere” apfuura.
     Asi kana dai “mukupera kwamazuva masere” zvichireva vhiki roga, izvi zvinoburitsa pachena sei kuti Svondo rava “Sabata rechikristu” zvapasina chidimbu chiduku chehumbowo hwokuti Kristu kana vadzidzi vake vakambozorora pazuva iri? Hakuna izwi rakadaro ringawanika mubhaibheri serokuti Sabata rechikristu. Sabata rimwechete roga revhiki rinotaurwa muBhaibheri rinonzi Sabata raJehovha – zuva rechinomwe.
     Hazvingave zvingatishamisa kuti Kristu unowana vadzidzi vake vari pamwechete, sezvo vaive nepokugara pamwechete (ona Mabasa avaApostora 1:13).


CHIKONZERO CHECHINA:

“Mweya mutsvene wakaburuka pamusoro pavadzidzi nezuva rePentekosti, raive zuva rokutanga revhiki. Nokudaro, zuva rokutanga revhiki rinofanira kuchengetwa panzvimbo yeSabata raJehovha (ona Mabasa avaApostora 2:1-2).”

     Tichibvuma hedu kuti zuva rePentekosti rakaitika pamusi wokutanga wevhiki, zvichigere kuiswa pachena kuti zuva iri nokudaro rakave Sabata. Waiva mutambo wePentekosti, kwete zuva rokutanga revhiki, iro Mwari waida kukudza.
     Zuva rePentekosti rinonyatso-taurwa nezvaro, asi zuva revhiki parakaitika rinopfuura rakanyararwa. Kwainge kusiri kuronga kwedenga kukudza zuva rokutanga revhiki, asi kunongedzera zvaimiririrwa chaizvo nomutambo wePentekosti.
     Kuurawa kweGwaiana repaseka pazuva regumi namana romwedzi wokutanga kwainge kwazadziswa mukufa kweGwaiana raMwari nezuva iro (ona Eksodo 12; Johane 19; 1 vaKorinte 5:7). Chipiriso chezvibereko zvokutanga nezuva regumi namatanhatu romwedzi wokutanga chainge chazadziswa mukumuka kwaShe wedu nezuva iro, chibereko chokutanga cheavo vakavata (ona Revitiko 23; 1 vaKorinte 15:20-23; Mabasa avaApostora 1:1-2). Uye kudururwa kweMweya mutsvene paPentekosti kwakazadzisa zvaimirirwa nomutambo wePentekosti. Rainge risiri zuva raitika zviitiko izvi raikosha, asi kuti mitambo nokushumira uku kwekare kwainge kwawana dudziro yakwo kubva mumufananidzo.
     Mwari haana chaakataura panzvimbo iyi achicherechedza zuva raiitika zviitiko izvi, nokudaro hapana humbowo pashanduko yenguva yeSabata raMwari.
     “Usawedzera kumashoko ake, kuti arege kukuidza, ukawanikwa uri murevi wenhema.” Zvirevo 30:6.


CHIKONZERO CHECHISHANU:

“Pauri wakambomedura chingwa nezuva rokutanga revhiki. Nokudaro zuva iri raicherechedzwa seSabata rechikristu (ona Mabasa avaApostora 20:7).”

     Pane imwe nguva sangano ravaApostora muJerusarema raimedura chingwa zuva rimwe nerimwe (ona Mabasa avaApostora 2:42-46). Kana chiitiko chimwe chokumedurwa kwechingwa paTroa nezuva rokutanga revhiki chakariita Sabata, chiitiko chairamba chichiitika chesangano revaApostora paJerusarema mukumedura chingwa nemamwe mazuva chingakwanawo kuita mazuva aya maSabata?
     Sei muchiedza kubatirira pachiitiko chimwe chomusangano wamanheru wakaitwa neSvondo, moedza pasina kupa humbowo hwokuti Sabata rakashandurwa, muchitadza kuona chokwadi chokuti Mupostori Pauro mumwecheteyo waiparidza zuva reSabata rechinomwe roga roga, kwete kuvaJuda voga, asi nokuvaHedeniwo? (Ona Mabasa avaApostora 13:14, 42, 44, 16:13, 17:2, 18:4.)


CHIKONZERO CHECHITANHATU:

“Pauro wakarayira sangano paKorinte kuti vatore zvipo nezuva rokutanga revhiki; Nokudaro rinofanira kunge raiva zuva rokunamata kworuzhinji naro uye saizvozvo ndiro sabata remakristu (ona 1 vaKorinte 16:2).”

     Kunyange zvakadaro, Pauro haasi kuti: “Isai zvipo zvenyu muhomwe yesangano nomusi wokutanga wevhiki;” asi anoti: “Nomusi wokutanga wevhiki mumwe nomumwe ngaakamure zvimwe kumba kwake aunganidze.”
     Mupostori akangotaurira hama imwe neimwe yapaKorinte kuti ikamure zvimwe kumba kwake, aunganidze paakawana napo vhiki rimwe nerimwe nomusi wokutanga kana pakutanga kwevhiki vasati vazvishandisa zvose. Pakutevera zano raPauro, vainge vachiisa Mwari nebasa rake pakutanga munezvemari, panzvimbo yepakupera kwevhiki mushure mekunge mari yavo yose yapera.
     Mubvunzo mukuru uri pane zvinoreva shoko rokuti, “kumba kwake.” Zvinyorwa zviviri zvechiLatini, zvinoti cheVulgate nechaCastellio zvinodudzira kuti, “apud se,” – “pachake, kumba.” Kududzira kwakadai kunowanikwa munezvimwe zvinyorwa zvakawanda.
     Nokudaro, vesi iri harisi kuburitsa pachena kuti sangano repaKorinte raiungana pakunamata kworuzhinji neSvondo asi kuti rinoisa pachena kuti mumwe nomumwe anofanira kunge ari kumba kwake kwaanogona kuongorora zveupenyu hwake agokamura pachake zvimwe aunganidze, pakutanga kwevhiki rimwe nerimwe sekuropafadzwa kwake naMwari. Kana mumwe nomumwe akaita izvi, kana mupostori ouya, zvipo zvavo zvinenge zvagadzirirwa kuti mumwe nomumwe agomugamuchidza zvaakaunganidza.


CHIKONZERO CHECHINOMWE:

“Johane aive muMweya nezuva raShe, rinotaurwa nezvaro kunzi musi wokutanga wevhiki (ona Zvakazarurwa 1:10).”

     Asi tinobvunza: Zvinotaurwa kubva papi kuti izvi ndizvo zvinoburitsa pachena pfungwa yainonzi inoburitsa? Vesi iyi, ichokwadi, inotipa humbowo hwokuti pane zuva mukati menguva yeEvangeri iro Ishe anoti nderake; asi pane vesi imwe muBhaibheri inopupura kuti musi wokutanga wevhiki ndiro zuva raShe here? Hakuna rimwechete.
     Asi zvirokwazvo, pane pakanyorwa panoti Mwari ane rimwe zuva raanoti nderake raakazvitsaurira seSabata rake.
     “Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene nokuti wakazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita Iye Mwari.” Genesi 2:3.

     “Nokuti pane imwe nzvimbo wakataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti: Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose....Zvino zororo resabata ravanhu vaMwari richipo.” VaHeberu 4:4, 9 (ona zvakare Eksodo 16:23, 20:10; Isaya 58:13; Marko 2:28).

     Saka zuva rechinomwe ndiro zuva iro Mwari akazvitsaurira paakapa kumunhu mamwe mazuva matanhatu, uye zuva iri anoritumidza zuva rake dzvene. Ndiro zuva iro Testamende Itsva inotaura kuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe waro. Kune zuva rimwe iro Bhaibheri rinotumidza sezuva raShe, uye hakuna rimwe kunze kweSabata romutemo wechina – Mugovera.
     Mukristu mumwe nomumwe anoramba achinamata neSvondo – musi wokutanga, asi achiziva kuti Sabata reBhaibheri raShe riri paMugovera – zuva rechinomwe, anoratidza kuti anoshumira, kunamata, uye kuremekedza hukuru hwaPapa weKatorike asi kwete Jehovha Mwari weBhaibheri.

     Kana zvikonzero zvose, nepfungwa pamwe nokuzvitsigira kwose pakuchengeta Svondo riri dzvene panzvimbo yeSabata reBhaibheri zvanyatsoongororwa, mavesi maviri anotevera anonyatsotaura zvinofanira kuitwa navanhu vaMwari muhondo iyi huru:
     “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” Mabasa avaApostora 5:29.

     “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirairo yake, nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe pamwechete nezvose zvakavanzika, kanyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.” Muparidzi 12:13-14.

     Mwari ngaatibatsire nenyasha, simba, uye nohushingi kuti tichengete mitemo yake tigoratidza kuzviisa kwedu pasi kune hukuru hwake chete tichishumira nokunamata Iye oga. Ngaatibatsire kuti tirege kuteerera hukuru hwomumwe munhu kana sangano, kana kushumira uye kunamata mumwe munhu kana sangano panzvimbo yaMwari.