"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

CHIVI  CHAKAVAMBA  SEI?

     Vanhu vazhinji, kuvepo kwechivi chinhu chakavanzika zvikuru. Havagoni kunzwisisa kuti sei Mwari anerudo uye anonzwira kudaro angatendera chimwe chinhu chinokonzera kuchema kana kukuvadza. Asi hapafaniri kuva nokusanzwisisa pamusoro pokuti chivi chakavamba sei uye chinoramba chiripo sei munyika yedu.
     Bhaibheri rinotidzidzisa kuti, “Uyo unoita zvivi, ndowaDiaborosi; nokuti Diaborosi unoita zvivi kubva pakutanga.” 1 Johane 3:8.

     Chivi, pakutanga chakamuka kubva mumoyo waRusifa. Muporofita Isaya unotiudza kuti Rusifa (Nyamasase) kana kuti Satani kana Diaborosi waimbove ngirozi yechiedza yokudenga yakanaka.
     “Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, Iwe Nyamasase (Rusifa) iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa Seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!” Isaya 14:12.

     Zita rokuti, “Rusifa” (Nyamasase) rinoreva “Mutakuri wechiedza.” Izvi zvinombotipawo kakuziva kubwinya kwake kwapakutanga. Kunyange zvazvo parizvino ari ngirozi yakaputsika, haasi chisikwa chakanyangara sezvaanotsanangurwa kakawanda achiitwa.
     Mupositori Pauro unotiudza kuti Satani anogona kuzvishandura achizviita mutumwa (ngirozi) wechiedza kana zvichiita kuti zvinangwa zvake zvifambe (ona 2 vaKorinte 11:14-15). Chitori chinangwa chaSatani kuita basa rake, pamwe nerenhume dzake kuti riite serakafanana neraMwari. Nokuita uku anokwanisa kunyengera vakawanda.
     Ezekieri wakataura nezvaSatani (anotaurwa nezvake samambo weTire) sechisikwa chaimbove nerunako rwusingaenzaniswi.
     “Wakanga uri paEdeni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose…Iwe wakanga uri Kerubi rakazodzwa raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omwoto. Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako….Moyo wako wakazvikudza nokuda kwokubwinya kwako…” Ezekieri 28:13-15, 17.

     Kunyange zvaaiva ngirozi yokubwinya, Satani wakazvikudza nokuda kworunako rwake; uye mukufunga kwake, wakafunga kuti haachafaniri kuzviisa pasi pokutonga kwaMwari.
     “Iwe wakati mumoyo mako: ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo rewungano, pamigumo yamativi okumusoro: ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.” Isaya 14:13-14.

     Zvaasina kugutsikana nechinzvimbo chake seKerubi raifukidzira areka, Rusifa wakada kuenzana naMwari. Asi izvi zvaireva kushandura kurongeka kwakakwana kwedenga, zvaigona kuitika chete nokupomera Mwari mhosva yokukanganisa muhurumende yake. Nyaya chaiyo iri pakuti: Kana Mwari achitadza kusvika pakukwana, saka sei tichifanira kutevera mitemo nemirawu yake? Rusifa wakatangisa kunyengera ngirozi dzakawanda dzaaikwanisa kuti dzimubatsire kupandukira Mwari. Nokudaro ngirozi imwe neimwe yaifanira kusarudza wokutenda, nowokutevera pamwe nowokutsigira – Mwari kana Rusifa.
     “Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neShato, Shato ikarwa inavatumwa vayo, Vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino Shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, Munyengeri enyika yose, yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo.” Zvakazarurwa 12:7-9.

     Nokuvamba hondo mudenga, Satani wakataridza pachena kuti uchaita zvose zvaangagona kuti awane chinangwa chake chokuenzana naMwari, uye kana chingava chipingaidzo chipi chaida kumutadzisa kuwana chinangwa ichi chaifanira kubviswa nesimba – kusanganisira Mwari pachake.
     Kunyange akakundwa nokukandwa kubva kudenga, Satani haana kuparadzwa. Sei? Kana dai Mwari akaparadza Rusifa, izvi hazvaigona kunge zvakapindura mhosva dzakange dzichipomerwa Mwari naRusifa. Nokudaro, Satani waifanira kupiwa mukana wokuratidza zvisikwa zvose kuti imhando ipi yehurumende yaaigona kumisa, uyewo nokuratidza rinozova tuso rokusarudza nzira yokupandukira Mwari. Chengetedzo yezvisikwa zvose yakatsamira pakuratidza uku neinozova tuso rakwo. Hapafaniri kusara nomubvunzo kuti ndiani aitaura zvokwadi – Mwari kana Rusifa. Vose vaizozikanwa nemaitire avo kana zvibereko zvavaizoburitsa.
     Kwaive kuzvida kwakapa Satani kuti ade kuenzana naMwari, uye chidiso chimwechetecho wakatsvaka kuti ungachiunza sei murudzi rwavanhu. Achisvika kuna Eva, wakamuidza kuti atende kuti kuenzana naMwari chinangwa chinogoneka – asi chinongosvikika chete nokusateerera Mwari.
     “Zvino nyoka yakanga inamano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: regai kudya miti yose yomunda? Mukadzi akati kunyoka, tingadya hedu michero yemiti pamunda, asi kana iri michero yemuti uri pakati pomunda, Mwari wakati: regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa. Nyoka ikati kumukadzi: hamungafi zvirokwazvo, nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchaziva zvakanaka nezvakaipa.” Genesi 3:1-5.

     Panguva yaakangoteerera pfungwa yaDiaborosi yokusateerera Mwari, Eva wakabva wavapamwechete nemuvengi waMwari, uye wakabva wava nhume yaSatani kumubatsira kuunza kuputsika kwaAdama.
     Munhu wakasikwa kupangidza Mwari (ona Genesi 1:26-27), wakabva wavapasi pesimba rakanga riri kupikisana nohutongi hwaMwari nehukuru hwake. Munhu wakambenge achiwirirana noMusiki wake, asi wakange zvino wava mupanduki, anopikisana nokuda kwaMwari nemirayiro yake.
     “Nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari, nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, hakugoniwo.” VaRoma 8:7.

     Diaborosi wakabva wati rudzi rwose rwavanhu rwakanga rwuri pasi pesimba rake, uye havaizombofa vakateerera Mwari kuti vaburitse humbowo hwokuti Mwari ndiye anotaura chokwadi muhondo iyi; Mwari angadai akaparadza munhu ipapo ipapo nokuda kwokupanduka kwake, asi kunyange zvakadaro, akamuda ndokuuya pedo naye nokumutumira Jesu kuti ave mumwechete nesu uye kuti afe panzvimbo yedu.
     Jesu pakuuya kwake panyika, wakauya seMurairidzi wedu. SeMurairidzi wedu, akararama upenyu nokuteerera kusina chindini kuna Mwari, akatisiira muenzaniso wakakwana wezvatinogona kuva kuburikidza naye. Nezvibereko zvake, Kristu wakaratidzwa kuvaIye Zvokwadi neNzira kukuponeswa nokusununguka kubva kuchivi. Nokurarama hupenyu hwokuteerera mumunhu, Jesu haana kungotsigira Mwari chete nokuisa pachena mutemo waMwari nohushe hwake hwokurururama kuti hwakakwana, asi wakaisa pachena zvakare kuti zvaigoneka kuti munhu wese atevedzere muenzaniso wake uyewo achiva anoteerera. Nokudaro Kristu akarartidza kuti hapana chikonzero kuti mumwechete wedu agoramba ari muhusungwa hwechitema.
     “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake; iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuwonekwa mumuromo make.” 1 Petro 2:21-22.

     Pakufa kwaJesu pamuchinjiko, Satani akaiswa pachena; akange azviburitsa pachena somuurayi, uye kuti pasi pehurumende yake zvose zvakanaka nezvinokudzwa zvichabviswa. Wainge wazvirumura zvachose kubva kuzvisikwa zvose zvainge zvakatarisa uye kuti kuparara kwake kwainge kwava pachena. Nezvibereko zvake, Satani wakabuda pachena semurevi wenhema uye kuti Inzira yohutapwa nohuranda kuchivi nerufu.
     Nokubvumira zvimiso zvechivi kuti zvinyatsoburitswa pachena, Mwari akapa chisikwa chimwe nechimwe muhushe hwake mukana wokuwona kuti chivi chinosvitsa papi. Mushure mokuona tuso guru rokuipa kwechivi, mumwe nomumwe unokwanisa zvino kuita sarudzo yake yakachenjera yokuti uchateerera kana kutsvaka kutsigira ani muhondo huru iyi – Mwari kana Satani.
     Achitaura pamusoro paSatani, Jesu akaudza vateereri vake:
     “Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamune zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.” Johane 8:44.

     Apo Satani akange ari mukati medenga achiedza kudzika mamiriro matsva ezvinhu, tuso rechivi rakange risiri pachena. Mwari akaona zvakange zvisingaonekwi nezvisikwa – akaona kwakange kuchizosvikwa nechivi nechindini. Mukuzouraya Kristu, Satani akaratidza izvo zvagara zvinowanika muchimiro chechivi nguva dzose. Karivari kwainge kuri kuburitswa pachena kwechivi kwakaratidzwa zvakazara. Maitiro edu echivi kupangidza pachena kupanduka kuri mukati. Nokudaro chivi chose, hazvinei tingachiti chiduku kana kuti chikuru chinotiita vasungwa kukutonga kwaSatani tichibva tava vagoverani naye pamhosva yokuuraya Kristu!
     Satani haana kungozara neruvengo kuna Kristu bedzi, asiwo kune avo vose vanosarudza kumutevera nokutsigira Mwari. Ichokwadi kuti Jesu, semunhu, wakakunda Satani; asi kana Satani akagona kudzivisa vateveri vake kuti kukunda kwaKristu kurege kuoneka muhupenyu hwavo, haasati apererwa zvachose. Nokudaro, kuburikidza nenhume dzake, akapfuudza mberi hondo naMwari nenzira yokurwisa vateveri vake.
     “Zvino Shato yakatsamwira mukadzi, ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.” Zvakazarurwa 12:17.

     Kunyange Satani akafukidzira izwi rake, dzidziso dzake zhinji dzokunyengera dzinongotungamirira kupfungwa imwechete yokuti, “Zvingangodaro kuti Mwari arikubatsirika nesu kana tichiteerera mitemo yake, uye kuti pane chimwe chinhu chatinowana pakusamuteerera.” Kunyepa uku kwokunyengera kwakatambirwa naAdama naEva zvakazounza chivi nerufu munyika ino. Asi Kristu wakauya mupasi rino kuzobatsira iwe neni kupukunyuka kubva kuchivi kuburikidza nenyasha dzake nesimba kuti tiwane hupenyu husingaperi paachauya zvakare.
     Kana tikada Kristu nokuzviisa kwaari, anovimbisa kubatanidza moyo wedu nowake, ndangariro dzedu dzobatanidzwa neyake, pfungwa yedu yova imwe neyake, mutemo waMwari unobva wavamufaro wedu.
     “Nokuti ndiyo sungano yandichaita neimba Israeri kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe, ndichaisa mirayiro yangu pakufunga kwavo, napamoyo yavo ndichainyora, ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.” VaHeberu 8:10.

     “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu, zvirokwazvo murairo wenyu uri mumoyo mangu.” Mapisarema 40:8.

     “Shoko renyu ndakariviga mumoyo mangu, kuti ndirege kukutadzirayi.” Mapisarema 119:11.

     Nokuita uku, kunyange mirangariro yedu inova muhutapwa kuna Kristu, achitibvumira kutevera muenzaniso wake wokuteerera nokurarama upenyu hwake matiri.
     “Nokuti, kunyange tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitovo yenyama: (nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzinesimba pamberi paMwari rokuputsa nhare; ) isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu…” 2 vaKorinte 10:3-5.

     Ruponeso urwo Jesu rwaanotiunzira harusi ruponeso mukusamuteerera. Asi wakatiunzira rudzikinuro kubva kusimba rechivi, kuti kuburikidza nesimba raJesu tigogona uye tigokwanisa kurarama hupenyu hwokuteerera, tigotaridza kuti Mwari ndiye Chokwadi, nokuburitsa Satani pachena somurevi wenhema.
     “…ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake kubva pazvivi zvavo.” Mateo 1:21.

     “Akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kunavose vanomuteerera…” VaHeberu 5:9.

     Nokudaro nemaitiro edu, kana zvibereko zvatinoburitsa, tinozivikanwa sevateveri vaMwari, kana vateveri vaSatani – tinotsigira Mwari kana Satani.
     “Mumwe nomumwe unoita zvivi, unodarika nomurairowo; zvivi ndiko kudarika murayiro. Munoziva kuti Iye (Jesu) wakaoneswa kuti abvise zvivi; maari hamune zvivi. Mumwe nomumwe unogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe unoita zvivi, haana kumuona kana kumuziva. Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, unoita zvakarurama, wakarurama, saIye wakarurama. Uyo, unoita zvivi, ndowaDiaborosi, nokuti Diaborosi unoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDiaborosi. Mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi…Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDiaborosi…” 1 Johane 3:4-10.

     Mwari ngaabatsire mumwe nemumwe wedu kuti tiuye kuna Kristu nokuperera uye nokumubvumira kurarama hupenyu hwake kuburikidza nesu, kuti tirege kuva varanda vechivi kusvika parufu zvakare, asi tive varanda vokururama kusvikira kuhupenyu husingaperi.