"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

CHISIMBISO  CHIRATIDZO  CHAMWARI
ne
CHE  MUPENYU  CHIKARA

“Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo:Kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.” Zvakazarurwa 13:16-17.

      Unoda kuziva zvinoreva mashoko aya anokosha here? Chinyatsoverenga mashoko anotevera:
     Mwari paakatungamirira vanhu vake kubva muIgipita, nokuvapa mana murenje, vaifanira kuunganidza mana inoringana yezuva iroro mangwanani oga oga, uye mana yaizosara isina kushandiswa yaiwora nokunhuwa. Asi nezuva rechitanhatu vaifanira kuti kana “vogadzira zvavanenge vauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe….Vakazviviga kusvikira mangwana…uye hazvina kunhuwa…Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe.” Exodo 16:5, 24, 30. Mashoko aya anoratidza kuti vanhu vaiziva nezve sabata rechinomwe raJehovha kunyange mutemo usati wapiwa pagomo reSinai!
     PaSinai Mwari amene wakaburuka akataura mutemo wake mutsvene – mitemo inegumi. Cherechedza kuti mutemo wechina, unotaura nezve sabata ra Mwari, ndiwo moyo kana kuti uri pakati nepakati pemitemo iyi. Ndicho chisimbiso Mwari chaakaisa kumutemo wake nokuti chinezvinhu zvitatu zvinokosha zvinoita kuti murayiro uve nesimba: ZITA romupi womurayiro – Jehovha; CHINZVIMBO Chake chepamurawu – Musiki; DUNHU REUSHE Hwake – denga nenyika.

     Ngativerenge mutemo weSabata:
      “Rangarira zuva resabata, kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati memasuwo ako, nokuti namazuva matanhatu Jehovha wakaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha wakaropafadza zuva resabata akariita dzvene.” Exodo 20:8-11.

     Sabata remusi wechinomwe, mumwe wemitemo iyo Mwari achaisa mundangariro uye nokunyora mukati memoyo yavanhu vake (ona vaHeberu 8:10). Sabata chisimbiso, kana kuti chiratidzo Mwari chaachaisa zvakare pahuma dzavaranda vake (ona Zvakazarurwa 7:3).
     Mwari vanoisa pachena:
     “Ndakavapawo masabata angu, chive chiratidzo (mucherechedzo kana kuti chisimbiso) pakati pangu navo…kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.” Ezekieri 20:12, 20.

     Sabata raiva mumwe womurayiro uyo Jesu akasimudzira akaita kuti uremekedzeke, waanotaura achiti: “Ndakachengeta mirayiro yaBaba vangu” Johane 15:10.
     Naizvozvo, “Uyo unoti unogara maari unofanira kufamba, sazvaakafamba iye.” 1 Johane 2:6. Ndokuti, unofanirawo kuteerera mitemo yose yaMwari.

     Jesu akati:
     “Musafunga kuti ndakauya kuparadza murayiro, kana vaporofita: Handina kuuya kuparadza , asi kuzadzisa…Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.” Mateo 5:17-18.

     Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri – Zvakazarurwa, tinoona mutemo waMwari uchisimudzirwa uye kunongedzerwa kune avo vanochengeta mitemo iyoyi.
      “…ndivo ava vanochengeta mirayiro yaMwari, nokutenda kwaJesu.” “Shato…yakaenda kunorwa navakasara…vanochengeta mirayiro yaMwari.” “Vanoita mitemo yake vakaropafadzwa, kuti vave nesimba rokuuya kumuti wohupenyu, vapinde napamasuwo eguta.” Zvakazarurwa 14:12, 12:17, 22:14.

     Zvisinei nomuenzaniso waKristu, uye nemashoko ake ezvokwadi, “munhu wezvivi…iye unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari” (2 vaTesaronika 2:3-4), wakazvimisira kuisa ruoko rwake kumutemo waMwari, akazadzisa chiporofita chaDanieri 7:25 nokuita uku – iyo yakataura nezvomumwe waizomuka uye “uchatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro.” Unoda kuziva kuti ndiani here? Shoko raMwari pamwe nenhoroondo zvinoisa pachena.
     Zvakazarurwa 12:1-5 inotiisira pachena zvokuzvarwa kwaJesu. Shato huru tsvuku inomira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, “kuti iparadze mwana wake kana azvarwa.” Mukadzi unomirira kereke yaMwari, uye shato ichinzi ndiSatani (vs. 9). Ndiye wakamutsa Herode kuti ayedze kuuraya Muponesi (ona Mateo 2:13-18). “Asi muchinda mukuru waSatani mukurwisa Kristu navanhu vake mumakore okutanga munguva yechikristu waive hushe hweRoma, umo chinamato chaivemo, chaive kunamatwa kwezvifananidzo. Nokudaro, apo shato pakutanga ichimirira Satani, mupfungwa yechipiri, inomirira hushe hweRoma hwekunamatwa kwezvifananidzo.
      “Muchitsauko cha13 (chaZvakazarurwa, mavesi 1-10) munotsanangurwa chimwe chikara, ‘chakafanana neingwe,’ icho shato yakachipa ‘simba rayo, nechigaro chayo choushe, namasimba makuru.’ Chikara ichi, sekutenda kwemaKereke akawanda, chinomirira Chipapa (Sangano reKatorike) icho chakatsiva kuva nesimba nechigaro choushe nemasimba makuru aimbove nehushe hweRoma hwekare. Pamusoro pechikara ichi chakaita sengwe, chinonzi, ‘Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura….Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga. Chikapiwa masimbawo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda…” The Great Controversy, p 438-439.

     Hushe uhwu hwakabata ushe sezvakaporofitwa – kwenguva inosvika churu namazana maviri namakumi matanhatu amakore, akatangira mugore ra538 A.D. uye akasvika mu1798 A.D. apo pawaizowana vanga raifanira kuuraya (onaZvakazarurwa 13:3). “Panguva iyi Papa vakabva vava muhusungwa kuhondo yeFrance, hushe hwechiPapa hwakabva hwawana vanga rahwo raifanira kuuraya, zvakanga zvakaporofitwa zvikazadziswa…” Bhuku rimwechetero, p 439.

     Ndihwo hushe hwakafunga kushandura mutemo waMwari! Makatorike vanobvuma kuti vakatsivanisa zuva rokutanga revhiki (kana kuti Svondo) nezuva rechinomwe revhiki (kana kuti Mugovera) sesabata remutemo wechina.
     “Sechiratidzo chesimba rekereke yeKatorike, vanyori vechipapa vanonyora kuti, ‘chiitiko chimene chokushandurwa kweSabata kuti rive Svondo, zvinova zvinobvumirwa nemasangano echiPurotesitenzi;…nokuti mukuchengeta Svondo, vanobvuma simba resangano mukugadza mitambo, uye nokuvaisa pasi pechivi.’ -Henry Tuberville, An Abridgement of the Christian Doctrine, p 58. Saka chii zvino kushandurwa kwesabata, kunze kwokuti mucherechedzo kana chiratidzo, chesimba resangano re Roma – ‘chiratidzo (munembo we) chechikara’?” Bhuku rimwechetero, p 448.

     “Panguva iyi (apo hushe hweChipapa hwakapiwa vanga raiuraya) tinoisirwa mumwe mufananidzo. Muporofita anotaura: ‘Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwaiana’ (Zvakazarurwa 13:11) . Chimiro chechikara ichi pamwe nemabudire acho zvose zvinoisa pachena kuti nyika yachinomirira yakasiyana nedzimwe dziya dzinomirirwa nemifananidzo yokutanga. Madzimambo makuru akabata ushe panyika yose akaratidzwa kuna muporofita Danieri sezvikara zvinoparadza, zvichibuda ‘kana mhepo ina dzokudenga dzamutsa gungwa guru.’ Danieri 7:2. Muna Zvakazarurwa 17 mutumwa akadudzira kuti mvura zhinji zvinomirira ‘vanhu, navazhinji, namarudzi, nendimi.’ Zvakazarurwa 17:15. Mhepo mufananidzo unomirira kusagadzikana. Mhepo ina dzokudenga dzichivhuvhuta pamusoro pegungwa zvinoreva bope guru neshanduko yakaitika kuti madzimambo asvike pakubata ushe (ona Danieri 7).
      “Asi chikara chinenyanga sedzegwaiana, chakaonekwa ‘chichikwira chichibva panyika.’ Panzvimbo yokukunda mamwe masimba kuti ibate ushe, nyika iri kumirirwa inofanira kumuka munzvimbo yakange isina kugarwa pakutanga uye ikakura zvishoma nezvishoma murunyararo….
      “Inyika ipi Munyika Itsva yakange ichikura pasimba mugore ra1798…? Inyika imwechete chete inozadzisa zvimiso zvechiporofita ichi; zvinonongedzera zviri pachena kunyika yeUnited States Of America….
      “Nyanga sedzegwaiana dzinoreva huduku, kushaya chipomerwa, uye kupfava, zvichinyatsomirira United States payakaoneswa kumuporofita se ‘ichibuda’ mu1798.” Asi chimiro chechikara ichi chakapfava chinoonekwa chichizoshanduka pa “‘chakataura seshato. Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho, chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga raiuraya racho;…chichiti kune vanogara panyika, kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo, chikararama.’ Zvakazarurwa 13:11-14….Kuti United States iumbe mufananidzo wechikara, simba rezvokunamata rinofanira kushandisa simba rezvekutongwa kwenyika kuti simba renyika rigoshandiswawo nekereke kuti rizadzise zvidiso zvaro.” The Great Controversy, p 439-443.

     Izvi zvichakurumidza kuitika. “Vanga raiuraya” rave kutopora, sezviri kuratidzwa nokukurumbira uye nesimba iro Papa ari kuramba achiwana.
     “Chimiro chinotyisa zvikuru icho nyika ichasvika kwachiri. Masimba epasi rino, pakubatana kwaachaita pakurwa nemitemo yaMwari, achadzika mutemo kuti ‘vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda’ (Zvakazarurwa 13:16), vateerere kutsika dzesangano nokucherekedza sabata renhema. Vose vacharamba kuteerera vachapiwa mirango yenyika, uye zvichapedzisira zvabvumiranwa kuti vakafanirwa nokufa. Kune rumwewo rutivi, mutemo waMwari uchizivisa zuva reMusiki rokuzorora, uchida kuteererwa, uye unoyambira hasha pamusoro peavo vose vanodarikira zvimiso zvawo….
     “Sabata richava chiyero chikuru chokupima kuteerera, nokuti ndicho chokwadi chiri kupikisanwa zvakanyanya….Apo mukuchengetwa kwesabata renhema mukuteerera mutemo wenyika, zvichipesana nomutemo wechina, kuchatenge kuri kuzvimisira kuteerera simba ririkupesana naMwari, uyewo kuchengetwa kweSabata rechokwadi, mukuteerera mutemo waMwari, chiratidzo chokuteerera Musiki. Apo rimwe boka, pakugamuchira chiratidzo chokuteerera masimba epasi, rinogamuchira munembo (chiratidzo) wechikara, rimwewo richisarudza chiratidzo chokuteerea kusimba raMwari, richigashira chisimbiso chaMwari.” The Great Controversy, p 604-605.

Mwari ngaatibatsire tose kuti timumirire!