"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

KUBVUTWA  KWAKAVANZIKA  NoKUDZOKA  KWAKRISTU

     Vakristu vazhinji vanotenda kuti Kristu arikudzokazve panyika ino nemitowo miviri – wokutanga womuchivande, nomumwe achionekwa. Wokutanga uchange uri chinyararire nawo Kristu anouya kuzobvuta zvakavanzika kana kuti kubvisa vateveri vake kubva panyika ino nguva yokutambudzika kukuru isati yasvika kana nguva yenjodzi isati yaitika. Mushure memakore akawanda, kuuya kwaKristu kwapachena achionekwa kwozoitika apo vose vanenge vasina kugadzirira panguva yokubvutwa muchivande vachawana mukana wechipiri wokuzvigadzirira munguva yokutambudzika, mushure mezvo, Kristu wozouya kuzovaponesa.
     Pane magwaro mazhinji anotaura nezvekudzoka kwechipiri kwaKristu. Asi pane rimwe rawo here rinotaura nezvekudzoka chinyararire kana kwakavanzika, kana kuti ose anotaura nezvechiitiko chimwechetecho chokuuya kwokubwinya kunoonekwa?
     Mupostori Pauro anoburitsa pachena kuti kuuya kwaKristu panyika ino kuchaitika kudai:
     “Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.” 1 vaTesaronika 4:16-17.

     “Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusawora; nesu tichashandurwa.” 1 vaKorinte 15:51-52.

     Pauro wakataura kuti kana Kristu achiuya, pachava nokudanidzira, nenzwi, hwamanda, vakafa vakarurama vachamutswa, uye pamwe navakarurama vapenyu, vachatorwa pamwechete kubva pasi kundosangana naShe mumakore vasingazopatsanizve.
     Mupostori Johane unoburitsa pachena kuti kuuya kwaJesu panyika ino zvichaitika kudai:
     “Tarirai, unouya namakore, meso ose achamuona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achamuchema. Hongo, Ameni.” Zvakazarurwa 1:7.

     Johane wakataura kuti kana Kristu achiuya, uchauya namakore, meso ose panyika achamuona sechishamiso, namarudzi ose epanyika akamuramba achamuchema.
     Mutana, Davidi anoburitsa pachena kuti kuuya kwaJesu panyika ino kuchaitika kudai:
     “Mwari wedu unouya, haangarambi anyerere; mwoto unoparadza pamberi pake, dutu guru rinomukomberedza. Unodana kudenga kumusoro, napasi, kuti atongere vanhu vake; wunganidzirirai vatsvene vangu kwandiri; ivo vakaita sungano neni nezvibayiro.” Mapisarema 50:3-5.

     Davidi akataura kuti kana Kristu achiuya, haauyi muchinyararire, asi ichange iri nguva yokutonga nemoto uchipfuta kuparadza avo vanenge vaonekwa vasina kufanira; uye Mwari uchaunganidza vatsvene vake kubva panyika kuti vave naye – vari avo vakapirisa zvose kumutevera.
     Muporofita Jeremiah anoburitsa pachena kuti kuuya kwaShe panyika ino kuchaitika kudai:
     “Naizvozvo iwe uvaporofitere mashoko awa ose, uti kwavari: Jehovha uchavomba ari kumusoro, uchaburitsa izwi rake ari pawugaro hwake hutsvene; uchavombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa. Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha unegakava namarudzi, uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo…Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo wenyika…” Jeremiah 25:30-31, 33.

     Jeremiah akataura kuti kana Kristu ouya, uchadanidzira kwazvo neizwi rake; kudanidzira kuchaitika; kuchava nemhere-mhere panyika yose; Ishe uchatonga vanhu vose navose vakaipa vachaurawa.
     Kristu pachake anoburitsa pachena kuti kuuya kwake panyika ino kuchange kwakamira sei:
     “…ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi.” Mateo 24:30-31.

     Kristu akataura kuti kana achidzoka rwechipiri, pachava nechiratidzo; vanhu vose panyika vachamuona achiuya mumakore edenga nesimba nokubwinya kukuru: ruzhinji rwavanhu vose vapanyika havasi kuzofara, asi vachachema; pachave nokurira kukuru kwehwamanda; Mwari achaunganidzira vasanangurwa vake kwaari kubva kumativi ose enyika.
     Magwaro ose ari pamusoro anobvumirana pamusoro pokuti zvichange zvakaita sei kana Kristu achiuyazve panyika ino mumazuva okupedzisira. Zviratidzo zvichaitika chinguva chiduku asati asvika. Meso ose panyika, munhu wese wenyika imwe-neimwe namarudzi achamuona achidzoka musimba nokubwinya kukuru; Pachave noruzha rukuru, kudanidzira, neizwi rokudenga uye nehwamanda huru icharira; vakafira munaShe vachamutswa kubva mumabwiro avo, pamwechete navakarurama vanenge vachirarama vachatorwa kuchingamidza Ishe wavo mudenga mumakore nokuti vakasarudza kupira zvose kutevera nokuteerera Mwari. Panguva imwecheteyo, vose vanenge vasara panyika vachapiswa nomoto unoparadza wokubwinya kukuru uchange wakakomberedza Ishe nokuti vakasarudza kusamuteerera, asi vaive vakaipa uye vachange vatongwa vakawanika vasina kufanira upenyu usingaperi.
     Sezvauri kuona pachena, magwaro anotaura kuti hapana chinyararire napaduku kana Ishe wedu achidzoka panyika ino, nokuti achauya noruzha rukuru, kudanidzira, uye nehwamanda huru ichirira. Magwaro asingarevi nhema, anotaura zvakare kuti hapana zvapo chakavanzika chichaitika kana Kristu achidzoka, nokuti munhu wese panyika ino uchamuona mumakore omudenga, uye kuti vamwe vachatorwa kudenga kuti vave naShe nokusingaperi, kana kuti vamwe vachaparadzwa. Nokudaro kuti dzidziso yokubvutwa chinyararire kana zvakavanzika haina painowanikwa mumagwaro nokuti kana Kristu achidzoka zvichange zvichioneka kuti vose vaone!
     Sezvo magwaro asingadzidzisi kuti kuchange kune kubvutwa kwakavanzika, dzidziso iyi nokutenda uku kwakabva kupi? Dzidziso iyi yakabva kune mudzimai wesangano rePresbyterian panguva yaaiva muchimiro sechokurota! “Pfungwa yezvinhanho zviviri zvokuuya kwaKristu (imwe yakavanzika imwe pachena) yakatanga kuuya kumudzimai wokuScotland, muzvare Margaret MacDonald wekuPort Glasgow, panguva yaaiva sepahope ‘dzechiporofita’.” M.L. Moser, An Apologetic of Premillenialism, p 28. Nokudaro dzidziso yokubvutwa kwakavanzika haina nheyo mushoko raMwari, asi inowana mavambo ayo kubva kune dzinenge hope dzokusvikirwa!
     Asi, ko magwaro anotaura kuti Ishe achauya se “mbavha usiku,” zvirokwazvo, anotsigira rutendo mukubvutwa kwakavanzika? Asi mupostori Petro unotiudza kuti:
     “…denga riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko ireri, zvinochengeterwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari…Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: unononoka; asi unomoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vese vatendeuke. Asi zuva raShe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.” 2 Petro 3:7, 9-10.

     Petro akataura, achiwirirana namamwe magwaro ose, kuti kana Kristu achidzoka, pachange paine ruzha rukuru, uye nokupisa kukuru kuchanyungudisa nokupisa chose nyika. Hakuna kunyararire kana kuvanzika zvirokwazvo panyaya iyi! Zvinofanira kuvapachena nokudaro, kuti vara rokuti kuuya kwaKristu “sembavha usiku” haritaure zvokubvutwa muchivande, asi kuvanhu vachishamiswa, vachiwanikwa vasina kugadzirira, vasina kugadzirira mukudzoka kwaShe wavo.
     Ko mamwe magwaro anotaura nezvemumwe achitorwa mumwe achisara (ona Mateo 24:37-41); zvirokwazvo aya anotsigira rutendo mukubvutwa kwakavanzika?
     Murugwaro urwu, Kristu waipa mufananidzo pakati pokuuya kwake nenguva yaNoah nomurove – zvokuti ipapo zvirokwazvo hapana chakavanzika maererano nomurove! Avo vakapinda muAreka vakaponeswa, kuchitiwo avo vakaramba kutevera kuraira kwaMwari kworuponeso vakasiiwa kunze. Asi vakasiirweiko? Kuti vawane mumwe mukana woruponeso here? KWETE! Vakasiirwa kuparadzwa!
     Ko rutendo rwokuti Kristu uchabvuta vanhu vake vose kubva panyika nguva yokutambudzika kukuru, yenjodzi, neyekutambudzwa, uye neyokushanda kwaSatani nezvinoshamisa zvenhema isati yasvika inoti kudiniko?
     Muporofita Danieri wakataura kuti, “nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro…nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.” Danieri 12:1.

     Mupostori Johane wakataura kuti vanhu vakarurama vaMwari vachange vari vapenyu pachauya Kristu panyika ndivo “vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguwo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.” Zvakazarurwa 7:14.
     Uye mupostori Pauro wakaburitsa pachena nguva nayo kuuya kwaKristu panyika ino kuchaitika:
     “Ipapo Iye usakarurama uchaonekwa, Iye uchaurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuonekwa kwokuuya kwake; kuuya kwake Iye (Kristu) kuchaitika mushure mokushanda kwaSatani nesimba rose nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanorashika; nokuti havana-kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, kuti vose vasina- kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe.” 2 vaTesaronika 2:8-12.

     Nokudaro, Danieri, Johane, naPauro vakataura pachena kuti kuuya kwaKristu nokudzikinurwa kwavatsvene vaMwari hazviitiki nguva yenjodzi, kutambudzika kukuru, nokushanda kwaSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema zvisati zvaitika. Izvi zvose zvichanyengera vose vanorarama mukusarurama nokuti havadi kana kutevera zvokwadi, uye vose ava vachaparadzwa nokupenya kwokuonekwa kwake. Kana kuti, Kristu pachake wakanyengetera kuti Baba vake vasazotora vanhu vake “kubva panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa” Johane 17:15.

     Sezvo pasina nguva nayo kubvutwa kwakavanzika kana chinyararire kwavanhu vaMwari kubva panyika ino kuchaitika, naizvozvo hakuna mukana wechipiri wokuponeswa!
     “…Nhasi kana muchinzwa izwi rake, musaomesa moyo yenyu…” VaHeberu 3:15.

     “…tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.” 2 vaKorinte 6:2.

     Ngatinzwisisei kuti “kuponeswa kuri kure navakaipa” (Mapisarema 119:155), nokuti havaiti kuda kwaMwari kana kuchengeta mitemo yake, nokudaro kuti vanoramba vachiita chivi (1 Johane 3:3-10). Naizvozvo ngationei kuti tagadzirira ikozvino kudzoka kwaMuponesi wedu, kuitira kuti kuuya kwake kurege kuitika kana kubata mumwe wedu asina kugadzirira se “mbavha usiku” tigoraswa.
     Ngativei “vana vechiedza” (1 vaTesaronika 5:5) vanoreurura uye nokurasa zvivi zvavo (Zvirevo 28:13); avo vanofamba muchiedza chaKristu; avo “vanotya Mwari nokuchengeta mirayiro yake” (Muparidzi 12:13), uye “vanobatirira [kuna Kristu] nokutendeuka” (Zvakazarurwa 3:3). Ngatishingaire kuti “tisimbise kudanwa nokusanangurwa kwedu” (2 Petro 1:10), muchiziva kuti Mwari haasi kuzotendera mumwe wevanhu vake kuidzwa “kupfuura pamunogona napo” (1 vaKorinte 10:13). Ngatizivei kuti “vose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa” (2 Timotio 3:12), uye kuti kuburikidza nokutiwira mukutsungirira iyi “miseve yose yomwoto” (Efeso 6:10-17), uye “kunyanyisa kwokuidzwa” (1 Petro 4:12-14), uye kana kumwe kutambudzwa kuti kutenda kwedu kana kuti ndarama iri “kuidzwa mumwoto” (Zvakazarurwa 3:18). Uye kana tichinge tayerwa tiri pachokwadi, takamira “takasimba mukutenda” (1 vaKorinte 16:13) uye tikawanikwa takatendeka kusvika pakuguma, saizvozvo “tigowana ruponeso naShe wedu Jesu Kristu” uye “tigozogara pamwe naye” (1 vaTesaronika 5:9-10) nokusingaperi mu “hushe hwokudenga” (Mateo 5:10).

     “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini…Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai!” Marko 13:33, 37.