"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

SHOKO  RAMWARI  REMUTSA  ROKUPEDZISIRA KUNYIKA

     “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro kuti wakapa mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti aninani anotenda kwaari arege kufa asi ave nohupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutumira mwanakomana wake munyika kuti atonge nyika; asi kuti nyika kuburikidza naye iponeswe.” Johane 3:16-17.

     Vose vakatendeuka zvirokwazvo pachivi, uye kuburikidza nokutenda vakagamuchira ropa raKristu sechipiriso chavo chokuregerera zvivi, ruregerero rwakanyorwa pamazita avo mumabhuku kudenga; sezvo vava vagoverani pamwechete naKristu pakururama kwake, nezvimiro zvavo zvikawanikwa zvichipindirana nomutemo waMwari, zvivi zvavo zvinobva zvadzimwa, uye ivo vamene vachanzi vakakodzera hupenyu husingaperi (ona Isaya 43:25).
     Ikozvino tiri kurarama muzuva guru rokuyananiswa kwezvivi. Muhushumiri hwechiJuda, panguva apo muprista mukuru aiyananisira vaIsraeri, vose vaifanira kuchema pamweya yavo kubudikidza nokutendeuka pachivi nokuzvininipisa pamberi paJehovha, kuti varege kubviswa pakati pavanhu, saizvozvo, vose vanoda kuti mazita avo arambe ari mubhuku roupenyu, vanofanira zvino, mumazuva mashoma asara emutsa, kuchema pamweya yavo pamberi paMwari nokuzvidya moyo pamusoro pechivi nokutendeuka kwechokwadi. Panofanira kuva nokunzvera moyo kwakadzama uye kwakatendeka...Basa rokugadzirira ibasa romunhu mumwe nomumwe. Hatiponeswi tiri muzvikwata...Munhu mumwe nomumwe anofanira kuidzwa agowanikwa asina gwapa kana kuonyana kana chimwe chinhu.(1)


VAPOROFITA VENHEMA

     Apo vaporofita venhema varikudanidzira, “Rugare nokugarika,” uye vachiedza kunyaradza ndangariro dzavanhu, vachiti kumutadzi, “Usavhunduka. Zvichava zvakanaka kwauri,” inzwi ravaranda vaMwari rinofanira kunzwika richimutsa avo vakavata, richiti, “kuparadzwa kunokurumidza kuuya pamusoro pomweya mumwe nomumwe womunhu usina kumuka, uchirindira uye uchimirira kuonekwa kwaShe wavo mumakore okudenga.”(2)

     Pane basa guru rinofanira kuitwa. Shoko rokupedzisira remutsa ririkupiwa kunyika.  Zvose mupasi zvematongerwo enyika zviri kumutswa nokusagadzikana. Kune hondo neguhu rokurwa. Nyika dzatsamwa…
     Basa rinotyisa uye rinokosha rinofanira kuitwa munyika yedu navanhu vaMwari. Basa iri rinofananidzirwa nemutumwa wechitatu anobhururuka napakati pedenga. Shoko remutumwa wechitatu rinotangirwa nemashoko evatumwa wokutanga newechipiri. Shoko romutumwa wokutanga rinozivisa nguva yaMwari yokutonga. Rechipiri rinozivisa kuputsika kweBabironi.(3)


SHOKO REMUTUMWA WOKUTANGA: (Zvakazarurwa 14:6-7)

     “Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibururuka pakati pedenga; aneEvangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose. Akati nezwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai Iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”


SHOKO REMUTUMWA WECHIPIRI: (Zvakazarurwa 14:8)

     “Ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.”


SHOKO REMUTUMWA WECHITATU: (Zvakazarurwa 14:9-12)

     “Ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nezwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufanidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruwoko rwake, naiye uchanwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina-kuvenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumwoto nesurferi pamberi pavatumwa vatsene, napamberi peGwaiana. Utsi hwekutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri; havane zororo masikati nousiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo chezita racho. Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu.”

     Johane (Muzaruri) anoona vanhu vakasanangurika uye vakaparadzana nenyika, vanoramba kunamata chikara kana mufananidzo wacho, vanotakura chiratidzo chaMwari, vachichengeta sabata rake riri dzvene. Pamusoro pavo mupostori anonyora achiti, “Ndivo avo vanochengeta mirayiro yaMwari, nokutenda kwaJesu” (Zwakazarurwa14:12).


SHOKO ROMUTUMWA WECHINA: (Zvakazarurwa 18:1-5)

     “Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, aine simba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake. Akadanidzira nezwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina , nenhare yeshiri dzose dzine tsvina dzinovengwa. Nokuti marudzi ose akawa newaini yokutsamwa kwohupombwe hwaro, namadzimambo enyika akaita upombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nesimba rokuzvirasha kwaro. Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.”


CHIVI CHII?

     Chivi chii? – “kudarika murairo” (1 Johane 3:4). Mwari anopa mhosva kuBabironi, “nokuti rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwohupombwe hwaro” (Zvakazarurwa 14:8). Zvichireva kuti, harina (iwo Masangano) kucherekedza mutemo mumwe oga unonongedzera Mwari wechokwadi, rikaparadza sabata (Mugovera), chirangaridzo chaMwari chokusika.
     Mwari akaita nyika namazuva matanhatu akazorora nezuva rechinomwe, akariropafadza, uye akaritsaura kubva kune mamwe mazuva sedzvene kwaari, kuti rigozocherechedzwa navanhu vake kusvikira kumarudzi ose. Asi munhu wezvivi, achizvikudza pamusoro paMwari, achigara mutembere yaMwari, uye achizviita Mwari, akafunga kushandura nguva nemirayiro. Simba iri (Sangano reKatorike) richifunga kupa humbowo hwokuti rakanga risina kungoenzana chete naMwari, asi kuti rainge riri pamusoro paMwari, rakashandura zuva rokuzorora, rikaisa zuva rokutanga revhiki apo paifanira kunge paine rechinomwe. Uyewo Masangano eChipurotesitenzi akatora mwana uyu weChipapa kuti acherechedzwe seanokosha. Ndizvo zvinotumidzwa mushoko raMwari kuti, hupombwe hwake.


MWARI ANEGAKAVA NEMASANGANO!

     Mwari ane gakava nemasangano anhasi. Arikuzadzisa chiporofita chaJohane: “Marudzi ose akabatwa newaini yokutsamwa kwohupombwe hwaro.” Akazvirambanisa kubva kuna Mwari nokuramba kugashira chiratidzo chake. Haana Mweya wevanhu vechokwadi vaMwari vanochengeta mirayiro. Navanhu venyika, mukuchengeta sabata renhema, nokutsikirira Sabata raJehovha pasi petsoka dzavo, vakanwa waini yokutsamwa kwohupombwe hwaro.
     Mwari akaisa zuva rechinomwe parutivi sezuva rokuzorora kwake (ona Eksodo 20:8-11). Asi Munhu wezvivi akaisa sabata renhema, iro madzimambo navatengesi vanogara panyika vakaritambira uye kusimudzira pamusoro peSabata reBhaibheri. Mukuita izvi, vakasarudza chinamato chakafanana nechaKaini, akauraya munun’una wake Aberi. Kaini naAberi vose vakapa chipiriso kunaMwari. Asi chipiriso chaAberi chakatambirwa nokuti akaita sezvaidiwa naMwari. Kaini akarambwa nokuti akatevedzera zvokufunga kwake. Nokuda kwaizvozvo akatsamwa kwazvo zvakadaro zvokuti haana kuteerera kurayira kwaAberi kana yambiro nokutsiura kwaMwari, asi akauraya munun’una wake.


ZUVA ROKUZORORA RENHEMA

     Nokugamuchira zuva renhema rokuzorora masangano akazvidza Mwari. Vanhu vomunyika varikugamuchira nhema, uye vari kutsamwa nokuti vanhu vaMwari vanochengeta mirayiro havacherekedze kana kuremekedza Svondo. Mwari anoti, “Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro. Muritsivei parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridirire kaviri. Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara pachigaro choushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongooni kuchema. Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomwoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba” (Zvakazarurwa 18:5-8).

     Mwari anotaura kuti, “Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake, naiye uchanwawo waini yokutsamwa kwaMwari” (Zvakazarurwa 14:9-10). Mwari acharanga avo vanoedza kumanikidza hama dzavo kuchengeta musi wokutanga wevhiki. Vanovaidza kuti varambe ruremekedzo rwavo kuna Mwari. Vanogamuchira muchero womuti wakarambidzwa uye voedza kumanikidza vamwe kuudya. Vachaedza kumanikidza hama dzavo kushanda nezuva rechinomwe revhiki uye kuti vazorore nerokutanga. Mwari anoti kwavari, “Vachanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake” (vesi 10).
     “Zvirokwazvo munofanira kuchengeta masabata angu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai” (Eksodo 31:13). Vamwe vachaedza kuzoisa zvipingaidzo munzira yokuchengetwa kweSabata vachiti, “Hauzivi kuti Sabata izuva ripi;” asi vanoita sevanonzwisisa kana Svondo yasvika, uye vanotaridza kushingaira kukuru mukugadzirwa kwemitemo yokurichengeta, sokunge vangashandura pfungwa dzavanhu.


SABATA RAMWARI CHIRATIDZO NECHIYERO CHOKUTEERERA

     Mwari akapa vanhu Sabata sechiratidzo pakati pake navo, sechiyero chokuteerera kwavo. Avo, mushure mokunge chiedza pamusoro pemurayiro waMwari chasvika kwavari, vanoramba vasingateereri, uye vanosimudzira mirayiro yavanhu pamusoro pemurayiro waMwari, munguva huru yenjodzi iri mberi kwedu, vachagamuchira chiratidzo (munembo) chechikara. Kubudirira kwavanhu vaMwari kunotsamira pakuteerera kwavo. Jehovha vanotaura vachiti: “Zvino kana mukateerera zvakanaka mirayiro yangu, yandinokuraira nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako. Ndichameresa uswa hwemombe dzako pamafuro ako, udye, ugute. Chenjerai kuti moyo yenyu irege kunyengerwa, murege kutsauka, mukashumira vamwe vamwari, nokunamata kwavari; kuti Jehovha arege kukutsamwirai, akapfiga kudenga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kubereka zvibereko zvayo; imi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha” (Deuteronomio 11:13-17).

     Mumashandire ake neIsraeri yakare Mwari akatipa muenzaniso wetuso rinozotevera nzira yokusateerera isina kururama. Achaparadza vose vanozvidzisa kubwinya kwake, sezvaakaranga vana vaIsraeri. Avo vanozvikudza vachaninipiswa sezvakaitwa Jerusarema, nokuita kwaro, rakanyadziswa nokuderedzwa. Vanhu varo vakasarudza Barabasi, uye Mwari akavasiya nesarudzo yavo. Havana kuzviisa pasi pekuda kwaMwari, uye akavabvumira kuti vaite nenzira yavo, kuti vaite zvinangwa zvemoyo yavo isina kunatswa.
     Kristu akayambira vaJuda nezvenjodzi yavo, akavaraira kuti vadzoke kuna Mwari, asi havana kugamuchira rairiro yake yetsitsi nokuda kwokuzvikudza kukuru. Vakarambira munzira yokupanduka, uye nokuda kwokuti chidziviriro chavatumwa vaMwari chakabviswa kubva kwavari...
     Avo vanofunga kuti varikufadza Mwari nokuteerera mumwe murairo pane wake, uye nokuita mabasa akasiyana neayo anodzidziswa neEvangeri, vari kuseka Mwari. Vari kutuka Mutsvene waIsraeri…
     Apo Kristu akaona muvanhu vechiJuda nyika yarambwa naMwari, akaonawo zvakare sangano rinonzi reChikristu rakabatana nenyika uye neChipapa uye apo akamira pamusoro pegomo reMiorivi, achichema pamusoro peJerusarema kusvikira zuva ranyura kumakomo ekumavirira, saizvozvo arikutarira, nokugombedzera vatadzi munguva dzino dzekupedzisira. Nokukasika achati kuvatumwa vakabata mhepo ina, “Regai matenda asununguke. Regai dima, kuparadzwa, uye rufu zviuye pamusoro pevadariki vomutemo WANGU.” Kuti achagombedzerwa kutaura kuneavo vainge vane chiedza chakakura uye noruzivo rwukuru, sezvaakataura kuvaJuda, “Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!” (Ona Ruka 19:42).(4)


KUDZOKA KWAKRISTU KWAVAPEDYO PANE ZVINOFUNGWA NAVAZHINJI

     Hatina nguva yatinofanira kurasikirwa nayo. Masimba edima arikushanda nesimba guru, uye nokunyangira Satani ari kuswedera kuzotora avo varikuvata zvino, seshumba ichibata kudya kwayo…
     Kuuya kwaShe kwavapedyo kupfuura nguva yatakatanga kutenda nayo. Hondo huru yavapedyo nokundopera. Zvose zvatinonzwa zvenjodzi mumakungwa kana panyika (kana muchadenga) zvapupu kuzvokwadi yokuti kuguma kwezvinhu zvose kwavapedyo.(5)


DENGA ROKUWANA NEGEHENA ROKURAMBA

     Ngatizvigadzirirei, timuke, uye tivimbike, mukuteerera murayiro wose, uye tigamuchire nyasha dzaMwari. Ngati “shandire ruponeso rwedu nokutya nokudedera” (VaFiripi 2:12). Tina Mwari ane rudo uye akarurama, anotsungirira nomwoyo murefu, asi ngatirege kupedza kutsungirira kwake nokuzvikudza kwedu, nemaitire echindini, anekuzvida. Pane denga rokuwana negehena rokuramba, saizvozvo ngativei “vaiti veshoko, kwete vanzwi voga” (Jakobo 1:22).

1. Great Controversy, p 483, 489-90.
2. Last Day Events, p 64 (Letter 34, October 12, 1875).
3. Last Day Events, p 126 (Letter 98, July 10, 1900).
4. Last Day Evants, p126-28 (Letter 98, July 10, 1900).
5. Review & Herald, November 12, 1914.