"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

KUMUKA  NOKUPUTSIKA  KWOHUSHE  HWEPASI

     Muzvinyorwa zvenhoroondo yavanhu, maitire ezvinhu uye kumuka nokuputsika kwamadzimambo, zvinoita sezvinoitika nokuda kwepfungwa, simba, zvidiso kana kugona kwavanhu. Asi mushoko raMwari, mucheka wakafukidza izvi zvose unofukurwa, toona, kubudikidza muzviitiko zvino neizvo zvose zvamaitire avanhu, nhume dzaIye unetsitsi dzose, dzichiita rairo dzokuda kwake nokutiwira.
     Hakuna chimwe chipenga chorugwaro chinoburitsa nyaya iyi zviri pachena kunze kwechitsauko chepiri chaDanieri. Umu munoiswa pachena nhoroondo yose kubva panguva yaDanieri kusvikira munguva yedu.

     Panguva yaiitika zviitiko izvi, mambo Nebukadnezari nohushe hwake hweBabironi waitonga nyika yose yenguva iyo.
     Rimwe zuva usiku, mambo vakanga vari kufunga pamusoro peramangwana kuti rakamira sei. Apo achitarira guta guru iro raaitonga, wakaona sokuti rakanga rakasimba kwazvo; sezvo panguva iyo kwakanga kusina michina yehondo yaikwanisa kuputsa rusvingo rwayo. Chainge chakakomberedza rusvingo chaive chidziviriro chorwizi rwaYufratesi. Rwizi urwu rwaipfuura napakati peguta; asi parwaipinda napo muguta, paive namasuwo makuru aidzika kundosvika pasi porwizi. Seri kwamasuwo aya kwaive namasvingo aitevedza rwizi, aine pakashama paaitendera napo kupinda mukati meguta kubva kurwizi. Pakashama apa paipfigwa namasuwo makuru endarira, nokudaro kuti kunyange mumwe akakwanisa kupfuura mberi kwamasuwo parusvingo hakuna mapindire aaiita muguta kunze kwokunge masuwo endarira azaruka.


HOPE DZINOSHAMISA

     Achiri kurangarira pamusoro peizvi uye kufunga kana hushe hwake huchagara nokusingaperi, Nebukadnezari akabatwa nehope. Usiku uhu akarota hope dzinoshamisa, asi paakamuka haana kugona kurangarira kana chinhu. Kunyange zvakadaro, wakazvinzwa kuti neimwe nzira hope idzi dzaive nemhinduro kumubvunzo wake wezvemberi.
     Nokukurumidza Nebukadnezari wakadana vachenjeri vose vehushe hwake hwose kuti vamubatsire kurangarira hope dzake – zvisinei nokuti zvaida humhizha hwakadii kushandisa pakuvuka, nohun’anga, kushopera namashiripiti. Vachenjeri vakawunganidzwa, asi vakakundikana, kubudikidza nohumhizha hwose uhwu, kuzivisa hope kuna Mambo. Achiona kuti vachenjeri ava vaive vanyengeri uye kuti havagoni kumubatsira, Mambo akatsamwa zvikuru akaraira kuti vasungwe vagopfigirwa vachimirira kuurawa. Danieri neshamwari dzake, vakaverengwawo savachenjeri, asi havana kudanwa kana kuva pamberi paMambo. Zvakadaro vakasanganisirwawo pakusungwa.
     Danieri akakumbira kuti chirevo chorufu chinonoke, achivimbisa kuti waizopa kunaMambo mashoko aidikanwa. Usuku uhwo iye neshamwari dzake vakaisa chikumbiro chavo chikuru pamberi paMwari kuti vazive hope dzaMambo nokududzirwa kwadzo. Vaiziva kuti Mwari anokudza avo vanoisa vimbo yavo yose maari, nokudaro vakaenda kundovata vachigutsikana zvakazara kuti kuda kwaMwari kwaizoitika. Usiku uhwo Mwari, netsitsi akazivisa kuna Danieri kurota kwaMambo, pamwechete nezvadzaireva, kuisa pachena kuti Mwari oga anoziva zviri mberi.


CHIFANANIDZO CHAIMIRIRA HUSHE

     Hope idzi dzinoshamisa dzaive pamusoro pechifananidzo chikuru chine musoro wendarama, chipfuva namaoko acho zvaiva zvesirveri. Dumbu nezvidya zvacho zvaive zvendarira. Makumbo acho aive edare, uye tsoka nezvigunwe zvine gumi zvaive zvedare nevhu zvakasangana pamwechete (ona Danieri 2:28-33). Musoro wendarama wakatsanangurwa zviripachena kumirira Babironi (ona Danieri 2:37-38). Pasi paNebukadnezari, Babironi rainge raunganidza ndarama yenyika dzose dzayaikunda, zvichiita kuti ive nyika yakapfuma kwazvo kupfuura dzimwe dzose.
     Asi hazvisi mukuva nehukuru hwepfuma, kana mukutaridza kubudirira kuti nyika, kana vanhu vangawana simba ravo, asi kuti mukuziva nekuzadzisa kuda kwaMwari. Uye mugumo wazvo unoyerwa namaitiro azvo kuzvinangwa zvaMwari kwazviri.

     Hushe hwaNebukadnezari hweBabironi hwakaguma chete pakasvika kubata ushe muzukuru wake Berishazari, panguva iyo nyika yechipiri, inomirirwa nechipfuva namaoko esirveri, ikapinda pakubata ushe. Kazhinji, humambo hune simba ndihwo hunokunda husina, asi chiporofita chakaisa pachena kuti izvi handizvo zvaizoitika (ona Danieri 2:39). Pachifananidzo, nhoroondo yenyika inoenderera mberi kubva kumusoro kusvika kutsoka, uye neshanduko imwe neimwe yaitaridzwa nesimbi duku kune inoitangira.


BABIRONI RINOPUTSIKA

     Varwi vakabatana veMedia ne Persia vakarwisa vakakunda humambo hweBabironi, vakauraya Berishazari – mambo wokupedzisira weBabironi, naizvozvo Darius muMedia akatonga panzvimbo yake (ona Danieri 5:28-31).
     Makore anodarika zana akanga apfuura, Ishe akanga azivisa kuburikidza naIsaya nzira yaizoshandiswa kukunda Babironi, uye nohutungamiri waizoita izvi (ona Isaya 44:27-28, 45:1-2). Pasi pohutungamiri hwaKoreshi muPersia, hondo dzavaMedia navaPersia, dzakakwanisa kushandura mafambire emvura murwizi Yufratesi kwechinguvana. Munguva iyivakapinda muguta kuburikidza naparwizi rwaomeswa. Kunyange zvakadaro , kuita kwavo kungadai kusina kuvabatsira, kana dai masuwo endarira asina kusiiwa akazaruka, asina varindi, panguva apo Mambo navakuru vohushe hwake vakanga vari pakunwa pamutambo (ona Danieri 5).
     Sirveri zvairi duku kundarama pakukosha, saizvozvo Media nePesia hushe hwakanga husina simba kuBabironi pahupfumi nokugarika. Kunyange zvazvo hushe hwePersia hwakanga hwakasimba pahondo nokukura kwenzvimbo yahwo, hauna kumbosvika paBabironi kana tichitarisa pahupfumi kana dzidzo. Hushe hwePersia hwakatonga kwenguva inenge mazana maviri amakore, kubva muna 539 kusvika muna 331 B.C.

     Hushe hwunotevera, ihwo hwendarira, hunomirira hushe hwakakunda hwePersia. Tinoziva kubva munhoroondo kuti MaGiriki, vachitungamirirwa naAlexander the Great; uyo mukurwa kwakasimba kutatu (Granicus, muna 334 B.C.; Issus, muna 333 B.C. uye Arbela, muna 331 B.C.) wakakunda hondo dzePersia, akaita kuti Girisi uve hushe hwakatevera. Chokwadi ichi chenhoroondo chinonyatsoiswa pachena mune mumwe muono waDanieri, wakanyorwa muchitsauko 8, umo makatsanangurwa kuti hushe huchakunda Persia huchava Girisi (ona Danieri 8:2-8, 20-21). Ndarira chaive chicherwa chainyanya kushandiswa namaGiriki, uye ndivo vakatanga kuchishandisa mukugadzira zvombo zvokurwa.
     Roma, yaimirirwa namakumbo eDare, yakakunda hondo dzeGirisi pakurwa kwakaitika paPydna mugore ra 168 B.C. Roma ikatonga pasi rose kubva 168 B.C. kusvika A.D. 476, apo payakakundwa namarudzi aipenga aivarwisa.
     Makore anodarika mazana mashanu, Roma yaitaridzika kuti haikundwi. Mireza yake yakadzikwa kubva kuzvitsuwa zveBritain kusvika kuna Yufratesi, kubva kugungwa rokumusoro kundosvika Sahara. VanaKesari vake vainamatwa savamwari, uye nesimba rake Roma yakaita pasi rose torongo guru. Mumashoko emunyori wenhoroondo, Edward Gibbon, “Kuita nharo kwainge kwakashata, uye kubhururuka kwaisagoneka.” The Decline and Fall of the Roman Empire, vol 1, p 190.
     Pakaputsika Roma, nzvimbo yayo yakakamurwa muzvikamu gumi izvo zvinoumba nyika dzeYuropi nhasi. Sezvo dare nevhu zvinoti, pamwe pakasimba pamwe hapana kusimba, saizvozvo ndizvo zvakange zvichizoitika nenyika idzi dzeYuropi idzo dzaimiririrwa netsoka uye zvigunwe zvine gumi pachifananidzo ichi, Sezvo dare nevhu zvisingasangani kana kuvhengana pamwechete, saizvozvo nyika idzi hadzigoni kunyatsobatana pamwechete zvakakwana sesimba repasi rinokurira pachadzo.

     Masenjuri gumi namashanu adarika, varume vanesimba vakaedza kumutsiridza mbiri yekare yehumambo hweRoma, vachibatanidza pamwechete nyika dzakawanda dzeYuropi. Kutanga naCharlemagne kupfuurira mberi pamwechete naCharles V, Louis XIV, Napoleon, Kaizer William II, naAdolph Hitler – vose vakakundikana, kunyange zvazvo dzimwe nguva chinangwa ichi chaiita sechainge choda kusvikika. Mazwi maduku manomwe echiporofita akavadzivisa: “asi havanga-namatirani imwe nyika kune imwe.” Danieri 2:43. Nyika dzeYuropi, dzakazvimirira uye pachadzo, hadzimbofi dzakabatana pamwechete kuva simba rino tonga pasi rose zvakare!


HOPE NAZVINO DZICHIGERE KUZADZISWA

     Asi uku kwainge kusiri kuguma kwehope. Zvakaziviswa zvakare kuti mumazuva emadzimambo aya, Mwari wokudenga uchadzika hushe hwake hunogara nokusingaperi. Hushe uhwu hwokururama, hwunomirirwa nedombo rakarova chifananidzo patsoka dzacho, hucharamba huchikura kusvikira nyika yose ichizadzwa, uye hakuna rimwe simba rapasi richaumisa (ona Danieri 2:34-35, 44).
     Kunyange madzimambo namasimba mazhinji akaedza kuparadza Kristu – anomirirwa neDombo (ona 1 vaKorinte 10:4), uye vakarwa hondo nohushe hwaKristu hwavateveri vake vakarurama, kunyange zvakadaro hakuna mumwe wavo akanyatsobudirira kana achabudirira. Kristu nohumambo hwake achatonga zvapamusoro-soro, mbiri nezvokwadi yake zvichifukidza nokuzadza nyika semvura inofukidza pamusoro pegungwa (ona Habakkuki 2:14). Nyika dzose dzapasi dzakaipa dzichatswanyiwa sedota kana Kristu – Dombo achiuyazve mumakore okudenga.


NGUVA YOKUWIRA PADOMBO ICHIPO

     Hama, ungauya kuna Kristu nhasi, ugowira pamusoro peDombo iri guru ugoputsika mumwoyo, ugotendeuka kubva pazvivi zvako zvose kuti usimuke nokurarama upenyu hutsva ugowana mukana wokuva muhupenyu husingaperi kana ukatsungirira kusvika pakuguma? Kana zvimwe ucharamba uchizvikudza usina kutendeuka, wakabatirira kuzvivi zvako kusvikira watononoka nokusingaperi, kuti Dombo iri rine simba rogowira pamusoro pako rigokuputsanya – usina mukana wohupenyu usingaperi? Hama mudikanwi, unoda kutemwa neDombo iri ugoraswa? kana zvimwe unoda kuwana chidziviriro mukuvigwa neDombo iri kuti uponeswe? Sarudzo ndeyako.
     “Inzwai kuchema kwangu, Mwari; teererai munyengetero wangu. Ndichidana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana moyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kuDombo randisingasvikiri. Nokuti Imi makanga muri wutiziro hwangu, neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.” Mapisarema 61:1-3.

     “Pinda muDombo, uvande muguruva, nokuda kwaJehovha unotyisa, uye nokuda kwokubwinya kwohumambo hwake.” Isaya 2:10.

     “Kurumidzai, Mwari, kundirwira; kurumidzai kundibatsira, Jehovha. Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe ivo vanotsvaka mweya wangu; ngavadzoserwe shure, vashoorwe ivo vanofarira kundikuvadza. Ngavadzoserwe shure nokuda kwenyadzi dzavo ivo vanoti: hekanhi, hekanhi! waro!” Mapisarema 71:1-3.

     “Zvose Baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; nounouya kwandiri, handingatongomurashiri kunze.” Johane 6:37.