"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

CHITUKO  CHOMURAIRO

     “Nokuti vose vari vemabasa omurairo vari pasi pechituko…” VaGaratia 3:10.

     Vazhinji vanongogumira ipapa uye havadi kuverenga mberi. Kana dai mashoko aya aive pfungwa yakazara yaiburitswa namupositori Pauro, vanhu vaisapiwa havo mhosva mukutenda kuti avo vanoda kuchengeta mitemo yaMwari inegumi vari pasi pechituko. Asi mashoko aya anosiirira pfingwa inokosha iyo mupositori waida kuburitsa. Cherekedza kuti vesi iyi inoenderera mberi ichiti: “…nokuti kwakanyorwa zvichinzi, ngaave akatukwa uyo usingapfuurire mberi muzvinhu zvose zvakanyorwa mubhuku yomurairo kuti azviite.”
     Zviripo ndezvekuti, chituko chinozouya pavanhu , kwete nokuti vanochengeta murairo, asi nokuti vakakundikana kuita izvozvo. Tikanyatsotarisisa zvakanaka tinozoona kuti chituko chinorehwa chinouya nokuda kwokusateerera.
     Kusateerera kumurairo waMwari kunouyisa chituko uye chituko chinounzwa, rufu. Chitema chine rufu rwakaputirwa machiri, nokuti “kuburikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika, norufu nokuda kwezvivi” vaRoma 5:12. Pasina chivi, rufu rwaisavapo, nokuti “rumborera rwerufu chivi”1 vaKorinte 15:56. Saka sei mupositori Pauro wakati “vose vari vemabasa emurairo vari pasi pechituko”? Imhaka yokuti murairo ndiwo chituko here? Kwete, Mupositori pachake unobvuma kuti “murairo mutsvene, uye mutemo mutsvene, uye wakarurama, zvekare wakanaka” VaRoma 7:12.
     Kana dai paive nechakaipa nemurairo, taigona kuziva kwazvo kuti Kristu ungadai asina kuuzadzisa chose (ona Johane 15:10). Saka sei zvino kuti avo vose vari vemabasa omurairo vari pasi pechituko? Nokuti “vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari” vaRoma 3:23. Vose vakakundikana kuzadzisa mabasa omurairo muhupenyu hwavo. Nokudaro uyo unotsvaga kubvisa chituko ichi kubva kwaari nokuda kwokudarika murairo uyu kubudikidza nemabasa akanaka unongoramba ari pasi pechituko.
     Tinoona shoko rimwechetero pamitemo yavanhu. Mitemo inodzivisa vanhu kuti vasaita chitsotsi kana kuita musindo kuhama yako haisi chituko kana mhando yohutapwa. Asi tingabvumirana kuti mirairo inodakuunza kusununguka, uye pane mirango inopiwa kuneavo vanenge vaidarika. Nokudaro, apo mirairo iyi inenge iri kupa rusununguko kune vanoichengeta, inosunga avo vanenge vabatwa nemhosva yokuidarika. Shoko rimwechetero rinoonekwa mumirairo yomumigwagwa, uye uchinge wabatwa nemhosva yokumhanyisa, kugona kuchaira kwako hakukudziviriri kuti urege kuripa mhosva yako.
     Naizvozvo nenyaya iyi, mirairo yaMwari inegumi haina kusiyana. Jakobo unotaura pamusoro payo se “murairo wakakwana wokusunungurwa” Jakobo 1:25. Murairo uyu unogona kukamurwa muzvikamu zviviri zvinoti: mitemo mina yokutanga inotaura pamusoro pehukama hwedu kuna Mwari, ichiisa pachena kuti takafanira kurarama sei murugare noMusiki wedu – Mavambo ehupenyu hwedu. Chikamu chechipiri uye chiri chokupedzisira chine mitemo mitanhatu, chinotaura pamusoro pohukama hwedu kuna vamwe vanhu, ichiisa pachena kuti takafanira kurarama sei norugare nehama dzedu. Kuti munhu unodarika mumwe wemitemo iyi watozviisa pasi pechituko.
     Apo Mwari wakaburitsa vanhu vake vaakasarudza kubva muhutapwa hweIgipita, wakaisa pamberi pavo vimbiso mbiri. Vimbiso yokutanga yaitaura pamusoro pokuteerera uye yechipiri pamusoro pokusateerera (ona Deuteronomio 11:26-28). Apo vaizoteerera Mwari , vaizopiwa makomborero, asi apo vaisarudza kusateerera, vaigamuchira chituko. Mwari haana kutaura mashoko aya kuvaIsraeri voga. Asi mitemo iyi inegumi inobata vanhu vose. Mwari waisada kuchengetedza kodzero dzavana vaIsraeri cheteasi dzavanhu vose. Uye havasi vanhu vaIsraeri voga avo Mwari waida kuti vararame vachienderana nemitemo yehurumende yake.
     Hapana chinyorwa chimwechete zvacho cha Pauro chaunganzwa achitaura kuti murairo ngaurege kuteererwa, kana kuti wakadzimwa kana kushandurwa. Mubvunzo hausi wokuti murairo wochengetwa here asi kuti wochengetwa sei?
     Nokuda kwokuti, “vose vakatadza vakasa svika pakubwinya kwaMwari” (vaRoma 3:23) ndokudarika mutemo wake, hazvina kumbokwanisika kuti pave nomumwe ungaripa chikwerete chechivi kuburikidza nokuchengeta murairo kunyange nevaizorarama mberi – hazvina basa kuti waizova wakanaka zvakadii kana kukwana sei. Chikonzero ndechekuti murairo hauna imwe nzira yokubvisa mhosva yavanhu nayo. Hakuna zvingaitwa kumurairo kuti ubvise kana kuregerera zvivi zvakare kuti utiite vanhu vasina mhosva. Murairo unongopa mhosva uye unounza chituko cherufu pamusoro peavo vanoudarika.
     Saka zvino, zvinoitika sei kuti munhu aregererwe zvivi zvake zvakare uye agotenderwa kurarama?
     “Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo, nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo....vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu, Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananisi nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregererwa, Mwari achivaitira moyo murefu; kuti kururama kwake kuratidzwe…kuti arurame iye amene, uye aruramise uyo unotenda kuna Jesu. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda. Naizvozvo tinoti munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.” VaRoma 3:20, 24-28.

     Saka zvingoda kutenda kwoga muropa rakadeuka raKristu, kuti tive nekuregererwa zvivi zvedu zvakare, chikwerete chemhosva yedu chiripwe, chituko cherufu chibviswe, uye kuti tinzi hatina chatingapomerwa uye kuti tinzi takarurama kuburikidza nenyasha nokururama kwaKristu Jesu!
     Asi chipo ichi chokungoruramiswa kuburikidza nokutenda ndeche “kuregererwa kwezvivi zvakare” bedzi uye hachisanganisiri zvivi zvichaitwa mberi. Saka kana tichinge taruramiswa nokutenda uye taitwa vakarurama kuburikidza naKristu, tinoramba tichidarika kana kushaisa simba murairo waMwari here? Pauro unoti:
     “Zvino kana isu pakutsvaka kwedu kururamiswa muna Kristu, tikawanikwa tiri vadzivo timene, ko Kristu wavamushumiri wezvivi here? Haisva! nokuti kana ndikavaka zve zvandakamboputsa, ndinozviita mudariki.” VaGaratia 2:17-18.

     Saka mushure mekunge tamboruramiswa, tikasarudza kudarika mutemo waMwari tikaita zvivi, hatingarambi takaruramiswa nokuti tazviita vadariki vemurairo zvekare. Kristu haana kutidzikinura kubva pakukosha kwokuchengeta mitemo inegumi, asi “Kristu wakatidzikinura kubva pachituko chemurairo, nokuitwa chituko iye nokuda kwedu…” VaGaratia 3:13.
     Kristu wakagadzirira nzira kuti avo vose vanomugamuchira saMuponesi, zvivi zvavo zvekare, pamwechete nechituko chorufu zvibviswe kuti vave vakaruramiswa uye vatsvene pamberi paMwari! Izvi zvakagoneka chete nemhaka yokuti Kristu wakava chivi nokuda kwedu uye wakatitambudzikira murango werufu. Urwu rudo rwunoshamisa rwuri kuratidzwa kune munhu wose naJesu! Kristu wakabvisa chituko chomurairo kubva kwatiri nenzira yokuisa chituko pamusoro pake kuti tiruramiswe kana kuti tinzi vakarurama.
     Kana tikaverenga shoko rinoti, “Hakuna munhu unoruramiswa nemurairo pamberi paMwari, zviri pachena : nokuti wakarurama uchararama nokutenda” (vaGaratia 3:11), zvinokosha kuti tinzwisise zvinoreva mashoko anoti “kururamiswa” na “wakarurama.” “Kururamiswa” zvinoreva kuti “kunzi wakarurama kana kuti hauna mhosva” (ona Strong’s Exhaustive Concordance, vara rechiGiriki, nhamba 1344). Uyewo “wakarurama” richirevawo munhu ari “mutsvene” kana kuti “wakarurama” (Strong’s, nhamba 1342). Saka wakarurama, kana kuti mutsvene, “uchararama nokutenda.”
     Sezvo “ kusarurama kwose chivi” (1 Johane 5:17), uye “chivi chose kudarika murairo” (1 Johane 3:4) naizvozvo, kusarurama kwose kudarika murairo. Saka izvi zvinongorevawo kuti kururama kwose kuchengeta murairo iwoyo. Kuti munhu anzi akarurama, haafaniri kudarika mutemo mumwe waMwari achiziva. Pauro unonyatsoisa pachena: “nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa.” VaRoma 2:13.
     Saka kana tichinge taruramiswa tinofanira kupfuura kunzwa kwoga murairo waMwari, asi kuuita. Asi sei? Torarama sei?
     “Ndakarovererwa pamwechete naKristu, handisiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri, kurarama uku, kandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, wakandida, akazvipa nokuda kwangu.” VaGaratia 2:20.

     Chirongwa chokutendera Kristu kurarama mauri ndicho chinonzi “ndirarame kuna Mwari” (vaGaratia 2:19) uye “kufa kuzvivi” (vaRoma 6:2). Chinogona kunzi zvekare “kupfeka Ishe Jesu Kristu, uye musingatsvaki kufadza nyama, pakuchiva kwayo” vaRoma 13:14. Zvireva kuti tinenge tiri kusarudza kutevera kuda kwaMwari panguva dzose uye munzvimbo dzose. Nokudaro, tinenge tiri kutevedzera hupenyu hwaKristu, muenzaniso wedu mukuru.
     “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiirayi muenzaniso, kuti mutevere makwara ake; iye usina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuwonekwa mumuromo make .” 1 Petro 2:21-22 (ona zvakare vaEfeso 5:1-8; vaKorose 3:5-17).

     Uye sezvo Kristu wakachengeta mirairo yose yaBaba vake, kana tikamutendera kurarama mukati medu kuburikidzanokutenda, saizvozvo, tinogonawo kuchengeta mitemo yose yaMwari.
     Kuchengetwa kwemitemo yaMwari uku kuburikidza nokutenda kuti Kristu ari kurarama mukati mako, kunogona kunzizvekare kuitwa mutsvene kuburikidza nomweya, uye ndiyo tarisiro nedonzvo romukristu mumwe nomumwe wechokwadi.
     “Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa, asi zvino wakakuyananisai pamuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musine mhosva, musingapomerwi, kana muchingorambira pakutenda, makateiwa mumire makasimba, musingabviswi patariro yeEvangeri…Ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake: kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa hupfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedeni, chokuti Kristu mukati menyu tariri yokubwinya: Iye watinoparidza isu, tichiraira mumwe nomumwe nohuchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana munaKristu. Ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa zvichiitwa nokubata kwake kunobata mangu nesimba.” VaKorose 1:21-23; 26-29.

     Kuchengetwa kwemitemo yose yaMwari uku, hakuitwi nesimba redu. Mutemo uyu unongogona kuchengetwa kuburikidza naJesu oga wakanaka – ari Mwari. Kana tichizombova nekunaka mukati medu, imhaka yokuti Mwari ari kushanda matiri. Uye kana Mwari achishanda saizvozvo mutemo umwe noumwe unonyatsochengeteka!
     “Nokuti ndiye Mwari unoita mukati menyu kuda nokuita kuda kwake kwakanaka.” VaFiripi 2:13.

     “Zvino Mwari worugare, wakadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, Iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, Iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake naJesu Kristu…ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri Ameni.” VaHeberu 13:20-21.

     Kana tikatendera Mwari kusevenza matiri kuburikidza naJesu, hakuna chivi chatingakundikana kukurira tiri pamwechete!
     “Ndingaita zvose kurikidza naJesu unondipa samba.” VaFiripi 4:13.

     Kana ropa rakadeuka ra Kristu richitifukidza, zvivi zvedu zvinoregererwa, uye kururama kwaKristu kunoiswa kwatiri kuburikidza nokutenda, kuchitiruramisa kana kuti kutiita vakarurama pamberi paMwari. Zvino, apo tinosaridza kutendera Kristu kurarama matiri nokushanda kubudikidza nesu, kururama kwake kunopiwa kwatiri kuburikidza nokutendauye tinoshanda mabasa aiye “wakakudanai, kuti mubve murima muuye kuchiedza chake chinoshamisa” (1 Petro 2:9). Nokudaro kururama kwaKristu kunoiswa kwatiri nokuti takaputsa mutemo waMwari, uye kunopiwa kwatiri kuti tigogona kuuchengeta. Saka Jesu ndiye “Jehovha ndiye kururama kwedu” (Jeremiah 23:6) nokuti “wakandifukidza nguwo dzoruponeso, wakandipfedza chokufuka chokururama” (Isaya 61:10).
     Kuburikidza nokutenda kuti Mwari unoshanda mukati medu, uye mukusarudza kwedu nguva imwe neimwe kushanda tichienderana nekuda kwake kana kuti tichibatanidza kutenda nemabasa pamwechete, ndizvo zvinotiita vaiti vomurairo uye toramba takarurama. Murairo mutsvene kwazvo zvakadaro zvokuti chipimo chaunozvipangidza nacho kwatiri chakakura zvokuti hakuna unosvika pachiyero ichi nesimba rake. Kuteerera kwakakwana kunogoneka bedzi kuburikidza nesimba raMwari. Asi simba raMwari roga pasina kusarudza kwedu kurarama tichienderana nemutemo waMwari, harigoni kuita chinhu.
     “Saizvozvo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako kana kuri kwoga….unoona kuti kutenda kwake (Abrahama) kwakabatana pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa?...Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.” Jakobo 2:17, 22, 26.

     Mwari haangagoni kukurira chivi panzvimbo yedu pasina rubatsiro rwedu! Tingava nekutenda kwose kuri munyika, asi kutenda kwoga hakutigonese kuchengeta mitemo yose yaMwari. Tinofanira kurarama tichienderana nokutenda kwedu. Kutenda kwedu ngakuve kwakachenjera uye kune hupenyu, kwete kwakafa uye kusina kuchenjera. Saka kurikidza nokutenda zvatinogamuchira Ishe Jeu, Iye unorarama mutemo wake wakakwana matiri.
     “Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu , kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.” VaGaratia 3:23-25.

     Nemamwe mazwi, taiva pasi pechituko chomurairo nemhaka yokunge taudarika tikatadza. Murairo waisagona kutiregerera asi somuperekedzi wakatiratidza zviri pachena kuti Kristu ndiye nzira chete yokusunungurwa kubva pasi pechituko chahwo, nenzira yokucheneswa uye nokururamiswa kuburikidza nokutenda muropa rake rakadeuka. Nokudaro, kutenda zvakwakasvika, hatichadi muperekedzi kutinongedzera kuna Kristu kuti ticheneswe – nokuti takaruramiswa kare kubva kuzvivi.
     Vamwe vanofunga kuti tsamba iyi inodzidzisa kuti pane nguva iyo kutenda kwaifanira kusvika, uye kuti vanhu vaifanira kuchengeta murairo kusvika panguva iyi. Saka vanofunga kuti kutenda zvakwakasvika vanhu vakabva vasunungurwa kubva kumurairo kubva panguva iyo. Kusvika kwokutenda uku kunofunidzirwa kuti kwakangofanana nokuuya kwaKristu panyika. Asi kutenda kunosvika riini?
     “Zvino kutenda kunouya kuburikidza nokunzwa, uye kunzwa neshoko raMwari.” VaRoma 10:17.

     Kana tichinge tagamuchira shoko raMwari – shoko rechipikirwa mumoyo yedu, rinounza pamwechete naro kuzara kwomutemo waMwari uye kana tikasarwa nechokwadi ichi, asi tikazvipa kwachiri, zvino kutenda kunohupenyu kunobva kwasvika kwatiri uye tinobva tavavakasununguka zvirokwazvo.
      Kristu haana kuuya kutiponesa tiri muzvivi zvedu (ona Mateo 1:21). Ruponeso rwaanotipa hakusi kungosunungurwa kubva kumurango wechivi, asi kutokurira chivi chimene. “Kristu wakatisunungura kubva kuchituko chomurairo” (VaGaratia 3:13), kubva kuchivi norufu. Izvi wakazvikwanisa kuburikidza “nokuitwa chituko Iye panzvimbo yedu,” nokudaro tinosunungurwa kuti tirege kungoramba tichitadza – kwete kubva pakuchengeta mutemo waMwari. Chivi hachingavi nesimba pamusoro pako kana ukangogamuchira Kristu muzvokwadi saMuponesi wako, uchimubvumira kuti ararame mauri uye kusanganisira newewo worambira mukusarudza kumushandira nokumuteerera kunze kwokuzvishandira iwe nguva dzose misi yose.
     “Akati kwavari vose, kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe anditevere…Nokuti ani nani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana wo munhu uchanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene….(nokuti) Iye Kristu wakazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera.” Ruka 9:23, 26; VaHeberu 5:9.