"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

MASHOKO  ECHOKWADI  ANOSVIKA  ZANA  PAMUSORO  POMUBVUNZO  WESABATA

Sei tichifanira kuchengeta zuva reSabata?
Chii chinangwa chaicho cheSabata?
Rakasikwa riini, ndiani akarisika, uye rakaitirwa ani?
Nderipi zuva riri Sabata rechokwadi?
Vazhinji vanochengeta musi wokutanga wevhiki, kanaSvondo.
Vane rutsigiro rwupi rweBhaibheri mukuita izvi?
Vamwe vanochengeta zuva rechinomwe, kana Mugovera.
Rugwaro rwupi rwavanarwo pakudaro?

     Heano mashoko echokwadi pamusoro pemazuva aya maviri, sezvaano budiswa mushoko raMwari.


Zvokwadi inosvika makumi matanhatu pamusoro pezuva rechinomwe revhiki

1. Mushure mokushanda mazuva matanhatu evhiki mukusika nyika ino, Mwari akazorora nezuva rechinomwe. Genesi 2:1-3.
2. Izvi zvakabva zvaita kuti zuva iri rinzi zuva rekuzorora raMwari, kana zuva reSabata, sezvo zuva reSabata richireva zuva rekuzorora. Semuenzaniso: Kana munhu achinge aberekwa nerimwe zuva, zuva iri rinobva rava zuva rokuzvarwa kwake. Saka apo Mwari akazorora nezuva rechinomwe, zuva iro rakave zororo rake, kana zuva reSabata.
3. Naizvozvo zuva rechinomwe rinofanira kuva zuva reSabata nguva dzose. Ungashandura zuva rawakaberekwa kubva pazuva rako chairo ukariisa pane rausina kuberekwa here? Kwete. Haungagoniwo kushandura zuva rezororo raMwari ukariisa pane raasina kuzorora. Nokudaro zuva rechinomwe richiri Sabata raMwari.
4. Musiki akaropafadza zuva rechinomwe. Genesi 2:3.
5. Akaita musi wechinomwe mutsvene. Exodo 20:11.
6. Mwari akariita zuva reSabata mubindu reEdeni. Genesi 2:1-3.
7. Rakaitwa pasati pave nekuputsika, saka harisi mufananidzo, nokuti mifananidzo yakazounzwa mushure mokuputsika.
8. Jesu akati rakaitirwa munhu (Marko 2:27); ndokuti ravanhu vose, nokuti vara rokuti munhu harina warinosiya, saka nderevaHedeni pamwechete navaJuda.
9. Izuva rokurangarira kusika. Exodo 20:11, 31:17. Nguva dzose apo tinozorora nezuva rechinomwe, sezvakaitwa naMwari pakusika, tinengetiri kurangarira chiitiko ichi chikuru.
10. Rakapiwa kuna Adama, Mutungamiri wemarudzi ose avanhu. Marko 2:27; Genesi 2:1-3.
11. Saka kuburikidza naye, semumiririri wedu, rakasvika kunyika dzose. Mabasa AvaApostora 17:26.
12. Harisi ramaJuda, nokuti rakaitwa makore ane zvuuru zviri nemazana matatu pasati pave nemuJuda.
13. Bhaibheri hariritumidzi kuti sabata ramaJuda asi kuti “Sabata raJehovha Mwari wako.” Vanhu vanofanira kungwarira matorero avanoita zororo dzvene raMwari.
14. Zvinyorwa zvinehumbowo hweSabata zviripo munguva dzezvizvarwa zvokutanga. Genesi 2:1-3, 8:10, 12, 29:27-28, etc.
15. Raiva mumwe wemirawu yaMwari tisati tasvika paSinai. Eksodo 16:4, 27-29.
16. Mwari akariisa pakati pemitemo yake inegumi. Eksodo 20:1-17. Sei akariisa ipapo kana dai risina kuita seimwe mitemo mipfumbamwe, iyo vose vanobvuma kuti haina kuguma?
17. Zuva reSabata rechinomwe rakapiwa neizwi raMwari mupenyu. Deuteronomio 4:12-13.
18. Ndokubva azonyora mutemo uyu nemunwe wake. Eksodo 31:18.
19. Akaunyorera mudombo rinogara, kuisa pachena kuti hariperi. Deuteronomio 5:22.
20. Rakabva rachengetedzwa mukati meareka munzvimbo tsvene tsvene. Deuteronomio 10:1-5.
21. Mwari wakadzivisa kubata basa nezuva reSabata, kunyange nenguva dzekubatikana. Eksodo 34:21.
22. Mwari wakaparadza VaIsraeri murenje nokuti vakange vamhura Sabata. Ezekieri 12:12-13.
23. Ndicho chiratidzo chaMwari wechokwadi, chinotizivisa Mwari kubva kuna vamwari venhema. Ezekieri 20:20.
24. Mwari wakavimbisa kuti Jerusarema richagara nokusingaperi kana vaJuda vakachengeta Sabata. Jeremia 17:24-25.
25. Akavatumira Babironi vari muhusungwa nokuda kwokuriputsa. Nehemia 13:18.
26. Akaparadza Jerusarema nokuda kwokurityora. Jeremia 7:27.
27. Mwari akavimbisa chikomborero chakatsanangurika pamusoro pevaHedeni vose vanorichengeta. Isaya 56:6-7.
28. Izvi zviri muchiporofita chinotaura chete pamusoro penguva yechiKristu. Ona Isaya 56.
29. Mwari akavimbisa kuropafadza munhu mumwe nomumwe unochengeta Sabata. Isaya 56:2.
30. Jehovha unoda kuti tiritumidze kuti, “rinofanira kukudzwa.” Isaya 58:13. Ngwarira, iwe, unofarira kuritumidza kuti “sabata rekare ramaJuda” “joko rohuranda,” etc.
31. Mushure mekunge Sabata dzvene rakatsikirirwa pasi “kwemakore mazhinji,” ririkufanira kumutsiridzwa mumazuva ekupedzisira. Isaya 58:12-13.
32. Vaporofita vose vatsvene vakachengeta zuva rechinomwe.
33. Mwanakomana waMwari paakauya, wakachengeta zuva rechinomwe hupenyu hwake hwose. Ruka 4:16; Johane 15:10. Nokudaro wakatevera muenzaniso waBaba vake pakusika. Hatingaiti zvimwechetezvo here zvokutevedzera mienzaniso yaBaba pamwechete noMwanakomana?
34. Zuva rechinomwe izuva raShe. Ona Zvakazarurwa 1:10; Marko 2:28; Isaya 58:13; Eksodo 20:10.
35. Jesu waiva Ishe weSabata (Marko 2:28); ndokuti wairida pamwe nokuri chengetedza, somurume ariishe womukadzi, kuti amude nokumuchengetedza. 1 Petro 3:6.
36. Wakaisa Sabata pachena sechiitiko chetsitsi chakagadzirwa kunakira munhu. Marko 2:23-28.
37. Panzvimbo yokudzima Sabata, wakanatsodzidzisa kuti ringacherechedzwa sei. Mateo 12:1-13.
38. Wakadzidzisa vadzidzi vake kuti vaisafanira kuita chimwe chinhu muzuva reSabata kunze kwezvaiva “pamurairo.” Mateo 12:12.
39. Wakaraira vadzidzi vake kuti Sabata raifanira kucherechedzwa mukunyengetera mukupera kwemakore makumi matatu iye wamuka kubva kuvakafa. Mateo 24:20 (kutiza kwavo kwakaitika mugore ra A.D. 66).
40. Madzimai akatendeka akanga aina Jesu akanatsochengeta zuva rechinomwe mushure merufu rwake. Ruka 23:56.
41. Kwapera makore makumi matatu Jesu amuka, Mweya mutsvene unoritumidza kuti, “zuva reSabata.” Mabasa avaApostora 13:14.
42. Pauro, muapostora kuvahedeni, wakaritumidfza kuti “zuva reSabata” mugore ra A.D. 45. Mabasa avaApostora 13:27. Kuti Pauro waisaziva? Kana kuti totenda vadzidzisi vazvino, avo vanosimbirira pakuti rakaguma kuva Sabata pakumuka kwaKristu?
43. Ruka, munyori wenhoroondo yechikristu, zvaaiva akafemerwa nomweya waMwari, wakanyora achiritumidza kuti “zuva reSabata,” kumakore ana A.D. 62. Mabasa avaApostora 13:44.
44. Vahedeni vakatendeuka vakaritumidza Sabata. Mabasa avaApostora 13:42.
45. Mumusangano mukuru wechikristu, mugore ra A.D. 52, pamberi pavaApostora nezvuuru zvavadzidzi, Jakobo unoritumidza, “zuva reSabata.” Mabasa avaApostora 15:21.
46. Yakanga iri tsika kuita ungano dzeminamato muzuva iri. Mabasa avaApostora 16:13.
47. Pauro waiverenga magwaro muwungano dzeruzhinji muzuva iri. Mabasa avaApostora 17:2-3.
48. Yaive tsika yake kuparidza nezuva iri. Mabasa avaApostora 17:2.
49. Bhuku raMabasa avaApostora roga rinotipa humbowo hunosvika makumi masere neina yemisangano yakaitwa muzuva iri. Ona Mabasa avaApostora 13:4, 44, 16:13, 17:2, 18:4, 11.
50. Pakange pasina kupokana pakati pavaJuda namakristu pamusoro pezuva reSabata. Ndihwo humbowo kuti makristu akange achiri kucherekedza zuva rimwechetero savaJuda.
51. Pamhosva dzose dzavakapomera Pauro, Havana kumupomera mhosva yokusacherekedza zuva reSabata. Sei vasina kudaro kana dai iye asina kurichengeta?
52. Pauri pachake wakataura kuti wakachengeta murairo. “Handina kutadzira murairo wavaJuda, kana tembere, kana Kesari.” Mabasa avaApostora 25:8. Izvi zvaingava chokwadi sei kana dai iye asina kuchengeta Sabata?
53. Sabata rinotaurwa nezvaro mutestamende itsva kanokwana makumi mashanu nepfumbamwe, uye richingori nekuremekedzeka kwaro, richingova nezita rimwechete seraraiva naro mutestamende yekare, “zuva reSabata.”
54. Hakuna izwi rimwechete zvaro rakambotaurwa mutestamende itsva pamusoro pokuti Sabata rakadzimwa, kubviswa, kushandurwa kana kumwe kutaura zvako.
55. Mwari havana kutendera munhu mumwe zvake kuti ashande mariri. Ko zvino iwe muverengi, unoita mabasa ako nezuva rechinomwe nesimba ripi?
56. Hakuna mukristu mutestamende itsva, Jesu amuka, kana asati, wakamboita mamwe mabasa muzuva rechinomwe. Kana une pamwechete pawakawana pakadaro, tichasiyana nenyaya iyi. Sei vakristu vazvino vachiita zvakasiyana kubva kumakristu eBhaibheri?
57. Hakuna pakanyorwa panoti Mwari akabvisa zvikomborero zvake, kana hutsvene kubva kuzuva rechinomwe.
58. Sezvo Sabata raichengetwa muEdeni chivi chisati chavepo, saizvozvo richachengetwa nokusingaperi munyika itsva kana zvose zvapera. Isaya 66:22-23.
59. Zuva rechinomwe reSabata waive mutemo unokosha pamitemo inegumi yaMwari, sekungotaurwa kwawakaitwa nomuromo wake, ukanyorwa nomunwe wake padombo paSinai. (Ona Eksodo 20.) Jesu zvaakazotanga basa rake, wakaisa pachena kuti haana kuuya kuzoparadza murairo. “Musafunga kuti ndakauya kuparadza murairo, kana vaporofita.” Mateo 5:17.
60. Jesu wakapa mhosva zvikuru kuvaFarise savanyengeri mukunyepera kuda Mwari, asi panguva imwecheteyo vaiputsa mumwe wemitemo inegumi netsika dzavo: Zvimwechetezvo, kuchengetwa kweSvondo kuputsa murairo waMwari uye ingoritsikawo yavanhu.

     Zvino, taisa pamberi penyu zviri pachena, mashoko echokwadi makumi matanhatu pamusoro pezuva rechinomwe. Uchaiteiko nawo?


Mashoko Echokwadi Makumi Mana Pamusoro pezuva Rokutanga Kwevhiki

1. Chinhu chokutanga chakanyorwa muBhaibheri ibasa rakaitwa nomusi weSvondo, musi wokutanga wevhiki. Genesi 1:1-5. Izvi zvaitwa noMusiki pachake. Kana Mwari wakasika nyika nomusi weSvondo, chingava chinhu chakaipa here kuti isu tishande nomusi weSvondo?
2. Mwari unoraira vanhu kushanda pamusi wokutanga wevhiki. Eksodo 20:8-11. Zvakaipa here kuteerera Mwari?
3. Hakuna mumwechete wemadzitateguru vezvipikirwa vakarichengeta.
4. Hakuna muporofita mumwe akarichengeta.
5. Kuburukidza nokuraira kwaMwari, vanhu vake vatsvene vakashandisa zuva rokutanga kwevhiki sezuva rokuita mamwe mabasa kwenguva inosvika zvuuru zvina zvamakore.
6. Mwari pachake unoritumidza zuva “rokushanda.” Ezekieri 46:1.
7. Mwari haana kuzorora pariri.
8. Haana kuriropafadza.
9. Kristu haana kuzorora pariri.
10. Jesu waiva muvezi (Marko 6:3) uye wakashanda pabasa rake kusvika ava namakore makumi matatu. Wakachengeta Sabata asi akashanda mazuva matanhatu pavhiki zvinobvumwa nomunhu wose. Nokudaro wakaita mabasa mazhinji anorema nomusi weSvondo.
11. VaApostora vakashanda pariri panguva imwecheteyo.
12. VaApostora Havana kumbozorora pariri.
13. Kristu haana kuriropafadza.
14. Harina kumboropafadzwa kana nesimba ripi zvaro raMwari.
15. Harina kumboitwa dzvene.
16. Hakuna mutemo wakapiwa kusimbisa kuchengetwa kwaro; nokudaro hakuzi kudarika mutemo kushanda mariri. “Nokuti pasina mutemo, hapana zvivi.” VaRoma 4:15; (1 Johane 3:4).
17. Hapana panodzivisa kuitwa basa nomusi weSvondo mutestamende itsva.
18. Hapana murango unopiwa anorityora.
19. Hapana chikomborero chakavimbiswa kupiwa anorichengeta.
20. Hapana mirawu yakatarwa inotaura kuti rinofanira kuchengetwa sei. Zvaingava izvo here kana dai Ishe vaida kuti richengetwe?
21. Haritumidzwi kuti Sabata rechikristu.
22. Haritumidzwi kuti zuva reSabata zvachose.
23. Haritumidzwi kuti zuva raShe.
24. Haritumidzwi kutiwo zuva rekuzorora.
25. Hakuna zita rimwewo rinokosha rarinotumidzwa naro. Saka sei tingariti idzvene?
26. Rinongotumidzwa “zuva rokutanga revhiki.”
27. Jesu haana nepaakamboritaura kana napaduku – kana kumbotaurawo nezita raro sezvitaura zvinyorwa.
28. Inzwi rokuti Svondo harina kumbowanikwa muBhaibheri zvachose.
29. Mwari, Kristu, kana vanhu vaimutswa noMweya waMwari, hapana vambotaura izwi rimwechete mukurikurudzira sezuva dzvene.
30. Zuva rokutanga revhiki rinongotaurwa kasere chete mutestamende yose itsva. Mateo 28:1; Marko 16:2, 9; Ruka 24:1; Johane 20:1, 19; Mabasa avaApostora 20:7; 1 vaKorinte 16:2.
31. Mavesi matanhatu pana iwaya anotaura pamusoro pechiitiko chimwechete.
32. Pauro wakaraira vatsvene kuti vaone nezvemabasa avo nomusi wokutanga wevhiki. 1 vaKorinte 16:2.
33. Mutestamende itsva yose, tine pamwechete pakanyorwa pakaunganwa zvokunamata nezuva iri. Mabasa avaApostora 20:5-12.
34. Hapana pangambofudzirwa kuti pakazomboitika chitiko ichi zvakare mberi kana kare.
35. Yakanga isiri tsika yavo kuungana muzuva iri.
36. Wakanga usiri mutemo kumedura chingwa muzuva iri.
37. Tine pamwechete kwoga pakangoitika chiitiko ichi. Mabasa Avaapostora 20:7.
38. Zvakaitika usiku – pakati pousiku padarika. Mavesi 7-11. Jesu wakaita mutambo uyu musi wechina manheru (Ruka 22), uye vadzidzi vaigona kuita mazuva ose dzimwe nguva. Mabasa avaApostora 2:42-46.
39. Hapana pamwechete Bhibheri parinoti zuva rokutanga kwevhiki mucherechedzo wokumuka kwaKristu. Iyi itsika yavanhu, inoshaisa samba murairo waMwari. Mateo 15:1-9. Rubhabhatidzo ndirwo rwunocherechedza kuvigwa nokumuka kwaJesu. VaRoma 6:3-5.
40. Kupedzisira, Testamende itsva yakanyarara pamusoro pokushandurwa kwezuva rechinomwe riri zuva reSabata raMwari kana kumwe kuremekedzwa kuchipiwa Svondo – musi wokutanga wevhiki.


     Mushure mokuongorora zana ramashoko echokwadi eBhaibheri pamusoro pomubvunzo uyu, tichiisa pachena zvakazara kuti zuva rechinomwe revhiki, kana Mugovera ndiro Sabata raJehovha muTestamende yekare neitsva, takafanira kuitei kumutemo wechina waMwari?
     “Nokuti pane imwe nzvimbo wakataura pamusoro pezuva rechinomwe, achiti: Mwari wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ose….Zvino zororo reSabata ravanhu vaMwari richipo. Nokuti uyo wakapinda muzororo rake, wakazorora iye amene pamabasa ake, saMwari pana ake. Naizvozvo ngatishingaire kuti tipinde muzororo irero kuti munhu arege kuvapo anozova achitevere nzira iyo yokusateerera.” VaHeberu 4:4, 9-11.

      “Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake. Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo ake, murevi wenhema, zvokwadi haizi maari; asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo….Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, tichiita mirairo yake. Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.” 1 Johane 2:3-5, 5:2-3.

     “Vakaropafadzwa avo vanoita mirairo yake, kuti vave nesimba rokuuya kumuti wohupenyu, uye vapinde napamasuwo eguta (raMwari). Kunze ndiko kunembwa, navaroyi, nemhombwe, navaurayi, navanonamata zvifananidzo, navose vanoda nhema vachidziita.” Zvakazarurwa 22:14-15.

     “Zvino shoko guru ratanzwa heri: Itya Mwari uchengete mirairo yake: nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, nezvakavanzika, kunyange zvakanaka kana zvakaipa.” Muparidzi 12:13-14.