"LET THERE BE LIGHT" Ministries
home  |  Zimbabwean Tracts

ZVINO  MWARI  WAKATAURA  MASHOKO  AWA…

I
Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

II
Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti Ini JEHOVHA, MWARI wako, ndiri MWARI unegodo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga; ndichiitira nyasha vane zvuuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu.

III
Usareva zita raJEHOVHA MWARI wako pasina; nokuti JEHOVHA haangaregi kupa mhosva unoreva zita rake pasina.

IV
Rangarira zuva reSabata kuti urichengete rive dzvene. Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose; asi zuva rechinomwe[Mugovera] iSabata raJEHOVHA MWARI wako: usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako uri mukati mamasuwo ako; nokuti namazuva matanhatu JEHOVHA wakaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe[Mugovera]; naizvozvo JEHOVHA wakaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.

V
Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJEHOVHA MWARI wako.

VI
Usauraya.

VII
Usaita upombwe.

VIII
Usaba.

IX
Usapupurira wokwako nhema.

X
Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako.
Exodo 20:3-17.


Kwainowanika Mutestamende Itsva

       I     Mateo 4:10             VI     Jakobo 2:11
        II     1 Johane 5:21       VII     Marko 10:19
         III     1 Timotio 6:1         VIII     Mateo 19:18
          IV     Marko 2:27-28       IX     VaRoma 13:9
           V     VaEfeso 6:1-2        X     VaRoma 7:1, 7


     Sungano yangu handingaiputsi, kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu. Mapisarema 89:34.

     Nokuti Ini JEHOVHA, handishanduki… Maraki 3:6.

     Musafunga kuti ndakauya kuparadza murairo, kana vaporofita: Handina kuuya kuparadza, asi kuzadzisa. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga nepasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose. Naizvozvo mumwe nomumwe unoputsa mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, uchanzi muduku muhushe hwokudenga; asi uchaiita , akaidzidzisa uchanzi mukuru muhushe hwokudenga. Mateo 5:17-19.

     …Nokuti Imi JEHOVHA makairopafadza, zvino icharopafadzwa nokusingaperi. 1 Makoronike 17:27.

     Mirairo yenyu yose izvokwadi. Mapisarema 119:151.

     Nomurau wenyu wose izvokwadi. Mapisarema 119:142.

     Nokuti JEHOVHA wakanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi. Mapisarema 100:5.

     Mirairo yake yose yakasimba. Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, yakaitwa nezvokwadi nokururama. Mapisarema 111:7-8.

     Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga [ona Exodo 20:8-11], kuti mufambe mauri. 2 Johane 1:6.

     Uyo, unoti, ndinomuziva, usingachengeti mirairo yake, murevi wenhema zvokwadi haizi maari. 1 Johane 2:4.



MASHANDURIRWO AKAITWA NOMUNHU ZVAKATAURWA NAMWARI

MAKATORIKE:

     “Ungaverenga Bhaibheri kubva kuna Genesi kusvika kuna Zvakazarurwa, haufi wakawana pamwechete zvapo, panotsigira kutsaurwa kweSvondo. Magwaro anosimbisa kuchengetwa kweMugovera, zuva ratisina kumbobvira tayeresa.” Jams Cardinal Gibbons, The Faith of Our Fathers (1917 ed.) p 72-73.

     “Mubvunzo. -Mungapa humbowo hupi kuti sangano rinesimba kuraira mitambo namazuva ezororo?
     “Mhinduro. -Nechiitiko chimene chokushandura Sabata kuriita Svondo, zvinova zvinobvumwa namaPurotesitenzi; nokudaro vanozvipikisa pachavo, nokuchengeta Svondo zvakaperera, vachityora mimwe mitambo mizhinji inorairwa nesangano rimwechetero.” Henry Tuberville, An Abridgement of the Christian Doctrine (1833 approbation), p 58 (Shoko rimwechetero rinowanikwa muManual of Christian Doctrine, ed. By Daniel Ferris [1916 ed.], p 67).

     “Mubvunzo, -Mune imwe nzira here yamungapa nayo humbowo kuti Kereke (Sangano) rine simba kudzika mirairo yemitambo here?
     “Mhinduro, -Kana dai rakanga risina samba iri, ringadai risina kuita chiitiko icho zvitendero zvazvino zvinobvumirana naye, -ringadai risina kudzika kuchengetwa kweSvondo musi wokutanga wevhiki, panzvimbo yeMugovera musi wechinomwe wevhiki, kushandura uko kusingatsigirwi neshoko raMwari.” -Stephen Keenan, A Doctrinal Catechism (3rd ed), p 174.

     “Kereke yeKatorike,…nesimba rarakapiwa naMwari, rashandura zuva kubva paMugovera kuenda paSvondo.” -The Catholic Mirror, official organ of Cardinal Gibbons, September 23, 1893.


Vakuru veKatorike vanobvuma kuti hakuna rairo muBhaibheri yekutsaurwa kweSvondo

      “Kana dai tikabvunza Bhibheri roga, tichiri kufanira kuchengeta zuva reSabata riri dzvene, riri Mugovera.” -John Laux, A course in Religion for Catholic High Schools and Academics, vol 1 (1936 ed.), p 51. Tashandisa mashoko aya nemvumo kubva kuBenziger Brothers, inc., varidzi vechinyorwa ichi.

     “Isangano dzvene reKatorike rakashandura zuva rokuzorora kubva paMugovera, kuenda paSvondo, musi wokutanga wevhiki. Harina kungokonzeresa vose chete kuchengeta Svondo, asi pamusangano weLaodicea, A.D. 364, rakatozoraira chituko pamusoro peavo vose vanochengeta Sabata uye rikakurudzira vanhu vose kushanda nomusi wechinomwe paine murango wechituko.
     “Nyika yose yazvino inoteerera sangano ripi? Mapurotesitenzi anotitumidza mazita ose akashata avangafunga-AntiKristu, Chikara chitsvuku, Babironi, etc, uye panguva imwecheteyo vachitaridza kukoshesa zvikuru Bhaibheri, asi nechiitiko chavo chokuchengeta Svondo, vanobvuma simba resangano reKatorike.
     “Bhaibheri rinoti: ‘Rangarira zuva reSabata kuti uri chengete rive dzvene.’ Asi sangano reKatorike rinoti, ‘kwete, chengeta zuva rokutanga revhiki,’ uye pasi rose rinopfugama mukuriteerera.”
          -Father T. Enright
          Roman Catholic Priest
          Kansas City, MO.
     (Mashoko ose ari pamusoro akatapwa kubva kuvanyori veKatorike uye/kana kuti akaburitswa neCatholic publishing houses.)


MAPUROTESITENZI:

ANGLICAN:

      “Ndapapi zvapo patinoudzwa mumagwaro kuti takafanira kuchengeta musi wokutanga wevhiki? Tinorairwa kuti tichengete wechinomwe, asi hatina patinorairwa kuchengeta musi wokutanga,…Zvikonzero nei tichichengeta musi wokutanga wevhiki uri mutsvene panzvimbo yewechinomwe ndizvo zvimwechete nei tichichengeta zvimwe zvinhu zvakawanda, kwete nokuti Bhaibheri rakazvitaura, asi kuti, sangano rakazvisimbisa.” -Isaac Williams (Anglican), Plain Sermons on the Catechism, vol 1, p 334, 336.

BAPTIST:

      Dr. Edward T. Hiscox (Baptist): “Paive uye pane mutemo kuti tichengete zuva reSabata riri dzvene, asi zuva reSabata rakanga risiri Svondo. Kunyange zvakadaro, zvichataurwa uye senesimba rokukunda, kuti Sabata rakabviswa kubva pachinomwe kuiswa pamusi wokutanga wevhiki….Chinyorwa chekuitika uku chinowanikwa kupi? Hachiwanikwi muTestamende Itsva,-kwete hachiwanikwi.” -Chiverengo chakaverengwa August 20, 1893, pamusangano wevafundisi veBaptist kuSaratoga, New York.

CONGREGATIONALIST:

     Dr. R. W. Dale (British Congregationalist): “Zviri pachena kuti , hazvina basa kuti tazvipira zvakadini kana nesimba rakadii mukuchengeta Svondo, hatisi kuchengeta Sabata….Sabata rakaumbwa nomurawu wakatsanangurika waMwari. Hatingagoni kuti murawu uyu ndiwo unotisunga kuti tichengete Svondo….Hakuna mutsara mumwechete zvawo muTestamende Itsva unotaura kuti tinenge tiri pasi pomurango upi zvawo nokuputsa hunganzi hutsvene hweSvondo.” -The Ten Commandments, p 127-129.

LUTHERAN:

     “Tona kuti pfungwa yeSabata rechiJuda yadzima zvishoma nezvishoma sei kubva mundangariro dzesangano rechikristu, uye kuti pfungwa itsva maererano nokuchengetwa kwemusi wokutanga yapinda sei musangano. Taona kuti makristu emumasenjuri matatu ekutanga aisakanganiswa nerimwe rawo, asi kwenguva vakambopemberera ose.” -The Sunday Problem (1923 ed.), a study book of the United Lutheran Church, p 36.

     “Mutambo weSvondo, semimwe mitambo yose, wakagara uri mutambo wavanhu, uye haina haina kumbobva yavapfungwa yavaapostora kudzika murawu maererano nenyaya iyi, kwete kwavari, kana kusangano ravaapostora vokutanga, kuti vabvise mitemo yeSabata kuiisa paSvondo.” -The History of the Christian Religion and Church, Dr. Augustus Neander, p 186.


METHODIST:

     Methodist Episcopal Theological Compend, by Amos Dinney: “Ichokwadi kuti hakuna murairo wakatsanangurika wokubapatidzwa kwavacheche….kana wokuchengetwa kwemusi wokutanga wevhiki uri mutsvene.” -Pages 180-181.


     Mapurotesitenzi vanochengeta Svondo pasi resimba ripi? Zviri pachena kuti pasi pesimba reiroSangano reKatorike iro ravakasiya.

     Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa heri: Itya Mwari uchengete mirairo yake: nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Muparidzi 12:13.